Uncategorized

Mafashamu emvura – Zvino ndodii?

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
GORE negore, Zhizha neZhizha, tinonzwa kuti pane mota dzayeredzwa nemvura pamazambuko nemumigwagwa yakawanda. Vazhinji muchiri kutondera tsaona pana rwizi Runde.

Zvichida muchiri kurangarira zvakare tsaona yeparwizi Suswe. Heino dzidziso ingakuyamura muna ramangwana.

Kuipa kwemafashamu:

Matayi emota haazonyatsotsiki pasi kana kwaita mafashamu.

Izvi zvinobva zvareva kuti mudhiraivho wedu unenge wave kutonetsa kushandisa.

Mota inokwanisa kuita madiro aGeorgina, ichienda kwainoda kwausingatarisire.

Motokari inokwanisa kutoyeredzwa sechikepe nesimba remvura. Rimwe dambudziko guru nderekuti mafashamu anokwanisa kuviga makomba anenge avharwa nemvura mumugwagwa. Mutyairi anogona kupinda mugomba irori asingafungire izvo zvine ngozi.

Herino zano:

Kana ukaona zambuko rakazara kana mugwagwa wafushirwa nemafashamu emvura, tendeuka utsvake imwe nzira.

Kana pasina, tyaira uende pakakwirira, womirira ipapo wakadekara kusvika mvura yaserera. Rangarirazve kuti mvura inotaridzika kuva shoma haidhererwi nekuti pasi payo hauzivi zviripo.

Unogona kutsika gomba guru zvinokuvadza motokari yako.

Zvaungade kuziva pamusoro pemafashamu:

1) Mvura ikaita udzamu hunopfuura 13 cm inoenzana nemagonhi emota diki zhinji. Izvi zvinogona kukonzeresa kudzima kwemota uye inochitanga kunetsa kunangisa mumugwagwa.

2) Kutyaira motokari uchipinda muguvi remvura ringadarike udzamu hwe15 cm kunokonzera kuti mutyairi atadze kubata nekunangisa mota yake nemazvo.

3) Motokari zhinji dzinoyangarara sezvikepe mumvura ine hudzamu 30,8 cm kana kudarika.

4) Kana mvura ikaita hudzamu hwe60 cm zvichienda mberi, mota zhinji dzinoyeredzwa. Izvi zvinosanganisira ma“pick-up”, chero dziya dzinonzi ma“4×4” dzinosimudzwa sekapepa.

5) Zvinonzi izvo chero nyanzvi yekutuhwina inokwanisa kuzotisiya kana ichinge yayeredzwa nemvura yakadai.

 

 

Share This:

Sponsored Links