Magadhijeri voendesana kumatare

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKADZI nemurume, avo vose vanoshanda semagadhijeri, vakambosiya basa ravo rekuchengetedza vasungwa apo vakazvuvirana kudare.
Nyarai Chimukasa akamhan’arira Thedius Chimukasa kuHarare Civil Court achida $170 yekuchengeta vana vavo vaviri.

Nyarai akaudza dare kuti: “Baba ava vakandisiya nevana ivo vachienda kunofara neshamwarikadzi yavo. Ari kudya mari neshamwarikadzi yake ini nevana tichitambura.

“Ndinoda $170 pamwedzi yekuti ndikwanise kuchengeta vana zvakanaka.

“Tinoshanda basa rimwe chete tiri magadhijeri saka ndinonyatsoziva kuti mari iyi anoiwana zvakare ndiforomani pane rimwe purazi, anokwanisa kundipa mari iyi.”

Thedius akati anokwanisa kubhadhara $80 pamwedzi sezvo achibatirwa mari yakawanda pamwedzi yenzvimbo yekugara yavaiva vatenga vari pamwe chete. “Mari yataurwa yakawandisa, hakuna kwandinoiwana. Anonyatsoziva kuti ndinobatirwa $150 pamwedzi yenzvimbo yekugara yatakatenga. Anofunga kuti ndikamupa mari iyoyo ini ndinosara ndichirarama sei?

Mari yatinotambira yakafanana saka iyewo anofanira kutorawo chikamu chake pakuchengeta vana kwete zvake zvekutarisira mari kwandiri chete,” akadaro Thedius.Mutongi Gamuchirai Siwardie akati Thedius abhadhare $120 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links