‘Magaya ari kutihwinisa’

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
‘Magaya ari kutihwinisa’

Kwayedza

MURAIRIDZI weGunners FC, iyo iri kukwikwidza muligi reNorthern Region Division One — Kuda Masaraure — anoti minamato yaProphet Walter Magaya veProphetic Healing and Deliverance Ministries avo vanove muridzi wechikwata ichi iri kuvahwinisa mitambo yavo uye ndiyo ichavabatsira kudzoka muligi rePremier Soccer League gore rinotevera.

Chikwata cheGunners chakapedzisira kutambira muligi rePSL mugore ra2012 uye parizvino ndicho chiri kutungamira muligi reDivision One Northern Region apo  pamitambo 19 yachatamba chiine zvibodzwa 42.

Mumitambo yeGunners miviri yadarika, haina  kutamba zvakanaka sezvo yakaita mangange neSeven Flames 1-1 uye 0-0 neTwalumba.

Zvakadaro, svondo rino Masaraure akati ari kufara nekuti  chikwata chake ndicho chave panyanga muligi iri ndokutsidza kuti chicharwa semvumba kuti chirambe chiripo.

Masaraure anoti minamato yaProphet Magaya iri kushanda zvikuru nekuti chikwata chavo chiri kutamba nhabvu inodakadza.  Anoti Prophet Magaya vane rudo nemutambo wenhabvu zvikuru uye vanouya kumitambo yavo mizhinji pamwe nekuzoona chikwata ichi chichigadzirira kunhandare yeLarfage muHarare. Masaraure anoti kuuya kwaProphet Magaya kuzoona chikwata ichi chichigadzirira mitambo yacho pamwe nepachinenge chichitamba kunokomborera nekusimudzira morari yevatambi.

“Chikwata chedu isu ndechekereke yaMagaya uye murume uyu ane rudo nemutambo wenhabvu, anotisimudzira zvikuru.

“Kuti tisvike patave apa minamato yake pamwe nemakomborero ake saka isu tinopa kutenda zvikuru kwaari nebasa raari kuita. Muporofita vanouya kumitambo yedu mizhinji pamwe nekuzotiona tichiita gadziriro dzedu pese pavanenge vakwanisa.

Zvisinei nekuti Muporofita Magaya munhu anowandirwa nebasa, nhabvu vanoida, vanoikoshesa zvikuru.

“Vatambi vedu vakatonzwa kuti VaMagaya varipo vanotamba nhabvu inodakadza uye tinotohwina chete.

“Parizvino tisu tiri panyanga muligi uye tinoda kuramba tiripo kuti tidzokera muligi rePSL gore rinotevera,” akadaro Masaraure.

Zvakadaro svondo rino Gunners ichasangana neRoyal Classic  kunhandare yeLafarge.

“Svondo rino tinoda kuhwina mutambo wedu neRoyal Classic kuitira kuti tirambe tiri panyanga,” akadaro Masaraure.

Mune mimwe mitambo yeDivision One Northern Region iriko svondo rino, Flame Lilly, iyo iri kufemera mugotsi meGunners, ichasangana neBindura United  kuChikurubi kozoti Mushowani Stars ichakweshana neNgezi Platinum kuChaminuka Stadium. Mumutambo wayo wekupedzisira, Flame Lilly yakakunda DC Academy 1-0 saka kana ichida kuenda pamusoro peligi iri inotofanirwa kukunda Bindura United svondo rino.

Log standing
P    W    D    L    F    A    PTS
Gunners    19    12    6    1    26    8    42
FLAME LILLY    19    12    5    2    17    4    41
Mushowani    19    12    3    4    25    10    39
Bindura United    18    11    3    4    17    11    36
Ngezi Platinum    19    9    4    6    21    11    31
Commando    19    6    8    5    18    16    26
Lake Harvest    19    8    2    9    24    25    26
Starbill    19    7    4    7    18    20    25
Black Mambas    18    7    3    8    25    14    24
DSTV RANGERS    19    6    6    7    18    18    24
Seven Flames    19    5    8    6    19    28    23
ZRP Morris    18    5    7    6    14    14    22
DC ACADEMY    19    5    7    7    17    19    22
Karoi United    19    6    4    9    17    19    22
Blue Swallows    18    5    4    9    13    16    19
TWALUMBA    19    4    6    9    10    18    19
Chegutu Pirates    19    5    3    11    10    22    18
Royal Classics    19    2    1    16    9    45    7

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey