Magetsi: Shaisa mufaro chaiyo!

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Magetsi: Shaisa  mufaro chaiyo!

Kwayedza

CHAVE chisionekwi umhandara hwaamai! Pandinogaroona mamiriro aita motokari yomumwe mutungamiri webato rinopikisa, ndinozvibvunza kuti aizviziva here kuti ingozi kutuka amai nokuti unotanda botso? Zvinenge zvichiita kunge zviri kuendeka, asi paduku paduku saga reshuga rakapedzwa netiisipunu.

Ndinodaro nokuti savanhu vane shamwari dzine mari, dai vatove kufamba membishi dzichangobva kuburwa. Asi handizvo nokuti hapachisina musiyano pakati pavo noruzhinji rwagara rwuchitatarika kutsvaga raramo. Vakatuka Zimbabwe!

Ndati ndingopfuura zvangu naipapa ndisati ndapinda mune gobvu rinenge dete. Magetsi, magetsi, magetsi – shaisa mufaro chaiyo!

Yave fungira mumoyo rwendo rwembwa kuti nguva yati rebei moto wamagetsi uchishaika munzvimbo dzakawanda dzenyika. Hazvichamisi ruzhinji rweZimbabwe nokuti upenyu kukwidza uyewo materu.

Pakatemerwa nyika zvirango zvoupfumi pakaimbwa kambo kokuti, “Rambai makashinga”, kusunga zviuno chaiko.

Yaive yambiro yokuti matambudziko atakasikirwa muziso nevatinodya navo mundiro hapana anoziva kuti achapera riini.

Hezvi nhasi uno tiri pakati pawo.Vazhinji vave kuzeza kuti kunyange zvazvo mwaka wemvura wakanaka, asi vanenge vachimbobika nei, uyewo mudzimba vanenge vachishandisa mwenje wakaita sei, nokuti kunyange wakatenga marambi, anoda magetsi. Upfumi masimba amagetsi. Ugaro hwechizvino-zvino, magetsi. Magetsi mumadhorobha, kumaruwa nokumapurazi. Magetsi, magetsi, magetsi!

Kugomera kuri kuita bazi rinopa masimba amagetsi (ZESA) kwakaonekwa musi weChishanu pakadzima magetsi munzvimbo dzakawanda uyewo zvikakonzera kuti musangano webato reZanu-PF wePolitburo upere nguva yawo isati yakwana. Apa ndipo patakaona kuipa kwazvo.

Mumigwagwa munove mazara motokari dambudziko rakave rokushanda kwamarobhotsi. Izvi zvakakanganisa kufamba kwemotokari.

Kazhinji kana zvangovhiringika kudai, zvinopa vatyairi vakawanda ukasha. Kana vaKristu chaivo vanoshaikwa mumwe nomumwe achida kupinda chete. Motokari dzakatakura varwere dzinosungirwa kuwana mukana, panenge pasisina anofunga kuti dzipihwe mukana dzinotora varwere kana kusvitsa varwere kuchipatara.

Zvakawanda zvinovhiringidzwa kana magetsi akadzima, kunyanya munzvimbo dzine migwagwa ine marobhotsi.

Asi, mubvunzo wagara uchishaya anopindura ndewokuti mapurisa aye aunoona ari pese pese pama”road block” asi vanochaisa basa panongoenda magetsi chete?

Sei mapurisa achishaikwa pamarobhotsi nedzimwe mharadzano dzakakosha kuitira kuti vanhu vafambe zvakanaka?

Zvinganonoka zvishoma, asi pakawana munhu anenge achiti motokari ngadzifambe zvakadai, zvinove nyore.

Mumwe mutyairi anoti musi woMugovera wapfuura vakapedza maawa maviri vari parobhoti nokuti vatyairi vakange vave kuita mazvake mazvake. Chainetsa ndechokuti robhoti iri riri pedyo pedyo zvikuru nekamba yamapurisa, asi hapaa mupurisa kana mumwe chete zvake akauya kuzobatsira kusvika vanhu vazofonera mapurisa kukamba huru muguta. Pavakauya, vakange vari mapurisa vasina aya anonzi ma“reflector” kuitira kuti vaonekwe nokuti aive manheru.

Kana mukati meguta, marobhotsi akafa pedyo nekamba yamapurisa, uye motokari dzinowandawo kana kwanaya kana kuti paita tsaona. Asi hapana mapurisa anouya kubatsira kuti motokari dzipanane mukana nokufamba zvakanaka.

Hongo zvimwe zvacho zvinongoda kuti vatyairi vashandise pfungwa, vopanana mukana kwete kuda kungofungirwa nemupurisa.

Tave kuziva kuti kune vazhinji vari pamabasa vanoti ndinoshanda zvakakwanirana nemari yandinotambira.

Mukwende aifunga kuti kubatsira pamarobhotsi rimwe basa ramapurisa nokuti kunyange tichikura, mabhuku ataiverenga okuyambuka migwagwa zviri pamurawo aive nemifananidzo yamupurisa achibatsira vanhu. Vazhinji vakaziva kuyambuka mugwagwa vasati vauya kudhorobha naizvozvo.

Unofunga kuti Zimbabwe yacho imbori yaani, kana zvakakosha zvisingakosheswi.

Mapurisa ndivo vanotichengetedza, vakazvipira, pese pese, uye nomoyo unoda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>