maguta muzvikoro!‘…Nzara inovhiringa dzidzo yemwana’

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
maguta muzvikoro!‘…Nzara inovhiringa dzidzo yemwana’ VaRaymond Gwashure

Kwayedza

Daphne Machiri
HURUMENDE iri kurumbidzwa nechirongwa chayakavamba chekupa vana chikafu muzvikoro zvepuraimari rinova danho rinonzi riri kuita kuti vana ava vadzidze vakasununguka.

Muhurukuro neKwayedza – VaRaymond Gwashure, avo vanove mukuru wechikoro cheDemberero Primary School chiri Bindura South, kuMashonaland Central – vanoti chirongwa cheSchool Feeding Programme chiri kubatsira zvakanyanya munyaya dzedzidzo.

“Mwana akaguta haadofore muchikoro. Munzvimbo yatiri, vana vazhinji ndevemumapurazi naizvozvo kuwana kunosiyana.

“Vazhinji vevana vaikotsira vari pakati pezvidzidzo, vamwe vasisauya kuchikoro nekuda kwenzara asi zvose izvi zvakapera nekuuya kwechirongwa ichi,” vanodaro VaGwashure .

Vanoti chirongwa ichi chinoderedza matambudziko akasiyana anosangana nevana sekusiira chikoro panzira nekuda kwehurombo.

“Chirongwa ichi chabatsira vana zvakanyanya, temu ino kubva tichivhura vana vari kuuya kuchikoro zvakanaka. Vana vave nepfungwa dzine utano.

“Vana vakawana chikafu chine utano zvinorevawo kuti kupaswa pachikoro kunosimukira,” vanodaro.

VaGwashure vanoti pakubika kwavanoita chikafu chinodyiwa nevana, vanobatsirwa nevabereki.

“Ndinotenda vabereki vevana vanodzidza pano nekuuya nemvura, huni dzekubikisa uye vamwe vanototibatsira zvakare nekuunza zvakaita sechibage, nyemba nebhinzi zvatinobikira vana.

“Tinotenda zvakare MP Remigious Matangira (mumiriri weBindura South mudare reNational Assembly) nekutibatsira kwavari kuita muchirongwa ichi pamwe nekuvandudza dzimba dzepachikoro dzekudzidzira,” vanodaro VaGwashure.

“Tinopa vana vedu zvakaita sesadza nemuriwo, nyemba, bhinzi, soya mince nezvimwe zvakasiyana-siyana izvo zvinovaka muviri.

“Kana mwana akasaguta, kudzidza kwake kunonetsa uye haatonzwisise zvaanenge achidzidziswa kana kuita basa ravanenge vapihwa nevadzidzisi. Chikafu ichi tinovapa kamwe chete pazuva,” vanodaro VaGwashure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>