Uncategorized

Mai Mugabe vasvitsa 50

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Mai Mugabe vasvitsa 50

Kwayedza

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Dr Grace Mugabe, vasvitsa makore 50 okuberekwa neChina chino, 23 Chikunguru.

Komiti iri kuronga nezvemhemberero dzebhavhadhe ravo, yeAmai Dr Grace Mugabe @ 50 Organising Committee, inoti kuchaitwa mabiko emhemberero nemusi weMugovera, 25 Chikunguru, kuBlue Roof Residence, Borrowdale Brook, muHarare.

First Lady Amai Dr Grace Mugabe ndiPatron wemasangano akanangana nekusimudzira upenyu hwevanhu nenzira dzakasiyana anoti The Grace Mugabe Foundation, Danhiko Trust, Aids Counselling Trust neZimbabwe National Association of Mental Health.

Mamwe avari Patron zvakare ndeanoti The Adult Literacy Organisation in Zimbabwe neMusha Mukadzi Zimbabwe Armed Forces Trust.

Zvichakadai, vangade kupa rutsigiro vakasununguka kubatsira masangano aya nenzira dzavanokwanisa sekupa mari kana zvimwe zvinhu zvekushandisa.

Kwayedza iri kuti: “Makorokoto Amai!

Share This:

Sponsored Links