Maidei anotadza kubata pamuviri

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

ONGORORO (Enderero mberi):

Mazwi anotaurwa nemuroora ainge akafanana nekudira munyu paronda nyoro izvo zvinonzi, “Akange abaya chembere paronda ranga richanyenama, ronda raipisa” (129). Meja ainge avigwa kuseri kwemusha izvo zvinonzi, “Akaita churu seri kwemusha” (130).Mukukurukura kunoita babamunini Tafirenyika nehanzvadzi yavo, murume uyu anoti kuita kwaMeja nababa vaTapiwa kwekutadza kugutsikana nemadzimai avo kunodimikirwa kuchinzi kana vakatadza kugonyera pamwe vakomana ava paingava negodobori angarumike “chakabaya chikatyokera” (130) aingazvigona?

Kuenzanisa kana kufananidza tinokuonawo kuchishandiswa. Matsanangurirwo anoitwa magokora ababamunini Tafirenyika anoitwa sokudai: “Aikaronge achatunga tuzvidya twavo twainge murenje vatete vaingoshinyira vachipfikura “semwana ari kurumwa mumachira” (128).

Chembere yabaiwa nemazwi ataurwa nemuroora asi vanotoseka zvavo kachikuwe “kunge rugare” (129). Tsanangudzo maererano naBabamunini Tafirenyika inoendeera mberi iye zvino tonzwa kuti kabvi kavo “kaikaronge kachatunga muhovhorosi yavainge vapfeka” (130).

Apo babamunini vanokweva bute vanorovanisa tuzvanza twavo twaiita “semapande” (131) iko kachirebvu kavo kakati mburetete “sechimera chiri pazuva” (131). Chembere iri kushungurudzika nekufa kwevana vayo. Izvi zvinoburitswa nekutaura kwavo apo vanoti kuona zuva nezuva vana vayo vachingofushirwa “semarara” (131).

“HUPENYU” naValerie Chaukura

Nyaya yacho:

Ndokunge muri muhotera apo munyori anoona mumwe mukadzi ane maronda manyoro akagara ega munyori ndokuenda paaive kwava kumutengera doro zvekuti munhu anonyevenuka ndokutanga kupa nhoroondo yeupenyu hwake.

Anoti upenyu hwake hwakatanga kushanduka mugore ra1980 apo baba vake, avo vaive muriritiri wemhuri, vakafa mutsaona yebhazi rakatsika chimbambaira. Mumhuri mavo maiva nevanasikana chete, amai vakanzi vatute twavo sezvo vainge varambwa kugarwa nhaka nababamunini.

Amai vake nemhuri yavo vanonogara mupurazi raive pedyo ndokutanga kunwa hwahwa vachiita chipfambi asi vanoedza kuyambira vana vavo nezvekuipa kweupenyu hwakadai.

Musikana uyu, Maidei, anodanana nemumwe mudzidzisi wepapurazi kwava kuroorwa zvakanaka asi ava nemba yake pamuviri panoramba kubata zvinoita kuti arambwe nemurume.

Amai vake vafambira vanoudzwa kuti Maidei haazoita mwana kusvika mudzimu wababa vake vagadzirwa.

Izvi zvava kureva kuti amai vaMaidei vaitodzoka kumusha kwavakanga vakaroorwa kuti vagorova guva. Izvi pane zvinoti netsei asi vanozoenda havo kumusha kunovatsanangurira zvaitadzisa Maidei kuita mbereko. Amai vanozobvuma kugarwa nhaka kuti zvinhu zvifambe.

Maidei anomboedza kuchipatara kuna chiremba asi hapana chinobuda. Arambwa, Maidei zvinomurwadza kuti madzitezvara vakatora roora raakabvisirwa vachiratidza sekunge vaimufarira asi iye zvine hapana achada kunzwa nezvake. Anofunga zvekutsvaga basa ndokubva ariwana iro raida munhu anoshanda mumba.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links