Maidei ava pfambi

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

“HUPENYU” naValeria Chaukura (133-135)

Nyay yacho (Enderero mberi):

Panozomuka dambudziko rekuti baba vepamba vakatanga kuita meso meso, ava kutya kuti kana akataurira mai vemba aibva anzi ipfambi yaida kuputsa muchato wavo. Anosiya basa kwava kunotsvaga rimwe. Ndipo apo anosangana nemumwe musikana aiziva nezvenzvimbo yekutsvagira vanhu mabasa yeemployment exchange ndokuti aigona kumbogara kumba kwake achitsvaga basa.

Nzvimbo yaigarwa nevasikana vakawanda iri nzira yekuti vabatsirane pakubhadhara rendi izvo zvisina kuzivikanwa naMaidei. Basa rinomuka nderechipfambi Maidei ndokumbotanga achiti atsvage mari yekukwirisa bhazi aende kumusha asi anozopedzesera ave mazviri. Achiri mwana aivenga fodya nehwahwa asi iye zvino ave chidza chaicho. Panobva papinda mumwe akatsvinda chaizvo ndokubva atorana naMaidei ndokuenda.

ONGORORO

Mukanyaya aka zvirungamutauro zvakafanana netsumo, madimikira neenzaniso zviri kushaikwa zvachose asi mutauro uri pachena (plain language) washandiswa unonyatsa kuburitsa nhunha dzemunyori zvisingatemesi muverengi musoro. Chirungamutauro chimwe icho tingati tingataura nezvacho kushandiswa kunoitwa dzokoro papeji 134 apo tinosangana nemazwi anoti, “. . . zvakamuodza moyo” tozosanganazve nemazwi mamwe chete papeji 135.

Tinoona kuti pane zvinhu zviviri zvisingafadzi Maidei. Chekutanga ndechekuti apo anorambwa nemurume, hazvaiita kuti aende kumusha kwababa vake sezvo pakanga pasina kufambidzana pakati pehama dzekwababa nedzekwaamai vake nekudaro paisazove neaizvipira kuzomuchengeta.

Chechipiri chisingamufadzi ndechekuti paakatanga kuita zvechipfambi aifunga kuti ndezvenguva iyoyo chete asi sandizvo zvakazoitika. Anozoona atopinda zvizere mazviri pasisina kudzoka mumashure.

Musoro wekanyaya aka “Hupenyu” hunonyatsoenderana nezviri kutaurwa mukanyaya aka. Maidei ari kupa nhoroondo yeupenyu hwake nezvaakaona nekupinda mazviri (experiences). Munyori ari kuterera zviri kutaurwa munhoroondo iyi. Maidei akapinda mune zvaakapinda nekusada kwake.

Chokutanga baba vaive ivo chete muriritiri vanofa mutsaona yebhazi rinotsika chimbambaira. Amai vake havagamuchirwi muhama dzevarume vavo nekuti vakangozvara vanasikana chete. Achiti aroorwawo zvakanaka ndipo paanobva ashaya mbereko kwava kurambwa nemurume. Ati awane basa remumba, baba vemumba umu voita meso meso kwaari, basa ndokubva arisiya. Ati atsvage mari basa raigona kumupa iyoyo nderechipfambi chete raanotanga achiti kutsvaga mari yebhazi yekuti akwirise bhazi aone kuenda kumusha asi hazvizodaro.

“NHUMBI DZOMUFI” naKeresia Chateuka (137-138)

Nyaya yacho:

Mai Mambanje vanozvara ano magomana matatu ayo asina shungu neupenyu vachiita basa rekuputa mbanje pamwe nemusindo nekuba. Vakadzi vaibhura zvekubhura zviya izvi. Asi amai ava vanoedza kuriritira mhuri yavo vachienda kuSouth Africa kunotengesa madhoiri. Murume wavo aiitawo basa raimupa kamari kadiki-diki.

Basa rokutengesa iri rinozovaremera zvokuti vanotanga kuperezeka muviri nekushaiwa simba izvo zvinoita kuti vambokanganwa zvekuenda kuSouth Africa. Kwapera mwedzi mitanhatu munhu anofuga rake oga. Panobuda zvirehwa-rehwa ndokubuda shoko rokuti amai vaigarorohwa nevana vavo nekudaro hama dzavo dzakati hadziparadzi nhumbi dzomufi kana pasina kuripwa.

 

(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links