Mainini ochemera vana vamaiguru

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAHOSI vakaendesa nyachide pabarika ravo kudare vachiti ane tsika yekuenda kuchikoro kwevana vavo osvikonyeba kuvakuru vechikoro kuti ndiye amai vevana ava.

Precious Chiukira akaendesa Stella Mapfudze kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevana vake.

“Changamire, mukadzi uyu ishamwarikadzi yemurume wangu, zvino anopota achiuya kumba kwangu achindituka nekundishora chimiro changu,” anodaro.

Mapfudza anoti haasi shamwarikadzi asi kuti akaroorwa pabarika naChi- ukira. Anoti kuchikoro anoenda nekuti anenge achida kuona vana sezvo vari vemurume wake. Mutongi Larzin Ncube akapa Chiukira gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey