Makambani ngaatsigire nhabvu: Shamu

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Makambani ngaatsigire nhabvu: Shamu

Kwayedza

CDE WEBSTER SHAMUGURUKOTA rinoona nezvemishina yekufambiswa kwemashoko neposvo, Cde Webster Shamu, vanoti zvakakosha kuti makambani akasiyana-siyana atsigire nhabvu uye kuti vatambi vemunyika muno vawane raramo kuburikidza nemutambo uyu.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare apo vaive muenzi anoremekedzwa pakaparurwa makwikwi eOne Wallet ayo ari kukotsverwa nekambani NetOne.

Vakati nhabvu yemuno iri kudzikira zvikuru zvichitevera kutiza kuri kuita vamwe vatambi vachienda kunotambira zvikwata zvekuEurope nedzimwe nyika dzakaita seSouth Africa.

Cde Shamu vanoti vanodawo kuona vatambi vekuEurope vachiita makwikwi ekumhanyira kuuya kuzotambira nhabvu zvikwata zvemuno. “Makambani ese emuno ane basa rekusimbisa nhabvu yedu yemuno.

“Tinoda chaizvo kuona makambani akaita seNetOne iyi pamwe neEconet nemamwe achibatana kudira mari yekukotsvera nhabvu pamwe nezvikwata zvese zviri muligi kuti ligi redu risimbe uye vatambi vedu vave nehupenyu hwakanaka sehwevatambi vekuEurope. Tinotodawo kuona zvikwata zvemuno zvichitenga vatambi kubva kuEurope ikoko, kwete kuti isu tisu tinongovapawo vatambi bedzi,” vakadaro Cde Shamu.

Vakaenderera mberi ndokukurudzira vanyori vemapepanhau akasiyana kuti vasangoshoropodze nhabvu yemuno pamwe nevakotsveri kana vaona chakaipa asi kuti vashoropodze zvine kuvaka mukati.

“Imi vemapepanhau tinoziva kuti ibasa renyu kana mukaona chakaipa munoshoropodza, asi musangoshoropodze nguva dzese. Zivai kuti mune simba rekuparadza saka pamunoita basa renyu shoropodzai zvinovakawo mukati.

“Chimwe chinhu chikuru tsigirai nhabvu yemuno pamwe nevatambi vemuno sezvamunoita vatambi vekuEurope.

“Tinonzwa muchinyora kuti mutambi nhingi wekuEurope aita chakati, mudzimai wake ave mwana mukomana. Ko kumbonyorawo kuti mudzimai waMurape Murape abara mapatya?

“Ngatitsigirei nhabvu yedu, ibasa redu tese,” vakadaro Cde Shamu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>