Uncategorized

Makati Ed pfee, totiwo makorokoto!

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Makati Ed pfee, totiwo makorokoto!

Kwayedza

Mukwende Washe

KUSHAIKWA pandima mazuva apfuura aya tange tiri pane imwe ndima. Pfungwa dzichitenderera, maziso nerimwe divi ainyatsoongorora kuda kuona kuti zvii zvichabuda musarudzo.

Aiwa vana veZimbabwe, Mukwende haadi kusvora. Zvaakaona, akaona nokuti ane ziso riya rinonzi nemuimbi aita mbiri, mwana wavaZumba Jah Prayzah, paraona rinosiya chidhindo. Rakasiya zvidhindo pese pese.

Kana dziri nzeve, dzakanzwa dzikaneta – zvinoendeka kusanganisira makorwa. Asika mutambo uya wesarudzo dzomusi wa30 July wakasvika kwamvurayacheka makumbo. Chatangwa chinotopera bedzi.

Haiwawo, zvakapera kani kunyange mukatatamuka tsinga muchiti hazvina. Matauriro omudzimai kana murume arambwa tinoaziva, asi zvakapera, nyika yatove pane chimwe chikamu.

Vanhu vangasweromirira vanhu vanozvigadza ushe? Waipindirei mumakwikwi kana yakanga iri garoziva kuti chigaro ndechako? Waitambisirei nguva nemari kana zvose zvakange zviri muchechetere mvura yeguvi? Ndichadoma zvangu mazita nyaya ichifamba.

VanaSamanyika vanowanzodaidzwa vachinzi vanaWasu, vanotaura vachiti zvimwe zvinhu hazvidi kuenda ku“skuru” ba, kuti uzive kwabviwa nokuri kuendwa. Zviri pachena sadhiraivha wetirakita.

Kana sarudzo dzacho dzakange dzisina kuvanzika kubva padzakatanga, zvaizorema sei kuti vanhu vazive akunda neasina, kunyange maive neruzhinji rwaikwikwidza? Kana vomuno mudunhu reSadc, African Union, COMESA, vana European Union, Carter Centre vakange vazere muno vachiongorora, vamwe vavo vachitsvaga mhosva chete asi kana naivowo vave kugutsikana kuti wakarakashwa iwe.

Asika, pese panoitwa makwikwi, pane mumwe anotokunda, ogadzwa hushe. Hapana munhu anozvigadza hushe iye ange ari mumakwikwi. Makwikwi ane mutemo, ndokusaka paine vanoongorora kuona kuti aitwa nemazvo here.

Ndiwo mutoro wakange wakatsigwa nesangano rinofambisa sarudzo, reZimbabwe Electoral Commission. Pavakaripedza musi wa3 Nyamavhuvhu, sachigaro waro Justice Priscilla Chigumba achitura kunyika kuti akunda musarudzo dzemutungamiri wenyika ndiCde Emmerson Dambudzo Mnangagwa veZanu-PF, ukuwo vaNelson Chamisa vaimirira mubatanidzwa wemapato weMDC Alliance, vachive nhamba 2 takati, zvino hamuchioni kugona kufambisa basa.

Vanhu pavakafunga kuti zvapera, tokorokotedza vakunda, havana kuziva kuti pane nyoka pamberi pavo. Zvakaita sokuseka vanhu vave kunzwa VaChamisa vachiti vakakunda President Mnangagwa, saka ndivo vanosungirwa kugadzwa pachigaro chemutungamiri wenyika.

 

Handi kurotomokaba ikoku? Masikati machena!

Takatadza kuziva kuti munhu ave kuda kusikira vanhu moto muziso zvakare, sezvaakaita musi wa1 Nyamavhuvhu zvikakonzeresa kufa kwevanhu vatanhatu, vamwe vakakuvara, zvitoro nemotokari zvikaparadzwa muguta reHarare.

Mweya uyu wakabvepiko wokuti sarudzo dzaitwa pajekerere kudaro dzinopedzisira dzave nezvirehwa-rehwa? Nokuti iwe bedzi haudi kuita “pachirume”, wobvuma kuti wakadyiwa feya-feya?

Takafunga kuti kuzvigadza ushe sarudzo dzisati dzaitwa, yaingove nzira yokukwezva vatsigiri, hatina kuziva kuti munhu paaitaura achiti ndikasaitwa ini mutungamiri wenyika, “ndinodira jecha muhupfu” tigoona mukaridya!

Zvino zvawakazodirwa jecha racho ndiwe wani? Hezvo wasara munhu watosvorwa, hauchaziva chokuita – apa bate, apa bate sepwere. Bvuma zvipere!

Hatina kuziva kuti munhu paari kuti ndinokwidza nyaya kumatare aitorevesa, ukuwo vatsigiri vasina chiono vachikurudzira vaudzwa kuti humbowo hwokubiridzirwa huzere. Vakange vasingazivi kuti ndibaba vakange vachivhima nepfuti isina mabara. Wanikwe “primary evidence” hapana.

Hurumende yakaita kunge pasina nyaya kuti Cde Mnangagwa vatadza kugadzwa nenguva. Vakati ikodzero yaVaChamisa kana ani zvake kuendesa nyaya kumatare sezvinotaurwa mubumbiro romutemo.

Nyaya isati yaenda kumatare, vatapi venhau vakazvirega. Kungoti pano nepapa, veMDC Alliance vanoda kutura mashoko. Zvese izvi kwaive kugadzirira zviri mberi, nokuti takazoona kuti matare aye akanaka, akaipa.

Dare repamusoro-soro reConstitutional Court richitungamirirwa naChief Justice Luke Malaba, nemamwe majaji masere vakazeya nyaya yaipomwerwa Cde Mnangwagwa (sokunyorwa kwazvakange zvakaitwa mumapepa enyunyuto aVaChamisa), musi weChitatu svondo rapfuura.

Vanzwa zvakaturwa namagweta evaipomerwa mhosva (President Mnangagwa nesangano reZEC), vakazotura mutongo wavo musi weChishanu, mutongo wavakati vose savadare vabvumirana kuti VaChamisa havana kuunza umbowo hwokuratidza kuti vakabirwa sei, umbowo hunove pamafomu anetsa anonzi maV11.

Dare richirasa nyaya, rakatiwo VaChamisa vachabhadhara mari dzose dzekumatare. Asi chikuru chakave chokuti zvakaturwa neZEC musi wa3 Nyamavhuvhu hazvishanduke.

Kuchabva mazimari ose ari kudiwa ndiko kwatingada kuziva. Kwatova kupemhaka uku?

Chokumirira pakange pasisina. President Mnangagwa vakagadzwa kunhandare yeNational Sports Stadium pamberi pezviuru nezviuru zvavanhu, kusanganisira sachigaro weAfrican Union President Paul Kagame vokuRwanda, President Cyril Ramaphosa vokuSouth Africa nevamwe vatungamiri vomuAfrica nevekunze.

Asi, VaChamisa vachiri kungoti vakabiridzirwa, saka mheno kuAfrican Commission on Human and People’s Rights kwavananga nenyaya yavo. Zimbabwe inyika yakazvimirira, saka takamirira vose ivava vavari kunochema navo kuti simba racho vanoriwanepi rokupidigura nyaya dzatongwa mumatare eZimbabwe.

Gondo rikashaya nhiyo rinongokumba nemarara. Kana tsotsi rikashaya chekuba rinoenda nechikorobho. Hunzi ndinzi ndine chandawanawo.

Vaita musinzwi nokuti vari kuramba rairo iri kubva kunyika dzaimbodyidzana neMDC. Saka zvinosvikepi? Takamirira!

Vanhu veZimbabwe vanodawo kuziva kuti sei VaChamisa vachinzi vakatadza kubhadhara vanhu vavo (polling agents), asi vakakwanisa kuunza magweta matatu kubva kuSouth Africa, vasina zvavakaita, uyewo kuti mari dzavari kuendesa nyaya kune mamwe matare dziri kubva kupi, dziine chinangwa chei?

Tinongoona pa”social media” vachipemha kuti vanoda $3 million, asika, tikahwerengedza vanhu vavanoti vakavavhotera, mumwe nemumwe akabvisa dhora, mari haikwani here? Hamheno!

Ndipo pavachaona kuti havana kuvhoterwa sezvavanorota.

Ndisati ndanyatsokorokotedza President Mnangagwa, ndinoda kupa yambiro kuna VaChamisa. Mwana mudiki, achiri nemimwe mikana yokukwikwidza makore anotevera. Hundingoveni hakuna kwahunosvitsa Zimbabwe yakatsiga mukwende wezvinetso zvinoda kugadziriswa.

Kune vakazvimisira kuvaka nyika ino kuti vanhu vararame zvakanaka, saka VaChamisa ngavasaita godo repabarika rokuti zvikasave zvangu, hapana anowana.

Chiramwa chavo hapana zvachinosandura. Vacharamba varipo President Mnangagwa. Kutonga nyika handi kutamba nhodo. Ndokusaka veZanu-PF vakati “EDpfee.” Kana vana inongove EDpfee, nokuti kuState House kure, kachana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey