‘Makondomu muzvikoro kwete’… – ‘Musaise vana pamiyedzo’ vamwe vachiti ‘Tipei, hapana chitsva apa’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Makondomu muzvikoro kwete’… – ‘Musaise vana pamiyedzo’  vamwe vachiti ‘Tipei, hapana chitsva apa’

Kwayedza

hiv_positive_porn_actor_mandate_condoms
Muchaneta Chimuka

VANA vechikoro nevamwe veruzhinji vari kupikisana zvikuru nepfungwa yekuti muzvikoro muiswe makondomu vachiti izvi zvinowodza hunhu hwakanaka hwevana. Izvi zvinotevera chikumbiro chemamwe masangano akazvimirira kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, chekuti makondomu ange achiiswa muzvikoro vachiti vamwe vana vari kupinda munyaya dzepabonde. Masangano aya anoti danho iri rinoita kuti pasave nekupararira kwezvirwere zvepabonde pamwe nekubatwa kwepamuviri pasina kurongekeka nevana vechikoro.

Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, nguva pfupi yadarika vakashora pfungwa yekuti muzvikoro muiswe makondomu vachiti zvinopikisana netsika nemagariro emunyika muno.

“Pane imwe nguva mamwe masangano akazvimiririra akambouya kwandiri akati anoda kuti tinge tichiisa makondomu muzvikoro asi ndakapokana navo ndikati kana vachida kuita izvi vanofanira kunopa vabereki vevana makondomu iwayo kuitira kuti ivo vasarudze vega kuvaisira mumaranji bhokisi. Tinoda kuti vana vadzidziswe kukura vaine hunhu kwete kuti vafurirwe,” vakadaro Dr Dokora.
Kwayedza yakataura nevamwe vevana nevabereki ikanzwa zvakasiyana.

Mai Fadzai Sundire (56) vekuBudiriro 3, muHarare, vanoti kana vana vakaisirwa makondomu muzvikoro zvinovatuma kuti vafunge kudzidzira kuashandisa.

“Hatidi kuti vana vedu vaiswe pamiyedzo yakadaro nekuti kana vakapihwa makondomu vanenge vave kuda kutoashandisa pachavo kuti vaone kuti zvinofamba sei. Zvinotogona kukanganisa dzidzo yevana nekuti vanenge vave kungofunga zvebonde zvekuti hazvishamisi kuona chivanze chechikoro chakazara makondomu akashandiswa. Isu sevabereki tinoti vanoita zvebonde vange vari vanhu vakaroorana,” vakadaro.
Dominic Kandira (17) uyo ari muForm 4 paMbare High School anoti haatsigire pfungwa yekuti makondomu aiswe muzvikoro.

“Handifungi kuti chinhu chakanaka kuti makondomu ange ari muzvikoro nekuti kunetenge kuri kuisa vadzidzi pamiyedzo. Munoziva kana chinhu chikange chiri pedyo-pedyo vanhu vanongochishandisa pamadiro kunyangwe nevange vasingachide.

“Hongu kune vana vave kupinda munyaya dzepabonde asi vamwe vanenge vasati, asi nekuda kwekuti muzvimbuzi zvavo munenge moiswa makondomu, panoita nyaya yekufurirana pachikoro pakatoitwa Sodhoma neGomora,” akadaro.

Anoti sarudzo yekushandisa makondomu inofanirwa kuitwa nemunhu akazvimiririra kwete kutumwa.

“Isu vana tinotoziva zvakawanda kudarika vabereki kunyangwe zvazvo ivo vachifunga kuti tichiri pwere nekuti ndiwo mafungiro avo. Saka kana vakatiunzira makondomu kuzvikoro vanenge vachida kuti tiite sei kana ivo vachinge vatituma kuti tiendeko kunodzidza?” akadaro.

Monalisa Masango, uyo ari kuita Form 4 paCorridors of Hope College, kuDzivarasekwa muHarare, anoti zviri nani kuti makondomu aiswe muzvimbuzi zvekuzvikoro zvesekondari nemakoreji asi kwete kupuraimari.

“Vamwe vana vari kusekondari nemakoreji vave kupinda munyaya dzepabonde nevanhu vakuru uye dzimwe dzenguva vachizviita pachavo. Vamwe vana vari kuzvarwa vaine utachiona hweHIV saka kana vakapihwa makondomu muzvikoro vanogona kuzvidzivirira kuzvirwere zvepabonde nepamuviri pasina kurongeka,” akadaro Monalisa.

Anoti makondomu haasi chinhu chinoshamisa nekuti kunyangwe vana vakaanyimwa muzvikoro vanotongowana nzira dzekuti vaawane. “Vamwe vana vanogona kungotuma munhu mukuru kuti anovatengera kumabhawa nemumafamasi. Inzvimbo dzakawanda dzinowanikwa makondomu dzakadai semumahotera kunongosvikwawo nevana wani. Saka chii chingashamisa kuti ange achiiswa muzvikoro? Kana munhu ane chaanoda anotongochitsvaga kusvika achiwana, kunyangwe doro chairo rinorambidzwa kuvana asi tinongoona vakadhakwa,” akadaro.

Mervis Hondo wepaSeke 5 High, kuChitungwiza, anotiwo:
“Zvakangofanana nekuratidzwa mafirimu ezvinyadzi iwe uri muimba ine varume, chinotevera kutsva kwebonde vanhu vasina tarisiro nazvo nekuti zvinokwezva pfungwa kuti upedzisire wave kuzviita. Makondomu akaiswa muzvikoro bonde rinototsva pakati pevadzidzi nevadzidzisi nekuti tiri kutaura nyaya yemweya wenzvimbo inenge yaiswa zvinhu. Ndokusaka mabhawa achiiswa kure memisha, kuedza kurwisana nemweya yenzvimbo.”

Mai Mary Boli (45) vekuEpworth vakatsinhira vachiti hazvina kunaka kuti makondomu aiswe muzvikoro.
“Vana munogona kuvapa makondomu asi handiwo anoumba hunhu neupenyu hwavo hwemangwana zvisinei nekuti nyika ine zvirwere. Chakakosha kuti vabereki tiumbe ukama nevana vedu uye kana zvaonekwa kuti mwana ave kuita zvepabonde hatimupe makondomu asi tinomuyambira kuti azive zvazvakaipira kwete kuti mwana wese apinde muchikwata chimwe chete,” vakadaro.

VaRenias Mundingi vemuHarare vanoti vana vari muzvikwata zvitatu zvichienderana nekuti vave pachidanho chipi chekuita zvepabonde.
“Tine vana vari mu‘gold category’ kureva kuti vanenge vasati vave kupinda munyaya dzepabonde zvachose, koti ‘silver’ vanenge vave kuita zvebonde asi vasati vasangana nezvakaipa zvakadai sekutapurirwa utachiona hweHIV kana kuita pamuviri uye ‘bronze’ vanove vana vari kuita zvepabonde avo vakasangana nematambudziko ezvirwere nepamuviri. Saka kana vana vari kuzvikoro vanenge vari muzvikwata zvitatu izvozvi nekudaro hazviite kuti muzvikoro muiswe makondomu,” vakadaro.

Vanoti zvikoro hazvifaniri kuita sekunge ndizvo zvave zvitoro zvinofambisa bhizimusi remakondomu.
“Vamwe vana vave kuita zvebonde hatizvirambi asi vanoda makondomu vanofanira kuenda kunotenga vega. Asi kumakoreji ndinoti anogona hawo kuiswa muzvimbuzi nekuti kune vanhu vakura, vave nesarudzo yavo yeupenyu,” vakadaro VaMundingi.

Share This:

Sponsored Links