Uncategorized

Makore 2 vaviga hama yavo . . .Vakazomuona achibva ‘Joni’

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Makore 2 vaviga hama yavo . . .Vakazomuona achibva ‘Joni’ JACKSON Chipfupa achitarisa mapepa anonzi aitaridza kuti iye akafa apo paive nemufananidzo wemutorwa akavigwa nehama dzake vachifunga kuti ndiye. —Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

JACKSON Chipfupa achitarisa mapepa anonzi aitaridza kuti iye akafa apo paive nemufananidzo wemutorwa akavigwa nehama dzake vachifunga kuti ndiye. —Mifananidzo: Memory Mangombe

JACKSON Chipfupa achitarisa mapepa anonzi aitaridza kuti iye akafa apo paive nemufananidzo wemutorwa akavigwa nehama dzake vachifunga kuti ndiye. —Mifananidzo: Memory Mangombe

IMWE mhuri yekuChitungwiza haina kana neremuromo – muzukuru wayo “wekufira” kuSouth Africa makore maviri adarika, mutumbi wake ndokuvigwa muZimbabwe – akazodzoka pamba gore rino, ari chigwindiri uye achitozvifambira.

Mashura aya akaitika kumhuri yekwaJuta, inogara panhamba 1055 St Mary’s, iyo ine muzukuru anonzi Jackson Chipfupa (32) ainzi akafira kuSouth Africa, mutumbi wacho ndokunotorwa nehama ukavigwa muZimbabwe.

Hama dzaJackson, kwechipo chemakore maviri adarika, dzakaviga mutumbi wemutorwa uyo ari kungozivikanwa nekuti Ashley, dzichifunga kuti ndiJackson.

Ashley anonzi akafa mutsaona yemotokari hama dzaJackson dzikazochairwa nhare kubva kuSouth Africa dzichiudzwa kuti ihama yavo yakange yafa izvo zvakaita kuti dzinotora mutumbi wemutorwa pamwe nekuuviga kumakuva eSeke South Cemetery muguva rine nhamba dzinoti 34970.

Nyaya yemutumbi wemutorwa wakavigwa zvichinzi ndiJackson iyi inonzi yakasvitswa kukanzuru yeChitungwiza.

Mhuri yekuChitungwiza iyi yakabhadhara mari dzakawanda, kusanganisira R3 000 iyo yavakabvisa kukambani inotakura zvitunha yekuPolokwane inonzi Mpelehe Collections, kuti mutumbi uyu uunzwe kuZimbabwe.

Tsaona yemotokari iyi inonzi yakaitika kuSouth Africa nemusi wa25 Ndira 2013.

Jackson aishandira kuSouth Africa achiita basa rekugadzira motokari dzinenge dzaita tsaona (panel beating).

Nemhaka yekuchonera ‘Joni’ iyi Jackson achitadza kana kutaura nevari kumusha, hapana akaziva kuti vakaviga mutorwa uye hama yavo mupenyu.

Jackson akazoshamisa ruzhinji apo akadzoka kumusha mumwedzi waNdira gore rino apo hama dzake dzaiti akafa, dzikamuviga chipo chemakore maviri adarika.

Hameno kana guva remurume uyu range risina kurohwa uye nhumbi dzake kuparadzwa zvichinzi akafa.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro naJackson kumba kwavo kuChitungwiza:

“Ndakaenda kuSouth (Africa) uko ndaishandira kuSeshego, kuPolokwane, kuLimpopo Province. Kune vanhu vakazoridza nhare kuno vachinditi ndakafa zvatanga nekumapurisa eko kudzimara hama dzangu dzakazoshandisa mari zhinji vachiti vaiviga ini nyambisirwa aiva mutorwa.”

Anoti hapana zvaaiziva kusvikira akazoenda kumaporofita eZCC iko kuSouth Africa kwakare achifambirawo zvimwe zvaimunetsa uko akataurirwa kuti dai ambodzoka kumusha kuZimbabwe nekuti “pane zviri kunetsa”.

“Murume anonzi akafa netsaona uyu akanga asina chitupa kana mamwe matsamba ekuberekwa. Mapurisa ekuBhochum anonzi akazotora mutumbi wemuchakabvu mufananidzo ndokutanga kubvunzira kunzvimbo yandaimbogara, vanhu vachibva vati ndini. Ndiko kutanga kwakaita nyaya iyi, vaindiziva ndokupa mapurisa nhamba dzehama dzangu kuno kumusha,” akadaro Jackson.

“Vanhu vekuno vakazoenda kuSA kwaiva nemutumbi wainzi ndewangu uyu ndokusvikoratidzwa mufananidzo wemunhu aiva afa mutsaona, vachibva vatenda kuti waiva wechitunha changu.

“Mutumbi uyu wakange wawora zvekutadza kuonekwa zvakanaka sezvo wainzi wakagara mumochari kwemwedzi ingaita mitanhatu.

“Hanzvadzi yangu Beatrice Gutu, sekuru Elijah Juta, mukoma wangu Tafadzwa Chipfupa nevamwe ndivo vakafambira zvose vachitsvaga mari yekuti mutumbi wainzi ndewangu uyu uunzwe kuno.”

Mutumbi wainzi ndewaJackson uyu wasvika, unonzi wakarara mumba kuSt Marys, vanhu vachichema nekuita chivanhu, ndokuzovigwa remangwana racho kumakuva ekuChitungwiza.

Nyaya yakanetsa zvinonzi kubva pakaunzwa mutumbi uyu hakuna vanhu vakakwanisa kuuona vachinzi waiva washata zvikuru.

“Mutumbi uyu wakaunzwa kuno kuZimbabwe nemusi wa31 Chivabvu 2013, ndokuvigwa nemusi wa2 Chikumi,” akadaro Jackson.

“Chitunha ichi hachina kuratidzwa vanhu kuno kumusha. Bhokisi rinonzi raiva rakangovharwa semabviro arakaita kuSA dakara pakunovigwa.”

Nhamba dzaJackson dzechitupa dzinoti 29-211054-V42 uye ndidzo dziri pamagwaro akashandiswa pakufambira chitunha chemutorwa kuSouth Africa, kumapurisa emuno ekuSt Mary’s nekukanzuru kuti guva riwanikwe.

Jackson anoti akazoridza nhare kuhama dzake kuZimbabwe ari kuSouth Africa apo akange anzwa nevamwe vaimuziva kuti iye akafa, akatovigwa kumusha.

“Ndakatanga ndaridza nhare ndichibvunza nyaya yekuti ko zvandainzwa kuti ndakafa zviri kufamba sei, vanhu vakati ichokwadi kune munhu wavakaviga vachifunga kuti ndini. Ndakazoenda kumapurisa ekuSA ndichivataurira kuti handina kufa, vachibva vandiratidza mufananidzo wemunhu akafa wavaiti ndini.

“Ndakambofunga kuti ndigare zvangu kuSA dakara mutumbi wemunhu uyu watanga wafukunurwa nekuti chokwadi zvine munyama mukati.

“Pari zvino pane hurongwa hwekuti mutumbi uyu ufukunurwe udzoserwe kuSA. Tinoda kudzoserwa mari yakashandiswa panhamo iyi nehama dzemufi uyu nehurumende yekuSouth Africa nekuti haisi mhosva yedu, mapurisa eko akatadza basa rawo,” akadaro Jackson akatobata magwaro anoti akafa zvose nemifananidzo yemutorwa akafa mutsaona uyu.

“Ndinoda kubatsirwa, kunzi munhu wakafa iwe uri mupenyu? Mudzimai wangu nevana vangu vaviri vanogara vachitarisa mufananidzo wemunhu ainzi ndini ndakafa uyu, zvinovatambudza zvikuru.”

Jackson anoti amai vake, Docus Gutu, nedzimwe hama vari kufara kuti mupenyu.

Murume uyu anoti haazive kuti mweya wakadai unobva kupi sezvo achiti baba vake, VaElliot Chipfupa, vakangoshaikwawo zvachose vari pabasa kuMudzi, dakara nhasi uno.

Jackson anoti achambozorora ari muZimbabwe asati adzokera kuSouth Africa.

Mudzimai wake, Hazvinei Nzuwa, ari kuchikoro kuMidlands State University uye Jacksona anoti ange asati agarwa nhaka zvisinei nekuti murume ange achinzi akafa.

Jackson haana kutaura zvakawanda nemamiriro ezvinhu pakati pake nemudzimai wake panguva iyo akambochona.

Mukuwasha kumhuri yekwaJuta, VaCollins Gwengwere (55), vachiti:

“Mutumbi uyu wauya, takaenda ndikati vanhu titarise mutumbi ndikarambirwa, ndakaratidzwa mufananidzo wainzi ndewaJackson ndikaramba kuti ndiye. Ndakakwereta mari yekushandisa panhamo iyi tisingazive kuti mutorwa. Asi chakandishamisa bhokisi raiva nechitunha ichi rakatadza kukwana pamusiwo.”

Vanoti vakazoenda kunoona Jackson vaine mudzimai wavo uye vakafara zvikuru kumuona ari mupenyu.

“Pamusha patezvara vangu patova nemutorwa zvinoda kugadziriswa, mutumbi uyu unoda kufukunurwa udzoserwe.”

Babamudiki vake, VaCollins Gwengwere, vakangoti Jackson ange achona kwenguva refu.

Vanodyidzana neruvezhinji mukanzuru yeChitungwiza, VaZephania Mandirahwe, vakati vanoda nguva yekuti vambongoorora nyaya iyi kuti yakafamba sei.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey