Uncategorized

‘Makoreji siyanai nechikiribidi’

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
‘Makoreji siyanai nechikiribidi’ DR Godfrey Gandawa

Kwayedza

DR Godfrey Gandawa

DR Godfrey Gandawa

HURUMENDE iri kuyambira vakuru vemakoreji kuti vasiyane nechikiribidi kana kuti tsvete pakutora vadzidzi asi kuti vatevedzere mitemo inoenderana nemashandiro avo. Yambiro iyi yakabva kumutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, pamusangano wavakaita nevakuru vemakoreji svondo rapera uyo waiva wakanangana nekuongororo mashandiro avo.

“Ngatitorei vadzidzi vane mapepa akakwana, anokodzera kuti vange vachiita zvidzidzo mumakoreji atinawo munyika. Izvi zvinobatsira kusimudzira dzidzo yedu. Munofanirwa kunge muine mitemo yamunoshandisa mukusarudza vadzidzi vanoenderana nezvidzidzo zviri mumakoreji enyu,” vakadaro Dr Gandawa.

Vakaenderera mberi vachiti: “Kana vachinge vatadza munofanirwa kuvataurira paine nguva kuti vazive kuti vatadza votsvaga zvimwe uye zvakare munofanirwa kutora vadzidzi vanoenderana nenzvimbo dzamunenge muinadzo kwete kuti vazowandisa.

“Hapafanirwe kunge pachiitwa tsvete, vadzidzi ngavatorwe zviri pachena uye vanokodzera. Ndinoda kuyambira zvakare vadzidzisi vemumakoreji kuti havana mvumo yekutora mari kana kuita zvetsvete sekupihwa mari kuti vapasise vadzidzi. Hakuna zvakadaro, anenge angobatwa ari kunze kwemutemo achawana mutongo unokodzera.”

Vakataura zvakare pamusoro penyaya yemidziyo yemakoreji pamwe chete nezvivakwa vachiti kune vamwe vari kuzvihayisa kune vemakereke nevemichato nekudaro mari yacho inofanirwa kubatsira mukusimudzira makoreji aya.

“Mari inobhadharwa nevari kuhaya vachiita zvavanoita pamakoreji inofanirwa kubatsira mukuchengetedza nharaunda nemidziyo yepo.

“Mari iyi inofanirwa kunge ichinyorwa pasi kuti tione zvairi kushanda, tiripo pakusimudzira nyika nekupa vanhu ruzivo kwete kuuraya nyika,” vakadaro.

Vakati koreji yoga-yoga inofanirwa kuva nemagwaro anoratidza huwandu hwevana pamwe nemidziyo iripo.
Dr Gandawa vakati vadzidzi vanenge vachidzidzira basa (attachment) vanofanirwa kubhadharwa mari yakafanira uye ngapasave netsvete pakupihwa mibairo kwevadzidzi vanenge vakakunda vamwe muzvidzidzo.

“Tichitarisa zvekare kune mibairo inopihwa vadzidzi vanonzi vakakunda vamwe, ngazvive zvisina tsvete kana huwori nekuti kune vamwe vanopihwa mibairo yavasingakodzeri vanokodzera voshaya. Ngativei nemasarudziro akanaka ane chokwadi.”

Vakati vadzidzi vanenge vave kugirajuweta havafaniri kubatirirwa nekubhadhariswa mari yakawanda sekusvika US$90.

“Mari iyi inofanirwa kuva $40 nekuti kwavanenge vabva kure, haifanirwe kuwanda kunge wave kutobhadhara mari yechikoro yezvidzidzo nekuti vamwe vanozopedzisira vachigirajuweta nemari yezvikwereti,” vakadaro Dr Gandawa.
Vakakurudzira vakuru vemakoreji kuti vashande nemapoka anoita zvedzidzo mukusimudzira fundo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey