Uncategorized

Makudo ovhima mhondi

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Makudo ovhima mhondi Sekuru Kamwelo Banda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAMAMBO Nyamukoho, kuMudzi, kudunhu reMashonaland East, kuri kuitika mashiripiti emakudo anonzi amutsa hondo yekuenda pamusha wemhuri ine vanhu vanonzi vakaponda mumwe mukadzi weko, apo anovafurufusha achivatema nematombo.

Makudo aya anonzi zvakare ari kusvika pamusha apa akabata dzimwe nhengo dzemuviri wemushakabvu uyu, uyo anonzi akapondwa ndokuchekereswa.

Mukadzi uyu ari kunzi akapondwa nevanhu vasere – vanhukadzi vashanu nevarume vatatu – avo vose vari kunzi vakatopata musha nekuda kwemanenji aya.

Mushakabvu Benadette Chetse (57) uyo aigara mubhuku raChimedza ndiye anonzi akafa nekupondwa.

Asst Insp Mwanza

Mutumbi wemushakabvu unonzi wakanhongwa mumwedzi waGunyana gore rakapera apo waiva pedyo nedanga rake uye usina dzimwe nhengo.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kukamba yekuKotwa mapurisa ndokumbosunga vamwe vaifungidzirwa kuti ndivo vakaponda mufi asi vakazoregerwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMashonaland East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

“Regai titsvage kustation kwakaitwa nyaya iyi, tigonzwa kuti zvakafamba sei,” vanodaro.

Ernest Chetse

Nekurwadziwa, hama dzemushakabvu dzinoti dzakazofamba kuchivanhu uko vakabatsirwa padambudziko ravo.

Mushure mezvavakaita, chikwata chemakudo chinonzi chakazotanga kushanyira vanofungidzirwa kuti ndivo vakaponda zuva rakacheka.

Akasvika pamusha, makudo aya anonzi anotema vanhu nematombo izvo zvakamanikidza vanofungidzirwa kuti ndivo mhondi kuti vatize vachisiya misha yavo.

Hanzvadzi yemushakabvu, VaPatrick Chetse (50), vanoti hanzvadzi yavo isati yapondwa, yakanga yabva pamba ichienda kutsime ari mangwanani emusi wa22 Gunyana gore rakapera aine mugomo nemukombe asi ndokutadza kudzoka. Akazowanikwa mutumbi wake wava kutowora.

Sekesai Ushe

“Ini semunhu anoshandira kuHarare, ndakazoudzwa kuti sisi vashaikwa ndokubva ndaenda kumusha. Kune vanhu vakazokurumidza kuona mutumbi uyu ndokuzoenda tikawana usina ruwoko rwekurudyi, rurimi, gumbo rekurudyi, maziso, huropi hwakabviswa zvose nematumbu, mapapu nemwoyo.

“Zamu rimwe chete painge pasina uyewo zvairatidza kuti rimwe gumbo raiva rakaita zvekuchekwa nesaw. Mumusoro vhudzi rainge rakaguswa ndokuiswa parutivi pemutumbi.

“Mutumbi uyu waive wakaiswa oyiri yemota yakashanda uyezve tinofungidzira kuti honye dzaivepo dzaive dzaita zvekuiswa nemunhu nekuti paakashaikwa nenguva yakazowanikwa mutumbi wakawora zvaisawirirana sezvo paingova nemazuva maviri munhu ashaikwa,” vanodaro.

Patrick Chetse

VaChetse vanoti musi wakabva mushakabvu achienda kutsime, akasiya vazukuru vake vadiki pamba nemwanakomana wake uyo akazobva achienda kuchikoro.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa mutumbi ukazoendeswa kuchipatara cheKotwa, uko wakadarikidzwa kuParirenyatwa (Group of Hospitals) asi hauna kuongororwa namachiremba uchinzi wainge wanyanya kuwora.”

VaChetse vanoti vakazongonoviga mutumbi wehanzvadzi yavo kumusha.

“Tarwadziwa semhuri, tikazofambawo kuchivanhu, kuimwe n’anga yemuHarare ine mukurumbira, uko takagadzirirwa, ndokumbogara mwedzi mitatu. Takazongonzwa kuti makudo aonesa vanhu ava nhamo nekuvadzingirira nematombo ayo anonzi akatanga kusvika pamisha yevanhu ava aine nyama inofungidzirwa kuti ndeyemufi.

“Makudo aya anonzi anotaura kuti, ‘handei munopedzisa zvamakasiya kuita nekuti hamuchazvigona’,” vanodaro VaChetse.

“Vakaponda tiri kuvaziva ndokusaka takaita shungu dzekuenda kun’anga kuti tibatsirwe. Hanzvadzi yangu isati yafa, yaitaura mazita evanhu vemumusha medu kuti vaipota vachiuya kumba kwake husiku achiti kana azopondwa vanhu vaifanirwa kuziva ndivava.

“Zvakare, vamwe vevanhu ava vanonzi vainzwikwa vachinwa doro vachiti vaidya mari yematumbu aMai Mutsenha

kureva Benadette Chetse. Mazita evanhu vakaponda hanzvadzi yangu tinawo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nevana vemushakabvu vanosanganisira Pretty Mutsena (31) naTsitsi Mutsena (23) vachiti vanoda kuti mhondi dzaamai vavo dzinozvipira kumapurisa.

“Takafamba nanasekuru taona kuti vanhu vaibuda pachena kuti ndivo vakaponda amai vedu vaiva vasiiwa nemapurisa. Kunze kwekutemwa nematombo nemakudo vachitiza misha yavo, makudo aya anofanirwa kunosvika navo kumapurisa vonozvitaurira voga,” anodaro Tsitsi.

Mushakabvu akasiya vana vatanhatu nevazukuru.

Mukomana mukuru kumhuri yemufi, VaErnest Chetse (57), vanoti vakazongonzwawo nezvekupondwa hwehanzvadzi yavo.

“Takafambawo muchivanhu uko takazobatsirwa. Asi tinoda kuti vanhu ava vasungwe,” vanodaro.

Muzukuru wemhuri iyi, Sekesai Ushe (37), anoti vanhu vanonzi vakaponda ava havasi kugara kumusha sezvo vakatiza.

“Vanhu ivava havana rugare, vakatiza pamusha nekuda kwemakudo aya inyaya inozivikanwa dunhu rose,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links