Makuwerere evarimi kuZaka

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Makuwerere evarimi kuZaka Varimi vari mutende vachidzidziswa zvekurima

Kwayedza

Bright Musakanda
KWAKANGA kusingadanwi anonzwa musi weChishanu 7 Zvita 2018 paVaChavizha, kuward 8 mubhuku raGwendere, kuZaka. Varimi vakawanda vemudunhu reMasvingo vakakoromoka nehuwandu hwavo kunodzidza nezvekurimwa kwemirowo (horticulture) nechibage izvo zvakanga zvarongwa nekambani inozivikanwa nehunyanzvi hwekuuchika mbeu zvemhando yepamusoro, yeSeed Co.

Gungano iri rakakutwa nevanoremekedzwa vanosanganisira gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira avo vakanga vakamiririrwa nadistrict administrator weZaka, mukuru wevarimisi mudunhu reMasvingo, VaChamisa, mukuru wemauto (ZNA commander) vaive vakamiririrwa naMajor Tangawarima nemumiririri weZaka Central mudare reParamende Engineer Svuure,

Zvisinei nekuti denga rairatidza kuti kungangonaya, varimi vekumadistrict ose eMasvingo anoti Chiredzi, Bikita, Gutu, Chivi, Masvingo neMwenezi vakakurumuka kuzodzidza zvekurima. Vezvitoro (agro dealers) vanosanaganisira N Richards, Farm and City, Masvingo Farm Supplies neVet Distributors vakauyawo kuzotsigira gungano iri.

VaMutota vachidzidzisa nezvecabbage Fabiola

Chekutanga chakanyanya kufadza varimi imbeu yecabbage Fabiola. Mbeu iyi yakarimwa zvainwisa mvura. Vamutota (southern region sales manager weSeed Co vegetables) vakakurudzira varimi kuti varime mbeu iyi nemhaka yekuti inokurumidza kuibva mumazuva makumi matanhatu nemashanu (65 days). Fabiola inoshingirira kuzvirwere uye kana yaibva inoita huremu hunotambira pa5kgs.

Murimi akanga akaunganirwa, VaChavizha, vakarima 4 000 plants dzeFabiola pama acre maviri zvichireva kuti vachawana $12 000 kana vakatengesa cabbage rimwe chete ne$3.

Muzvare Magiya vanova sales and marketing manager kuSeed Co vegetables, vakakurudzira varimi kuti panguva yavanenge vabvisa chibage vadyare miriwo (horticultural crops) nekuti zvinokurumidza kupinza mari muhomwe.

Vapedza kudzidza nezvemacabbage, varimi vakaenda kumunda wemadomasi vakatungamirirwa naVaChavizha. Mumunda umu maiva nemhando nhatu dzemadomasi dzinoti Daisy, Nash neChibli.

VaGotosa vachidzidzisa nezvechibage. Kubva kuruboshwe vaNyoka, VaChavizha (murimi), VaGotosa, district administrator veZaka, VaNyede naVaMagavu

VaMutota vakakurudzira varimi kuti vasati vatenga mbeu dzemadomasi vanofanirwa kutanga vatsvaga ruzivo rwekuti mbeu yavanoda kurima inoita zvakanaka mumwaka upi wegore. Mbeu yedomasi yakatanga kutaurwa nezvayo iDaisy (hybrid) iyo inopa goho riri pakati pe120 kusvika ku140 kg pahekita imwe chete.

Domasi reDaisy rakanyanya kunaka kuririma munguva yekunaya kwemvura nekuti rinoshingirira kuzvirwere zvechakuvhe zvakawanda kunyanya chinonzi late blight. Domasi iri rinobereka vana vakakura vari pakati pe180g kusvika pa200g uye richiibva mukati memazuva makumi masere.

Kuvarimi vanenge vachida madomasi  madiki vanogona kurima domasi rinonzi Nash iro rinoita vana vanorema 150g kana kuti Chibli inobereka vana vanorema 10g. Mhando dzose idzi dzakarimwa paVaCahavizha kuti varimi vadzione uye kuti vadzidze.

Pambeu dzechibage pakarimwa Sc 402 (yellow maize). Mbeu iyi inoburitsa goho rinosvika matani mapfumbamwe kana kupfuura pahekita. Sc 402 inotapira pakugocha zvekuti kune varimi venenge vachida kutengesa chiri chinyoro, ndiyo yavanofanirwa kudyara. Chibage ichi kana chaoma chinogona kushandiswa zvakare pakukodza mombe kana zvimwe zvipfuwo.

VaMusakanda vachitaura kuvarimi nezvematomatisi anonzi Chibli

VaGotosa (Eastern Region sales manager) vakakurudzira varimi kuti vazive mbeu dzavanoda kudyara vasati vanotenga. Izvi zvinovabatsira kuti vasazonyengedzwa nemakoronyera pavanenge vonotenga.

Vakaenderera mberi vachiti murimi akangwara anofanirwa kuita hushamwari hwakasimba nevarimisi vake kuti awane ruzivo.

Muzvare Magiya (sales and marketing manager Seed Co vegetables) vakaratidza kufara nehuwandu hwevarimi vechikadzi vakauya kugungano iri. Vakakurudzira madzimai kuti vaende pamberi munyaya dzekurima nekuti kurima mazuva ano rava bhizinisi rine mari uye vanamai ndivo vanoziva kukosha kwekuti mhuri dziwane kudya kunovaka miviri. Vakapa mamwe emadzimai akauya kumutambo mapaketi emaseeds erape Rampart kuti vanodyara kumabindu avo.

Gurukota reMasvingo, mumashoko avo akaverengwa nemumiriri wavo VaNyede, vakatenda varimi nekuuya kwavakaita kuzodzidziswa zvekurima neSeed Co. Vakakurudzira varimi kuti varime zvirimwa zvakasiyana-siyana kusanganisira miriwo (horticulture) kuitira kuti vaderedze dambudziko renzara riri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze (climate change).

Vakaenderera mberi vachiti kurima miriwo kunovandudza utano hwevarimi nekuti vanenge vava kudya chikafu chinovaka miviri.

Kambani yeSeed Co inokurudzira varimi kuti kana vachinge vadaidzwa kuzvidzidzo zvekurima (field days)vauye nehuwandu vazogoverwa ruzivo. Varimi vanoita  zvemiriwo (horticulture) tinovakurudzira kuti vatenge mbeu dzemahybrids uye kana vachida kubatsirwa vabate varimisi veSeed Co (sales agronomists) vari kumatunhu ose eZimbabwe.

 

Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo uye munomubata panhare dzinoti 0731 306 020

 

Share This:

Sponsored Links