Makuwerere kuTrust Academy: Vadzidzi 100 vakawana zvitupa

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Makuwerere kuTrust Academy: Vadzidzi 100 vakawana zvitupa Dr Sibanda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI 100 vekuTrust Academy svondo rapera vakawaniswa zvitupa zvekupedza dzidzo uye ichi chiitiko chekutanga kuona vadzidzi vepakoreji iyi vachigirajuweta.
Pavadzidzi vakawaniswa zvitupa ava, 39 vanhukadzi nevarume 61 avo vakapasa nechikamu che88 percent uye zvidzidzo izvi vanozviita vakabatana neMidlands State University izvo zvinosanganisira, Marketing, Accounting, Tourism neLogistics.
Vachitaura pamhemberero dzakaitwa nomusi weChishanu wadarika paCelebration Centre, muHarare, munyori mukuru mubazi rezvedzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina, Dr Desire Mutize Sibanda, avo vainge vakamirirwa naVaMaxwell Dube, vanoti vanofara zvikuru kuva pachiitiko chekutanga chekupihwa kwezvitupa kuvadzidzi veTrust Academy.

Ekenia Chifamba

“Ukama huri pakati pezvikoro zviviri izvi hwakatanga nomusi wa12 Chikumi 2003 panova pakasainiranwa chibvumirano chemushandirapamwe. Chinangwa chiri chekupa dzidzo yemhando yepamusoro.
“Tine donzvo rekusandura indasitiri kuti inge ichigona kufambisa mabhizimisi uye ruzivo rwechizvino-zvino rweICT,” vanodaro.
Dr Sibanda vanoti kudyidzana kuri pakati peTrust Academy neMidlands State University kuri kuendeka sezvo kwakabva padhipuroma rimwe chete raiwaniswa vadzidzi kuenda pamadhipuroma masere.
“Kudyidzana uku kuri kuramba kuchikura uye tiri kupa madhigirii ezvekuchengetedzwa kweruzivo (Management Information Systems). Zvirongwa izvi zvinobata vadzidzi vanoenda kuzvikoro zuva nezuva, pakati pesvondo, manheru nekudaro zvinopa mukana kune vadzidzi kunyangwe vanoenda kumabasa. Chinangwa ndechekuvhara mukaha wezvimwe zvidzidzo zvisiri kuwaniswa nemamwe makoreji nemayunivhesiti,” vanodaro.
Dr Sibanda vanoti kana vadzidzi vakashandisa mukana wedzidzo yemhando iyi, vanokwanisa kuita madhipuroma vachizoenda mberi kunoita madhigirii avanoda.

Fungai Rugava

“Pane mikana zvakare yekuti vafunde munyika muno nekunze sezvo zvirongwa zvedzidzo zvinopihwa kwavari zvichiwaniswa neMidlands State University nebazi rezvedzidzo yepamusoro. Kuva nezvidzidzo zvinofambirana nezvinodiwa muindasitiri kwakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti zvive nyore mukuwana mabasa,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti chinangwa cheMSU ndechekuumbiridza Trust Academy kuti inge ichikwanisa kupa dzidzo yemhando yepamusoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>