Makwikwi enaph oitwa…Mitambo yakakosha kuvana’

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
Makwikwi enaph oitwa…Mitambo yakakosha kuvana’ Mai Gratta Rwambiwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VABEREKI vokurudzirwa kutsigira vana vavo muzvidzidzo zvemitambo sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nevarairidzi vezvikoro zvakasiyana pamakwikwi emitambo yeNational Association of Primary Heads (NAPH) ezvikoro zviri mudunhu reBraeside-Mbare Cluster Inter-Schools Zone ayo akaitirwa pachikoro Nettleton Primary School, muHarare.

Mai Lillian Tadzingwa

Makwikwi aya aive nedonzvo rekusarudza shasha dzichamiririra dunhu iri mumitambo ichaitwa kudistrict nomusi wa19 Kukadzi kunhanhare yeNational Sports Stadium.

Akapindwa nezvikoro zvitanhatu zvinoti Nettleton Primary, Eastridge Primary, David Livingstone, ZRP Braeside, Moffat Primary ne2 Brigade. Pamakwikwi aya, chikoro cheNettleton Primary ndicho chakatora nhamba yekutanga.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vakuru vanoona nezvemitambo iyi avo vanoti mitambo yakakosha zvikuru mudzidzo yevana.

Mai Beatrice Ganda

Mai Tendai Mbabvu, avo vanova team manager paNettleton vanoti vane tarisiro yekuti chikwata chavo chichanokunda kumakwikwi ekudistrict zvichitevera kugadzirira zvakasimba kwavakaita.

“Vana vedu vanogona kumhanya nzendo refu nepfupi. Tinoona tichinokunda,” vanodaro. Vanotenda kuti chikoro chavo chinovatsigira nemari dzekushandisa munyaya dzemitambo izvo zvinoita kuti varerukirwe.

Mai Gratta Rwambiwa, avo vanova sports director paMoffat Primary, vanoti kune vamwe vaberekivasingakurudzire kuti vana vavo vapinde mumitambo asi vanotenda kuti vana vazhinji vari kukwikwidza nemazvo.

“Tinokurudzira vabereki kuti vatsigire vana mumitambo nekuti ndimo munogona kunge muine zvipo zvavo zvakawanda izvo zviri kuzama kuburitswa pachena neRevised Curriculum. Kuburikidza nemitambo, vana vanogona kutowana mabasa vakaita vatambi vane mbiri,” vanodaro.

VaLucky Mutonhodza

Mai Lilian Tadzingwa, avo vanoshanda sasports director pachikoro ichi, vanoti vana vari kupinda mumitambo iyi ndevane makore anobvira pa12 kusvika 14 ekuberekwa.

“Mushure memitambo iyi vana vachanokwikwidza kudistrict kunova kwatichanobura nyanzvi dzinozonokwikwidza kupurovhinzi. Vana vari kukwikwidza mumitambo yakadai sejaveline, long nehigh jump, gymnastics, kumhanya nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti zvisinei nebudiriro iri munyaya dzezvemitambo, zvikoro zvizhinji zviri kusangana nematambudziko ekushaiwa kana kushomeka kwezvekushandisa.

“PaNettleton tine varairidzi vakafundira zvemitambo asi kune zvimwe zvikoro idambudziko guru, nokudaro tinokurudzira Hurumende kuti ibatsire mukudzidziswa kwevarairidzi vanongomiririra zvemutambo (specialised teachers).

“Zvekushandisa mumitambo zvishoma sokuti kana vana vachisvetuka vanoda mametiresi avanozonodonhera nezvimwe. Vamwe vabereki havadi kutsigira vana vavo mumitambo nekuti vanenge vachida kuti vangoita zvekunyora nekurava mabhuku nokuda kwekushaya ruzivo rwekukosha kwemitambo. Dzimwe nhandare dzatinodzidzisira vana dzinenge dzisina kunaka izvo zvinoita kuti vatambi vagumisire vakuvara,” vanodaro.

VaLucky Mutonhodza, vanova sports director paZRP Braeside Primary, vanoti kunaya kuri kuita mvura kuri kuvadzorera kumashure munyaya dzekudzidzisa zvemitambo.

“Pamwe pacho kunenge kuchinaya nokudaro nhandare dzinenge dziri nyoro saka pakadai tinosiiwa nenguva. Pamwe mvura itonaya tichida kudzidzira asi tinoona kuti tichabudirira chete,” vanodaro.

Kuchiti Mai Beatrice Ganda, vanova sports director pa2 Brigade Primary, vanotiwo zvinhu zviri kufamba mugwara uye vari kutarisira kuti dunhu ravo richanotora mukombe kumakwikwi ekudistrict.

 

Share This:

Sponsored Links