Malaria: Zim yakagadzirira

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Malaria: Zim  yakagadzirira

Kwayedza

Charity Ruzvidzo —
ZIMBABWE yagadzirira kurwisa kupararira kwemalaria iyo inowanzonyuka munguva yekunaya kwemvura, mukuru anoona nezvekurwisa kwechirwere ichi (national malaria control programme director) Dr Joseph Mberikunashe, vanodaro.

Vanoti mwaka wemalaria unowanzotanga pakati pemwedzi waKukadzi naChivabvu.

“Mwaka wemalaria watanga, uye tiri kutarisira kuwanda kwechirwere ichi zvichitevera kunaya kwemvura zhinji gore rino. Izvi zvakaita kuti humhutu hunge huchibereka zvakanyanya nekuda kwekujenga kwakaita mvura munzvimbo dzakawanda. Zvisinei, takagadzirira kurwisa chirwere ichi,” vanodaro Dr Mberikunashe.

Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuchikamu chinoona nezvemalaria inoratidza kuti mumakore 15 adarika, huwandu hwechirwere ichi hwakaderera zvikuru.

Huwandu uhwu hunenge huchiverengwa zvichienderana nenyaya dzekunyuka kwechirwere ichi pavanhu 1 000 pagore.

Mugore ra2000, huwandu hwechirwere ichi hwaive 136 pavanhu 1 000 uye hwakaderera kuenda pa29 pavanhu 1 000 muna 2015.

Dr Mberikunashe vanoti matanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa malaria ndiwo akabatsira kuti huwandu uhu huderere.

“Takakwanisa kuwanisa vanhu zvekushandisa mukudzivirira malaria semambure nemishonga inodzinga humhutu. Hurumende yakafundisa vanhu nzira kwadzo dzekudzivirira chirwere ichi,” vanodaro.

Chirwere ichi chinonzi chakaipisisa muAfrica, umo munhu mumwe chete pavashanu ari kurasikirwa neupenyu.

Zvisinei nekuderera uku, huwandu hwevanhu vari kufa nemalaria huri kuramba huri pamusoro.

Ongororo yakaitwa munyika muno inoratidza kuti vana 52 vari pasi pemakore mashanu okuberekwa vakarasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi muna 2010 uye muna 2015 huwandu hwendufu idzi hwakawedzera kuenda pa89.

Kuvanhu vane makore anodarika mashanu okuberekwa, ndufu dzechirwere ichi dzaive 266 muna 2010 uye muna 2015 dzakawedzera kuenda pa373.

Dr Mberikunashe vanoti kuwanda kwevanhu vakafa nemalaria kwakakonzerwa nezvinhu zvakasiyana.

“Vanhu vakawanda vari kuyambuka miganhu yenyika vachienda kune dzimwe nyika kunotsvaka chouviri. Vamwe vari kuenda kunyika dzine chirwere chemalaria chakanyanya, zvinoita kuti vachibatwe nacho. Zvakare, vamwe vanhu havasi kukoshesa nyaya dzekukasika kuenda kunorapwa,” vanodaro.

Vanoti kune matanho ari kutorwa neveutano mukurwisa chirwere ichi.

“Pari zvino tiri kurwisa kupararira kwemalaria kuMatabeleland South, Midlands, Matabeleland North neMashonaland West. Kupedza chirwere ichi zvinoreva kuchibvisa munzvimbo dzachinowanza kuwanikwa, kusanganisira kwachange chiri chishoma.”

Dr Mberikunashe vanoti zvisinei nematanho avari kutora mukuedza kuderedza kupararira kwemalaria, kushaikwa kwerutsigiro rwemari kuri kudzorera basa iri shure.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mambure nemishonga inotanda humhutu senzira yekudzivirira malaria.

MuZimbabwe, malaria idambudziko sezvo chikamu che50% chevanhu vachigara munzvimbo dzine chirwere ichi. Madzimai akazvitakura nevana ndivo vari panyatwa yekubatwa nechirwere ichi uye chinoderedza upfumi hwenyika apo vanhu vanorovha kumabasa vachirwara kana kurwarirwa.

Chirwere ichi chinodziviririka uye chinorapika —  Zimpapers Syndication

Share This:

Sponsored Links