Mambo aivigwa muninga

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tsika nemagariro epasichigare (Tinoenderera mberi):

Pasichigare vanhu vainyanya kukoshesa n’anga. Izvi zvinobuda mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi vana vaiti vakarwara vaiendwa navo kun’anga dzakaita saKandishaya kuti arove hakata. Mambo Chakaingesu vanoenda kunobvunzira kun’anga nezvekutsakatika kwaPondai mazuva aapotera kwaMambo Mupambi.

Pasichigare madzimambo aive nevasori vehondo. Izvi zvinoonekwa kuna Mambo Mupambi vanotumira vasori vavo, Marizani naKunjerekunjere kuti vaende naPondai kunosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Pasichigare vanhu vaipambana pfuma nekutapa vakadzi. Zvinojekeswa naMambo Mupambi vanotumira mauto avo kuti aende kunopamba Mambo Mushoshoma ndokuvigirwa pfuma yemombe makumi manomwe nedungwe remadzimai, vomhanyira kusarudza maviri.

Pasichigare madzimambo aivigwa muninga akaomeswa. Izvi zvinobuda Karinge paanoenda nababa vake, Mambo Chakaingesu kunoratidzwa ninga yairadzikwa madzimambo avo. Anoona mitumbi miviri yevarume vakanga vakaomeswa kuitwa chimukuyu vakagariswa pamatehwe embada, vakapfekedzwa nhembe dzeumambo. Aiva madzisekuru ake.

Pasichigare munhu akanyanyisa kurwara airapirwa kunze kwemusha. Izvi tinozviona panopunzika Mambo Mushoshoma pachivanzi pavo ndokutakurwa.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

NDINOFA NDAEDZA

4. Ndezvipi zvinoitwa naRevai muna Ndinofa Ndaedza zvinoita kuti timuti mutambi mukuru? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Pamubvunzo uyu munofanira kuratidza chinoitwa naRevai mozopa tsigiro inojekesa kufambira mberi kwerungano. Zvimwe zvaanoita semutambi mukuru: kufamba mutunhu murefu ari ega, kutiza muunhapwa hwaShe Zindoga, kuuraya bere raive roda kumutadzisa kuenderera mberi nerwendo rwake rwekwaMutenure, kupfuura nekumafuro achioneka shamwari yake Tafirei ava kuenda kwaMutenure, kupisa musha waShe Dendera, kukumbira Mai Zvenzira chikafu, kuviga sekuru vake ega, kufunga zano rekuti vagare pachikomo chakakwirira kuvanda mauto aShe Dendera, kuronga mauto enyuchi kuti adzivirire musha, anoudza ambuya vake VaMufarinya nezverufu rwaShe Machingauta.

5. Kubva murungano Ndinofa Ndaedza tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosusukidza rungano: (a) Chigange (b)                Tafirei (c) Chandafira (d) Ishe Machingauta (e) Ishe Dendera. [25]

Vanyori munotarisirwa kuburitsa zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokonzera zvimwe zvinhu kuti zviitwe (effect), rungano rwuchibva rwaenderera  mberi. Munotanga nekuratidza kuti mutambi ari kubuda ari ani murungano (identification). Semuenzaniso; “(a) Chigange aiva mutungamiri wemauto aShe Dendera. Anorega kusunga Revai zvaakanga audzwa naShe Dendera zvinoita kuti vazomurova netsvimbo pabendekete.” Zvimwe zvaanoita; anotyisidzira Ishe Chokupamba pahondo yekudzora upfumi, anobata Revai paakanga ava kutiza achibuda mumusha maShe Dendera. (b) Tafirei aiva shamwari yaRevai. Zvaanoita; anopa Revai mutakura wekufamba achidya kuenda kwaMutenure, anoudza Ishe Chokupamba kuti vadzosere upfumi hwaVaTiritose murunyararo. (c) Chandafira aive nhapwa yaShe Zindoga. Zvaanoita; anorwa naMuchineripi, anotyora badza rairimiswa naRevai mudoro. (d) Ishe Machingauta  vaiva sekuru vaRevai. Zvavanoita; vanoenda naRevai kumapinga, vanodzidzisa Revai kuteketera midzimu yemunyika mavo. (e) Ishe Dendera vaiva Mambo waChigange. Zvavanoita; vanorova Chigange netsvimbo pabendekete, vanoramba kuteerera zano raVaChiremba rekuti Revai aregererwe.

Mubvunzo uyu wakafanana neunotevera: Sarudza vatambi vashanu muna Ndinofa Ndaedza ugotsanangura zvinhu zviviri zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvinofambisira rungano mberi.

6. Bhuku rinonzi Ndinofa Ndaedza rinotsanangura nezvenhoroondo yakare. Zvino iwe chinyora uchitsanangura zvinhu zvishanu zvawakadzidza nezveupenyu hwechinyakare.

Chekutanga kupa pfungwa ine chidzidzo wozopa tsigiro inoratidza kuti chidzidzo chacho wakachiwana kupi uye sei. Kana zvidzidzo zvichidiwa zvishanu chete zvinoreva kuti chidzidzo chega chega chinofanira kupiwa tsigiro mbiri dzinonyatsojekesa zvawakadzidza. Mumwe anogona kudzidza zvinotevera; pasichigare kwaifambwa nzendo refu netsoka, munhu akarwarisa airapirwa kumusasa, kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka, vanhu vaitongwa nemadzimambo, kwaive netsika yeutapwa, varwere vairapwa nemishonga yen’anga, ishe vakafa mhere yaizoridzwa chivanhu chese chagadziriswa, kare vanhu vaipambana pfuma inoti mombe, mbudzi nehwai, kuvigwa kwaiitwa madzimambo, chikafu chaichengetedzwa nemashizha emiti minyoro kuti chisaore.

 

. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

. [email protected]

Nhare: 0772 610 360

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>