Mambo anoti Revai ataure nyaya yake

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Ongororo: Enderero mberi)
Mbonje iya yekutekeshwa netsvimbo kwakaitwa Revai naMazvikokota inozvimba kuti tuku izvo zvinonzi yaiva yazvimba “senyundwa yehandira” (50). Zvinhu zvainge zvasarudzwa kuitwa naRevai zvaitoda kuti munhu mupenyu aite zvekuzvionera saka munyori achishandisa tsumo inoti, “Vakafa havana chavakaona” (36). Anoenderera mberi nekushandisa udzamu hwetsumo apo anoti, “Vakuru vanoti, muroyi royera kure, vekwako vakupembedze”.

Zvaainge aita Revai ainge azviitira kure mumusha waMambo Zindoga, iye aenda kwaaenda uko achasvika achirumbidzwa unyazvi hwake.
Munhu kana achiziva kuti ane mhosho paari, kana achiita chimwe chinhu anochiita achingwaririra mhosho yake kuti asazonyonganisa zvinhu.

Revai anoziva kuti rwendo rwaatanga runoda kuti munhu afambe akarongedzera zvokudya nokudaro akachenjerera akatakura nhava yenyama yakaomeswa. Saka tichimunzwa achiti, “ndizvo zvinonzi chirema chakachenjera chinotamba chakazendama nemadziro” (36).

Munhu kana uri wemunyama, hapana chinofamba. Uti uedze ichi zvinobondera, uti pane icho ngoma ndiyo ndiyo. Nyama iya painopera, Revai anosara akangoti tuzu nazvo, nekunowo masango akaramba achiti hatisariri mumashure semuswe, hapana chatinokupawo saka tichizonzwa mujaya uyu achiti, “. . . Murombo haarovi chine nguo” (37).

Zvinoitika mudzimba dzakawanda hazvigoni kuzivikanwa nevakawanda. Munyori anopa pfungwa iyi apo anomboshandisa musambo wokudzidzisa paanobva autsigira netsumo inoti, “Ndokusaka vanoreva vakati, chakafukidza dzimba matenga” (39).

Zvataurirwa Revai nemudzimai waMazvikokota zvinoita kuti ave nekutenda kukuru zvaari kuda kuitirwa zvacho zvisati zvaitika asi mudzimai uyu anomuyambira kuti ngaasatanga atenda, ngaambomira zviti zvaitika ozoti ozomutenda. Anotaura kudai achidoma tsumo inoti,  “. . . wozotenda maruva tadya chakata” (40).

Maererano netsika nemaitiro evanhu tinodzidza zvakati kuti. Iye Mazvikokota zvinonzi, “Baba vemba iyi vaidya moto panyaya yeruchengera” (39) tozonzwazve kuti “nyaya yezevezeve ndiyo yavaigona kunyevera nenguva isipi” (44). Maererano naMambo Dendera tinonzwa zvichinzi “. . . uno musha waMambo ane mwoyo mukukutu” (39).

Pondai aive munhu asingaiti chiriporipotyo obva apa mhedzisiro (conclusion) panenge pane zvaitika. Tinonzwa kuti, “Nguva dzose Pondai aida kutanga abvunza musoro wenyaya asati atonga” (47). Ndokusaka akashatiriswa nekuita kwaMazvikokota kwekusvikotekesha Revai netsvimbo asati anyatsa kubvunza kuti zvinhu zvainge zvakamira sei.

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho)
Revai anoiswa mumba yevasungwa, varwi vashe vaviri vakamutorera zvombo zvake ndokuzviisa imo mumba imomo. Mangwana acho mambo anotuma mumwe muuto kuti anoshevedza vanaPondai nemusungwa uyo  ainge asina kusungwa maoko semataurirwo ainge aitwa namambo. Mambo anoshatirwa apo anoona izvi ndokubva aereka Chigango netsvimbo pabendekete ikabva yatyokerapo.

Pondai anobva asveera tambo yaive seri kwegonhi ndokusunga Revai ava kutyawo kurohwa. Ishe anotautira Revai kuti ataure nyaya yake yekuzosora musha wake ndokushevedzera Dzengeni kuti anodana makurukota naMazvikokota.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>