Uncategorized

Mambo nen’anga tiba!…l Muzenda in’anga yenhema – Ishe l ‘Ndakanwiswa mushonga padare’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Mambo nen’anga tiba!…l Muzenda in’anga yenhema – Ishe l ‘Ndakanwiswa mushonga padare’ David Muzenda

Kwayedza

David Muzenda

David Muzenda

DAVID Muzenda – n’anga inobva kwaNembudziya, kuGokwe, asi achishandira kwaSeke – anoti akapotsa afira padare raMambo Seke nemusi weMugovera wadarika mushure mekunzi anwe waanoti mushonga waasingazive.

N’anga iyi inoti yakanofefemukira kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital mushure mekunge atanga kurutsa nekuchaya angopedza kunwa mushonga uyu pajekerere revanhu vaiva padare ramambo.

Muzenda, uyo anoitira basa rake pedyo nepaZiko, anoti akange ashevedzwa kudare raMambo Seke, VaStanley Chimanikire, semufakazi weimwe nyaya yaitongwapo.

Anoti akamanikidzwa kunwa mvura yaiva yaiswa mukomichi (kapu) yaikwana rita rimwe chete umo anoti makaiswa zvimwe zvinhu.

Achitaura panhare neMuvhuro apo aiti aiva kuGokwe, Muzenda anoti utano hwake hwakava parumananzombe nekuda kwemushonga waakanwiswa uyu.

“Ndakatumirwa samanisi naMambo Seke raiti ndaidiwa semufakazi munyaya yevemhuri yekwaJosiah Chichewo vandakange ndashandira. Ndasvikako, mambo vakatanga kundibvunza zvakawanda, kusanganisira mashandiro angu nezvimwe.

“Vakazoti vaida kuti mudzimu wangu ubude izvo ndakati zvaisakwanisika. Vakaburitsa kakasha muhomwe dzavo ndokuisa zvaivamo mukapu yaiva nemvura vakandimanikidza kunwa mhomho yevanhu yakatarisa vachiti kwaiva kundichenura. Ipapo ndakanzwa hura hwangu kumonya ndokutanga kurutsa, pakarepo ndakazvikanganisa,” akadaro Muzenda.

Anoti padare iri Mambo Seke vakamutaurira kuti haana mvumo yekushandira munzvimbo yavo zvisinei nekuti anoti akapihwa matsamba ekuita mabasa ake neaimbova sarapavana mudunhu iri.

Mambo Seke vakatsinhira kuti Muzenda vakamushevedza kudare ravo.

“Uyo Muzenda wamunoreva, hongu ndakamushevedza kudare rangu ‘is a trickstar’ (itsotsi). Akatora US$800 kuchembere uko aida kunoshandira kumba kwavo, basa orega kuita. Vakazouya kwandiri kuzomhan’ara,” vakadaro mambo.

Vanoti Muzenda anonzi akatanga nekubata zvinhu zviviri zvaaiti zvikwambo – chirume nechikadzi – zvakazoita kuti vemhuri iyi vatengese mombe.

“Mupfana uyu haana kuzoita basa iri, akazoti zvakare pamusha uyu paiva nezinyoka apo aiti aida imwe mombe. Saka ndakazomushevedza kudare rangu ndokutadza kutsanangura zvizere mashandiro ake.

“Ndakamuti ndaida kutaura nemudzimu wake apo akati zvaisakwanisika sezvo aiva aviga amai vake munguva yakadarika achiti aiva mutema. Ndakazotora mvura ndokuisa fodya yangu yebute ndokubva ndamuti anwe akaita saizvozvo. Ndakamuti asapedze ndikazonwawo ini.

“Ndakazoshevedza mukuru weZinatha muno maSeke apo akazotanga kunyepedzera kubidirika kurwara. Aifeka uyu, hapana kurwara apa. Aitya kuonekwa nhema dzake,” vakadaro Mambo Seke.

Muzenda anoti nguva yadarika Mambo Seke vakambotumira machinda avo vachida kuti atore zvinhu zvaanoshandisa mubasa rake izvo akarambira.

“Ndakashandira mhuri yakazonosvitsana kwamambo, ikandibhadhara mari yangu zvakanaka pasina dambudziko. Kupokana kwavo pachavo ndiko kwakazoita kuti ndishevedzwe kudare rashe ava ndikazogumisira ndawira parumanzombe. Handaikwanisa kuramba kunwa mvura iyi nekuziva kuti madzishe nemadzimambo vanofanirwa kuremekedzwa.”

Muzenda anoti mushure mekurwara apo akange anwiswa mvura iyi, akazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza uko akarapwa akaburitswa.

“Pandakabva apa ndakaenda nekumapurisa ekuDema uko ndakanotaura nyaya iyi. Ndakapihwa tsamba yekuti ndiende pachipatara chepaDema kunorapwa apo ndakazodarikidzwa kuchipatara cheChitungwiza. Uku ndakarapwa ndikagara maawa anosvika mana kana kudarika ndiri pamubhedha,” akadaro.

Muzenda anoti pakushandira kwaakaita mhuri yekwaChichewo, akanobvisa chidende nechikwambo pamusha paVaJosiah Chichewo, izvo akati vaiva vaisirwa nevavengi. Iyi ndiyo nyaya yakazoguma yasvika kudare ramambo vamhan’arirana pahukama hwavo.

Mambo Seke vanoti nyaya iyi haisati yapera uye vanoda kuti Muzenda adzosere vanhu ava US$800 yavo.

“Ngaasakunyeperai munhu iyeye. Mvura yaakanwa yaingova nebute chete kwete poizeni yaanoreva. Akatobva padare rangu achifamba,” vakadaro.

Zvakadaro, Muzenda anoti pari zvino ari kumborapwa uye kana aita zvakanaka anozoona kuti angatore matanho api nenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekumboferefeta nyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links