Uncategorized

Mambo Seke vari kuvava

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Mambo Seke vari kuvava

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Seke, VaStanley Chimanikire, vari kudya magaka mambishi uye vanoda kuti vemhuri ine parufu pakadyiswa vanhu nyama yekatsi nemumwe murume vaende kudare ravo nekukasika vonokwidza nyaya yavo sezvo vachiti zvakaitwa izvi chipini chikuru.

Vanoti izvi zvinogona kukanganisa kugara kwevanhu vemudunhu ravo zvakanaka.

“Inyaya yandiri kungonzwa nemakuhwa, kuti kwaBesa kune vanhu vakadyiswa nyama yekatsi parufu vasingazive. Kunesu, tinotevedza tsika dzepasi, pane nyaya huru apa. Handizive kuti sei mhuri yacho yekwaChihumbiri isati yasvika kwandiri kuzomhan’ara manenji akadai.

“Akaita hutsinye hwakadai, kunyange aiita mabasa ehuroyi kana kwaida kunakidzwa, anofanirwa kutongwa oripiswa zvakasimba. Ndizvo zvimwe zvinokonzera mvura kusanaya izvi,” vanodaro mambo ava.

Vanoti mhuri iyi ikanonoka kupira nyaya iyi kudare ravo, vachatuma mapurisa avo kunovashevedza kuti vanzwe zvizere.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muguta reHarare, vanoti katsi inoshandiswa kutsipika mweya yevakafa, kazhinji kacho kana vafa vachiita zvekupondwa, kutsikwa nemota nedzimwewo nzira dzisina kutsarukana.

“Hazvizivikanwe, dzimwe nguva vanhu vakaita izvi vaiva nechinangwa chekurasirira mweya wemufi kana kuutsipika kuti usaende kwavari.

“Kazhinji mhondi dzinokwanisa kukanda katsi yakafa pedyo nemutumbi wemunhu wavaponda kuti mweya wake usavatevera vachishandisa mishonga. Saipapa, vanhu vose vakadya nyama yekatsi vanogona kuzoti nekufamba kwenguva vozoteverwa nemweya wemufi uyu uchiti makandiuraira chii,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti nyaya yekuti bhokisi remushakabvu rakanga rave kuramba kukwana muguva zvinogona kureva kuti murume uyu akafa aine shungu, izvo zvinoda kuti hama dzake dzifambe muchivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>