Uncategorized

Mambure akabata muridzi. . . munhu ndiye tasa

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUZUKURU anonzi akanyn’ura apo airedza hove nasekuru vake mushure mekunge azvimonerera nemambure mudhamu rekwaChimwendo, kwaShe Chivero kuMhondoro, munguva pfupi yadarika.

Ema Chirandu Takuranarwo anonzi akaenda kunoredza hove kudhamu iri, rinove chinhambwe chemakiromita gumi kubva pamusha wavo wekwaNyepa aina sekuru vake, VaJoseph Chirandu Takuranarwo (60).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vaviri ava svondo rapera paseri vakabva pamba vachienda kunoredza hove idzo vaida kuzoita usavi.

“Semagariro avaiita nguva dzose, sekuru nemuzukuru wavo ava vanonzi vakabva pamba mangwanani ndokunosvika kudhamu iri nguva dzekuma12 masikati. Vanonzi vakasvikokanda mambure avo mumvura ndokutanga kudhonza mumwe nemumwe wavo ari kune rumwe rutivi vachipinda mumvura,” vakadaro.

Panguva iyi, zvinonzi Ema akabva atanga kuzvimonerera nemambure aya ndokutanga kunyn’ura kusvikira akafa pasina akamubatsira sezvo sekuru vake vaivawo nerumwe rutivi uko vaisanyatsoona zvaiitika kune muzukuru wavo.

Sekuru vacho vanonzi vakatozoona kuti muzukuru wavo akanga asisaonekwe apo vakasiya mambure ndokuenda kunotarisa vakawana anyn’ura.

Vakazonotaurira vamwe veruzhinji pamwe nekunomhan’ara nyaya iyi kumapusira kuMarisamhuka.

“Mapurisa edu emumvura, eSub Aqua Unit, akazoshevedzwa vakanyurura mutumbi uyu mumvura uyo wakazonovigwa kumusha kwaNyepa,” vakadaro Insp Mabgweazara.

Vakazoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekutambira mumvura kana kunobata hove zviri kunze kwemutemo sezvo iri mhosva.

Zvakadai, vagari vekunharaunda iyi vane fungidziro yekuti mudhamu iri mune njuzu sezvo vachiti munoitika mashiripiti akasiyana.

Mumwe mugari weko, VaSilent Kaseke (40), vanoti pane fungidziro yekuti mudzimai akafa uyu akatorwa nenjuzu nekuda kwekuti padhamu iri panogara pachiitika masaramusi.

Share This:

Sponsored Links