Mamonya aAndy Muridzo akatyora munhu ruwoko

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Mamonya aAndy Muridzo  akatyora munhu ruwoko Andy Muridzo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuferefeta nyaya yemurume wekwaChivero, kuMhondoro, uyo anonzi akarohwa ndokusara atyorwa ruwoko nechigunwe apo akarwiswa nenhengo dzechikwata chemuimbi Andy Muridzo apo vaiva parufu.

Zvinonzi maneja wechikwata chaMuridzo – uyo akangozivikanwa nezita rekuti Givie – akashaikirwa nemukadzi wake kuMhondoro nguva pfupi yadarika zvikaita kuti nhengo dzechikwata ichi dziendewo kurufu.

Chikwata ichi chinonzi chakaenda kuMhondoro pakatakurwa mutumbi wemudzimai wemumwe wavo. Malvern Makoni (38) wemubhuku raMakoni, kwaChingwere — uyo aive parufu urwu sezvo aine hukama nemudzimai waGivie — anonzi ndiye akarwiswa nenhengo dzechikwata chaMuridzo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanotsinhira nyaya yekurohwa kwaMakoni.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yemurume anonzi Malvern Makoni uyo anonzi akarohwa zvakaipisisa nedzimwe nhengo dzechikwata chemimhanzi chaAndy Muridzo. Murume uyu anonzi akatorwa panhamo apa nemotokari nevanhu vaisanganisira madzimai nevarume ndokuendwa naye kunzvimbo yemabhizinesi yeChingwere uko vanonzi vaida kunoratidzwa mabhawa anovhura kusvika kunze kwayedza sezvo vanhu ava vaida doro,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Vanoti nhengo dzechikwata chaMuridzo vakange varara husiku hwese vachiimba nevamwe apo vakazokumbira Makoni kuti avaperekedze kunzvimbo yemabhizimisi yeChingwere.

Vamwe vevarume vanova nhengo dzechikwata ichi vanonzi vakazotanga kurova Makoni nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa nemapurisa.

“Murume uyu asati arohwa, anonzi akambotorwa nevarume nemadzimai ava ndokuenda naye pane rimwe bhawa riri kwaMarisamhuka kana kuti kuGonza. Vanonzi vakazodzoka ikoko ndokutanga kumurova vari paChingwere uye chikonzero chekurohwa kwake hachina kuzivikanwa,” vanodaro.

Asst Insp Kohwera vanoti Makoni akazotakurwa naAlbert Nyampenda nekombi yechikwata ichi kuendeswa kukiriniki yeGonza kana kuti Marisamhuka apo nyaya iyi yakazomhan’arwa pakamba yemapurisa yeMarisamhuka.

“Murume akamutakura uyu akazomudzosera kumba kwake mushure mekunomurapisa apo dzimwe nhengo dzechikwata ichi dzinonzi dzakazoita zvekutiza parufu vachisiya maneja wavo. Iye nyakurohwa anonzi akazoenda kuchipatara cheNorton uko achiri kurapwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Vanoti kusvika pari zvino, hapana ati asungwa nekuda kwenyaya iyi.

Makoni anotsinhira nyaya yekurohwa kwake nenhengo dzechikwata chaMuridzo asi anoramba kuti aive aba foni yemumwe wavo.

“Ini ndakavaperekedza kubhawa raBenard paChingwere nekuGonza, mumwe mukadzi wavaiva naye ndokuti ashaya foni yake yeGTel ndikanzi ndini ndaba. Mamonya aAndy akatanga kundirova, ndikatyoka ruwoko nechigunwe.

“Mumwe wavo akandiperekedza kukiriniki yeGonza uye paakadzokera kuHarare akazonditumira $79 yekuti ndirapwe achishandisa nhamba dzefoni dzinoti 0772 995 506. Izvozvi handina mari yekuzvirapisa, ndinoda kutoiswa plaster,” anodaro Makoni.

Anoti nhare yaanonzi akaba yakazowanikwa iri pasi pesiti (seat) mumota yechikwata ichi.

Nyampemba paakaridzirwa nhare neKwayedza akatsinhira kuti Makoni akarohwa nevamwe vechikwata chavo asi anoramba kudura mazita avo.

Anotiwo Muridzo akange asipo pazvimbokoma izvi.

“Murume uyu akatorwa nevamwe vangu parufu vakaenda vose kunzvimbo yemabhizinesi iyi. Ini ndakazobva kunhamo arohwa kare ndokumutakura nemota yangu kuenda kukiriniki yeko uko akanorapwa ndikamudzosera kumba kwake.

“Andy aisavapo, murume uyu aiva aba nhare yemumwe wedu iyo yatisina kuzowana uye takanzi ane history yekuba mafoni, imbavha yemafoni inozivikanwa munzvimbo iyi,” anodaro Nyampenda.

Anoti adzoka kuHarare, akazotumira Makoni mari yekurapwa neEcoCash – $40, $35 ne$4.

“Ndakavabatsira nemari yekumurapisa ndanzwa kuti aenda kuchipatara cheNorton iyo ndakatumira paEcoCash yake. Iye zvino Andy Muridzo hamukwanise kumuona kana kutaura naye nekuti ari mumeeting, regai ndichaita kuti mutaure naye,” anodaro.

Nyampenda akazoridzirwa nhare zvakare akavimbisa mutori wenhau uno kuti aizoita kuti ataure naMuridzo kana kaasvika kumahofisi avo ari paMegawatt Building, muguta reHarare.

“Chiregai izvozvi ndave kuenda kwaari Andy ndokufonerai ndasvika paMegawatt Building, manje-manje ndokubatai,” anodaro.

Asi kubva ipapo vaviri ava havana kuzobatika kudzimara pakudhindwa kwenyaya ino.

Resina Cream (36), uyo anova mudzimai waMakoni anoti havana mari yekurapisa murume wake zvichitevera kurohwa kwaakaitwa.

“Ruwoko rwemurume wangu rwuri kuda plaster asi mari yacho hapana, nekudaro rwave kuwora,” anodaro.

Mbuya Rashiwe Makoni (60), vanove amai vaMakoni vanotsinhira vachiti ruwoko rwemwana wavo rwose rwunonzi rwunofanirwa kuiswa plaster asi havana mari yacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>