Man U yoda kutenga Coentrao

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weReal Madrid, Fabio Coentrao, anoti chiremerera chikuru kana akakwanisa kutambira Manchester United. Mashoko ari kubva kuSpain svondo rino anoti United iri kugadzirira kuda kutenga mutambi uyu – Coentrao – uyo wayakapotsa yatenga mugore ra2013. Chizvarwa chekuPortugal ichi hachisi kunyanyotamba kuMadrid mwaka uno asi anoti anoenda achimhanya kana mukana wekutambira United ukauya kwaari.

Coentrao akaudza bepanhau rekuPortugal O Jogo kuti: “Ndakazvirakidza kare kuti ndoda kutambira nhabvu yangu ikoko. Chikwata chikuru chaizvo pasi rose uye ndinochiyemura zvikuru. Chiremerera chikuru kana ndikapihwa mukana wekuchitambira.”

United icharamba ichiongorora remangwana remutambi uyu kuBernabeu uye ichaedza kumutenga pachapera mwaka wenhabvu wegore rino, sezvakabuda mubepanhau rekuSpain, AS.

AS inoti zvakare United inoda kusimbisa chinzvimbo cheleft-back nekuti Luke Shaw ari kugara achingokuvara mwaka uno.
Coentrao ane kondirakiti ichapera mugore ra2019, asi ange asiri kumbotamba kakawanda muchikwata chaCarlo Ancelottti mwaka uno kunyangwe hazvo akambosarudzwa kutamba mumitambo mikuru makore adarika yakafanana nefainari yeChampions League. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links