Uncategorized

Mangoromera: Kurova ‘feya-feya’ here?

25 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Mangoromera: Kurova ‘feya-feya’ here?

Kwayedza

  • Anofenda anotomutswa neweti

  • Haadye derere, chikafu charara

MUMITAMBO yakasiyana, vamwe vatambi vanofungirwa kuti vanosevenzesa mhando dzemishonga isingatenderwe, iyo inovabatsira kuti vabudirire inonzi pachiRungu ma”drugs”.

Ndokusaka nguva nenguva vatambi vachiongororwa kana kuti kuzemenwa kuti vaonekwe kana vasingashandise mishonga iyi kuti vakunde.

Mwedzi wadarika, shasha yekumhanya yekuEngland, Mo Farah, akaitwa dititi nemasangano enhau pasi rose achinzi sei ainge atadza kuongororwa sezvaitarisirwa. Kana mutambi wenhabvu wemuno, Devon Chafa, akambosangana nacho, apo akamiswa kutamba nesangano renhabvu repasi rose, reFifa, achipomerwa kushandisa mishonga isingatenderwe.

Munhu anoshandisa mishonga, pangava pakumhanya kana panhabvu, anoita seakasvikirwa sezvo mishonga iyi ichimubatsira kuwana simba rakavedzerwa.

Asi kubva nakare, pane zvinhu zvisinganzwisisike kuti zvinombofamba sei kana pari panyaya dzetsiva.

Kune vanhu vanorova zvimbokoma zvekuti unonzwa achinzi ane mangoromera nekuda kwekuti haakundwe kana pari pakurwa. Wotadza kuziva kuti iwo mushonga wemangoromera unoshandiswawo here nevamwe vatambi vetsiva avo vanobudirira.

Iwo mangoromera anomboita kuti munhu adii?

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro pemishonga inonzi inoshandiswa nevamwe vatambi vetsiva ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

Chiremba wechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga (60), vanoti mishonga yemangoromera iriko.

“Kubva kare, pachivanhu kune vaiita mbiri yekurwa vachishandisa mishonga yemangoromera. Vanhu ivava vaitotsvagana kuti vaedzane masimba kuti kuwanikwe mukuru munzvimbo.

“Pane mumwe mushonga wekuti unorova munhu chibhakera kamwe chete obva afenda. Ukamurova kaviri anofa asi kana achinge afenda anoitirwa weti neamurova obva amuka,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti n’anga dzinopa mishonga iyi kuburikidza nekutemera munhu nyora kana kuzora mishonga usiku, onzi afambe musango uye akasangana nemhuka yekutanga anofanirwa kurwisana nayo oikurira.

“Kunyange ukaona ingava nzou, shumba, mbada, garwe, mvuu, ngwarati, nyati kana imwewo mhuka, unosungirwa kurwa nayo woikurira. ‘‘Ipapo unobva wasara wakabata mushonga kuruwoko rwerudyi uyo waunoisa muhomwe wopota uchigeza nawo pose paunorwa. Munhu iyeye haakurirwe pakurwa,” vanodaro.

Vanoti munhu akapihwa mushonga wenzou, akarwa neakapihwa wembada kana kuti imwe mhuka duku, anomukurira.

“Vamwe vanopihwa mishonga yemangoromera yemheni apo kunotorwa mazai epanzvimbo yakarohwa nemheni. Munhu ane mushonga wakadai anorova munhu achibva angofenda sekurova kunoita mheni.

Munhu anofenda ipapo nekubva azviitira, anotomutswa nekuitirwa weti neamurova.

“Pakurwa nemhuka, simba remhuka yawakasangana nayo ndiro raunoita ndokunge wakakwanisa kuirwisa ukaikunda asi mhiko ndeyekuti unofanirwa kuikunda, ukatadzawo unodzokera zvakare kun’anga,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti kune mhiko dzakasiyana dzemangoromera, dzimwe dzacho dzisingade kuti munhu ayaumbuke nzizi hombe, kusadya derere, kusadya chikafu chakarara, kusaona mhuka ichiuraiwa nezvimwe zvakasiyana.

Dzimwe nyanzvi dzezve mishonga yechivanhu idzo dzakatsinhira nezvemangoromera ndiMbuya Marita Ried (52) vekuChitungwiza, VaPatrick Kapfunde Bhaureni (46) vekuMt Darwin naSekuru Benson Musuweje (63) vekuMufakose, muHarare.

Nyakuita mbiri mumutambo wetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika (40), uyo akatanga mutambo uyu mugore ra1984 ndokuhwinha mukombe weCommonwealth Championship neZone Six African Championship, anoti ichokwadi kuti kune vamwe vatambi vetsiva vanoshandisa mishonga. “Nyaya dzekuti kune vanhu vanoshandisa mishonga yemangoromera ndinongodzinzwa asi ini hunyanzvi hwangu hwakabva pakudzidza zvidavado zvezvibhakera. Hongu, kune vainditi ndine mangoromera asi kwaingova kufunga kwavo,” anodaro Zvenyika.

“Ndinonzwa kuti vamwe vanoshandisa mishonga yekuti anokutsika mumvuri musati marwa, zvinoreva kuti pamunopinda munhandare haatore nguva newe, anokurova pasina nguva,” anodaro Mosquito.

Kune vamwe vatambi vetsiva vakamboita mukurumbira muZimbabwe vanosanganisira Proud “Kilimanjaro” Chinembiri naLangton “School boy” Tinago. Zvenyika anoti vamwe vevatambi vaanoremekedza uye vairova kana kuti vachiri kurova “feya-feya” ndiTinago naCharles Manyuchi, uyo waanoti achasvika kure netsiva.

Manyuchi akanozvambaradza mutambi wetsiva wekuItaly, Gianluca Frezza, uyo ainge amboda kuzama noto mumutambo weWBC welterweight championship nemusi weMugovera wadarika. Kilimanjaro anonzi akakundikana mumitambo yetsiva mitanhatu chete, ndokukunda 32 yacho muboka reheavyweight apo 28 aizvambaradza vaakarwa navo (knock-out).

Shasha iyi yakamborova murume ainzi Adam Mensah wekuGhana mutambo uchangotanga uye vanhu vakawanda vakazopinda munhandare vachinzwa kuti mutambo uyu wakange watopera. Kilimanjaro anonzi akamboita dambudziko mugore ra1981 apo zvibhakera zvake zvakaramba kukwana mumagirovhosi ekurwisa, akazogadzirirwa ake oga.

Share This:

Sponsored Links