Uncategorized

Mangwanani akave manheru nekuchema 2

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa

MAMBO Rugare vakanga vasisina tariro yekuti nyika yavo ichazove nemwenje zvakare. Nekuda kwaGororo, nyika yese yakanga yazara rima, kunhuhwa nenhunzi.

Nekune rimwe divi, mazizi akanga ave kurira nyangwe nemasikati.

Nharirire yaive mugomo yakaona Bondamakara nemachinda ake vachipinda mumuzinda waMambo Rugare vakapakata zvombo. Yakamhanya ikanoti mberi kwavo dzi ichiti, “Mirai ipapo! Ndimi vana ani munosvika makapakata zvombo zvehondo?”

Bondamakara akati, “Tiri vayera Shava, Mhofu yemukono, ziendanetyaka mutunhu une mago. Tiri kubva kunyika yaMambo Pfumo. Tauya mune zvakanaka. Tauya kuzonunura Mambo Rugare kubva kuchikara chatakanzwa kuti chaba rugare munyika yavo. Ini ndiri kutaura ndiri Mambo wevanhu vangu kunyika yePfumo. Ndauya kuzorwisa nekuparadza mhondi yakutambudzai. Ndauya kuzodzosera rugare mundangariro dzaMambo Rugare.”

Murindi waMambo Rugare akaburuka pabwe paakanga akamira akati, “Ndinogamuchira mashoko enyu semashoko echokwadi. Ndinoti mauya, torai zvombo zvenyu munditevere. Bondamakara nevarume vaaive navo vakabva vapinda munzira. Vakafamba chinyararire, tsoka dzavo dzichirira sevanhu vanotsenga mhandire.

Murindi akatungamirira Bondamakara nevamwe vake kusvika vasvika paakati, “Ini handichaenda mberi. Ndinofanirwa kudzokera kunzvimbo yangu. Dai Baba vekudenga, vemasimba ose vakutungamirirai netsitsi dzavo kuti mukunde.”

Muchinda uye adzokera, Bondamakara nemachinda ake vakafamba vakanopinda muchivanze. Vakasendeka zvombo zvavo zvese pamadziro, vachibva vagara pazvigaro zvakanga zviripo.

Vakavingwa nerimwe uto raMambo Rugare rakati, “Muri kubvepi makatakura zvombo zvese izvi?.”

Murume aive nezita rehondo akati, “Tabva kunyika yePfumo. Ini ndinonzi Bondamakara. Kana zvakakodzera, udzai Mambo Rugare kuti ndiri kuda kuvakwazisa ndega, uye nditaure chandisvitsa kuno.”

Muchinda wekuchingamidza akati, “Shoko renyu ranzwikwa. Regai ndinotaura namambo. Ndinouya ndichikuudzai kuti vati kudii.”

Mushure mekunge adaro, akaenda akanopira mambo nyaya yevaenzi. Mambo Rugare vakati, “Bondamakara, mwanakomana waMambo Pfumo ndinomuziva. Ndakapedzisira kunzwa nezvake achiri mukomana mudiki. Auya kuno nekuti ndiri sahwira wababa vake.

“Kune vanhu vakambotumwa nababa vake kuzondipa zvipo vaitaura nezvehushingi hwake. Ndafara zvikuru kuti Mwari vamutungamirira kuti atirwire kubva kumharadzi inonzi Gororo. Kana akatiparadzira Gororo, ndichamuripa nemunyepfu wepfuma. Enda unomuudza pamwechete nevaainavo kuti ngavapinde.”

Bondamakara akasimuka nevarwi vake vakanomira pamberi paMambo Rugare semiti yemipangara.

Bondamakara akabva ati,  “Dzenyama Chirombowe, Mambo Rugare. Murehwa anorehwa nyangwe nemasvosve. Imi Makwiramiti, mahomuhomu, VaMushambanegore. Makumbo mana, muswe weshanu. Ndauya kwamuri. Ini ndini Bondamakara mwana wasahwira wenyu Pfumo, Mhofu yemukomo, Sviba yekwaSeke, vachisengamago. Pamazuva angu ndichiri jaya ndakarwa hondo zhinji kusanganisira neShumba nezvipembere. Zvino nhau yekutambudzwa kwenyu mumuzinda uno naGororo yakasvika munzeve dzangu.

“Ndakanzwa kuti kana kunze kwangodoka chete, musha wenyu unenge usisiri wenyu, asi unenge wave musha werima, musha werufu nekuchema. Mambo, handisi kuzvirumbidza, asi ini handina chandinotya kunze kwaiye Mwari musiki wedenga nepasi.

“Ndini chete munhu akapfura dombo nemuseve rikaita chironda. Ndauya muno mumuzinda wenyu nhasi kuti nditarisane naye Gororo, ndipedze manyemwe ake neruoko rwangu. Ndakanzwa kuti Gororo haadi kurwa nezvombo, asi nemaoko, saka ini pano ndiri kusendeka zvombo zvangu zvese. Ndicharwa naye nemaoko angu aya. Saka, ndibvumireiwo Mukanya Rugare kurwa hondo iyi.”

Share This:

Sponsored Links