Manhuchu ane dovi

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Manhuchu ane dovi

Kwayedza

MANHUCHU — chinove chibage chakasvuurwa kana kuti chakatswiwa chozobikwa — kana akabikwa aine dovi panobuda kudya kunovaka muviri uye kunogutsa zvikuru.

Svondo rino Rosemary Guchu wekuBudiriro 2, muHarare anotsanangura mabikirwo emanhuchu aya.

Zvinodiwa:

Manhuchu, mvura, dovi nemunyu.

Mabikiro:

Tora makomichi maviri echibage chemanhuchu uise muhari.

Dira makomichi mana emvura wogadza pamoto.

Siya zviibve asi moto wako ngauve wakaderera kuti asatsve.

Pota uchipindura-pindura uye kana zvaibva isa munyu nedovi zvakaringana.

Mona zvakare kusvikira zvanyatsosangana.

Wozodii?

Kana zvadai chibura unakirwe hako nemhuri.

Manhuchu anogona kudyiwa muchinwira-nwira nesvutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa.

 . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 173 411 281

Share This:

Sponsored Links