Kwayedza
MANHUCHU — chinove chibage chakasvuurwa kana kuti chakatswiwa chozobikwa — kana akabikwa aine dovi panobuda kudya kunovaka muviri uye kunogutsa zvikuru.
Svondo rino Rosemary Guchu wekuBudiriro 2, muHarare anotsanangura mabikirwo emanhuchu aya.
Zvinodiwa:
Manhuchu, mvura, dovi nemunyu.
Mabikiro:
Tora makomichi maviri echibage chemanhuchu uise muhari.
Dira makomichi mana emvura wogadza pamoto.
Siya zviibve asi moto wako ngauve wakaderera kuti asatsve.
Pota uchipindura-pindura uye kana zvaibva isa munyu nedovi zvakaringana.
Mona zvakare kusvikira zvanyatsosangana.
Wozodii?
Kana zvadai chibura unakirwe hako nemhuri.
Manhuchu anogona kudyiwa muchinwira-nwira nesvutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 173 411 281