Manyorerwo etsamba yebasa

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
GORE zvarichangotanga kudai, ndipo panoda kuti tinyatsogara tarovera masoro kuitira kuti vana vachangotanga gwaro rechinomwe vabva vagara varongedza mumusoro maitirwo chaiwo avanotarisirwa kuti vagoita muna Gumiguru apo vanenge vonyora bvunzo.

Hationgororei mafambiro atinofanirwa kuita kana tonyora tsamba dzebasa. Nekuda kwechiRungu chakauya ichi, vana vazhinji havatogoni kunyora tsamba chaiyo vega asi bvunzo rinobvunza nekudaidzira kunyorwa kwetsamba apo patinozoona vana vachipozvomoka muchiShona chavo nekuti havana ruzivo rwakakwana.

Ndinogarosangana nevamwe vana vanoti kana tsamba yakauya pabvunzo, zvavo zvaita asi tinozongoona zvichivakunda nekuti vanotora nekudherera tsamba izvi zvichibva mukuti kune vamwe vadzidzisi vanotogara vaudza vana mashoko iwayo asi zvozongonetsa zvakare.

Tsamba yebasa ine muronga wayo unoda kutevedzrwa nemo-nemo. Iyi mhando  yetsamba inoita makero maviri. Makero maviri aya anonyorwa achiti kero yeari kunyora tsamba koitawo kero yekuri kuenda tsamba yacho.

Kero idzodzo dzinonyorwa nemazwi azere uye pasina tudonhwe kana shongedzo inoiswa. Pakero yekutanga panodarikwa mutsetse pobva panyorwa zuva ranyorwa tsamba uye rinonyorwa zvakazara.

Davidzo yekunoenda tsamba inofanirwa kuva neruremekedzo sekuti “Kumutungamiri wechikoro” kana kuti “Mukuru weKambani.”

Vamwe vanogara vachibvunza kuti kero yekutanga inonyorwa papi chaipo. Mhinduro inoti kero iyi inotanga pakati pepepa ichienda kurudyi ichidzika ichitangira pamwe chete. Kero yepiri inozotangirawo padarikwa mutsetse asi ichitangira kuruboshwe sezvizvi:

Chomuruva Primary School

Post Office Box 56

Chomuruvati

Nemanwa

23 Chikunguru 2018

 

Mukuru wechikoro

Dema Secondary School

Post Office Box 100

Manhize

Kune mukuru wechikoro

Kana wapedza kero wochinyora chinangwa chetsamba yako. Pachinangwa apa panonyorwa nenzira mbiri. Chinangwa chinogona kunzi “Donzvo” kana kunzi “Zve:” wobva wanyora chinangwa chacho. Kana wanyora donzvo nemavara madiki unofanirwa kuzoita mutaro pasi pemavara awanyora asi ukanyora namavara makuru hauchaisi mutsetse pasi.

Ndinodzokazve panyaya yekero ndichiti nekuda kwekuuya kwezvechiRungu kusanganisira macomputer, kero dzava kungonyorwa nedzimwewo mhando sokuti dzinogona kutangira dzese kunotangira pepa kuruboshwe. Vanamazvikokota vakazongoti kana matora manyorero iwayo ngazvichiva zviri kutevedzwa nemunhu wese wepachikoro chenyu nekuti zvikazosiyana vana vanenge vobvutirwa zvibodzwa.

Kana wapedza donzvo, chipinda mumwongo wetsamba wakatsamirana nedonzvo rako.  Hapazodiwi kuti munyori ataure twakawanda asi kuti anofanirwa kungonyora zvakanangana netsamba uye zvichienderana nemubvunzo. Zvekuda kumhoresa nekubvunza upenyu zvinotwa mutsamba yehushamwari.

Kana wonyora zita rako, ibva warinyora zvizere kwete kungonyora zita raunodaidzwa naro rega.

Tsamba idzi dzine mwero wadzo wehurefu. Hurefu hwetsamba hunodiwa hausanganisi mazwi anyorwa pakero asi kuti  kunongoverengwa mutumbi chete.

Share This:

Sponsored Links