Manyuchi ochema-chema

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Manyuchi ochema-chema

Kwayedza

SHASHA yemutambo wetsiva, Charles Manyuchi, onyunyuta pamusoro pekusawana rutsigiro pamwe nevakotsveri panguva iyo akatarisana nemakwikwi makuru eWorld Boxing Council Championships ayo achange achirwa neshasha yekuGuyana kuAmerica, Ivan Vivian Harris, muna Mbudzi.

Manyuchi, uyo parizvino ane bhande reAfrican Boxing Union Championship pamwe nereWorld Boxing Council Champions, anoti anonzwa kusimudzirwa zvakanyanya nekuhwinha kwaari kuita makore ose adarika.

Zvisinei, anoti anoshuvira kuwana rutsigiro pamwe nekutendwa neHurumende sezvo ari kusimudzira mureza wenyika.

Anoti anotarisirawo kupihwa rutsigiro serwunopihwa shasha yekutuhwinha, Kirsty Coventry, pamwe nenyanzvi yemujaho wekumhanya, Steven Muzhingi.

“Ini handiti ndipei mari nekuti ndakahwinha asi kungondigashirawo sezvakaitwa vanaKirsty Coventry pamwe nana Muzhingi avo vakakorokotedzwa nenyika yose.

“Pandakahwinha makwikwi ekuBurkina Fasso, ndakatambirwa nevanhu vanodarika 300 000 vekuZambia vachiti tinoda kuona shasha yaunza bhande iri kuSouthern Africa. Ndakaona kukosha kwekugona kwandainge ndaita asi pandakasvika panhandare yendege muHarare ndakasvimha misodzi ndichiona vanhu vatatu bedzi vekumhuri kwangu vakandimirira,” akadaro Manyuchi.

Anoti anorwadziwa nekusakosheswa kunoitwa mutambo wetsiva munyika muno.

“Ndakafunga kuti kuhwinha kwandakaita gore rino muna Kurume kuchafadza nyika ino zvakanyanya asi nokuda kwekuti hapana vakambonditsvagawo kuti vanditende ndakaona kuti zvaingova zvemupfungwa dzangu, kwose kwandaihwinha hapana kana vaimbonditenda uye ndakazoona kuti zvaingova zviroto, zvinorwadza asi hazvindidzivise, ndinokunda chete,” akadaro Manyuchi.

Zvakadaro, akatendawo muimbi wechidiki wemusambo weZim Dancehall, Okoye Swagmore, uyo akamba rwiyo achipembedza Manyuchi nekugona kwake mutambo wetsiva.

Manyuchi anoti zvisinei nekushaya rutsigiro achanorwa semvumba kumakwikwi ekuAmerica aya.

“Ndiri shasha yemandorokwati nekudaro kunyangwe ndisina rutsigiro rwakakura ndichangonohwinha bedzi sekugona kwandaingoita makore adarika, ndakashanda nesimba uye ndicharamba ndichingodaro,” akadaro Manyuchi. Zvakadaro, Manyuchi achapinda mukembi kunyika yeZambia musi weChipiri svindo rinouya.

Zvakadaro, mukushi wemashoko kusangano reZimbabwe Boxing Board of Control (ZBBC), Gilbert Munetsi, anoti Manyuchi ane chipo chakakomba uye anofanira kuve nemwoyo murefu sezvo akavimbiswa kuti achawana mukana wekutendwa nehurumende.

“Manyuchi ane chipo chakakomba, akavimbiswa kuti achawana rutendo rwehurumende uye ichasvika nguva yacho,” akadaro Munetsi.

Anoti rimwe dambudziko raibva pakuti Manyuchi haana maneja muZimbabwe sezvo maneja wake ari kuZambia nokudaro vanhu vanogona kutadza kuziva nguva dzaanotarisirwa kusvika achibva kunokwikwidza kunze kwenyika kuti vagomugamuchira nekuti maneja wake uyu anenge asina kuzivisa zvizvarwa zvemuno pachiine nguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey