MAONERO EDU: 2018: Gara warirongera

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: 2018: Gara  warirongera

Kwayedza

TADONGORERA mugore idzva zvino — gore ra2018. Senguva dzose, iyi inguva yekuti munhu wose anenge achifara nekupembera kupinda mugore idzva. Hapana chakashata! Kupemberera kunodiwa, asika fara uchiziva pekugumira. Zvekufarisa kusvika pakukanganwa kuti mangwana achauya hazvina kunaka vanhuwe! Chava kudiwa kuona kuti warongera 2018 kubva achatanga kusvika paanopera. Usazoita zvinhu uchimhanya-mhanya waona kuti gore riya ratopera iwe usina chisvinu chawaita. Nguva unayo yose — mwedzi gumi nemiviri yekuti uronge, ugoita zvose nenguva yazvo.

Chemuna Ndira chiite muna Ndira; chemuna Chikunguru wochiitawo mumwedzi iwowo, woregawo kuroora kana kuroorwa muna Mbudzi nekuti zvinoyera. Ibva wazviita nguva ichiripo!

Kuvanhu vakuru — kubva pamakore 18 okuberekwa zvichikwira – tisazomhanya-mhanya nguva yatiperera. Tose tinoziva kuti sarudzo dziriko 2018 uno. Saka iwe wakanyoresa kuti ugozovhota here?

Kuvhota ikodzero yako, saka gara wakagadzirira. Iye Ndira uno vana vanoda kuenda kuchikoro. Zvino mubereki akarongeka haatsvage mari yemwana yechikoro kwasara mazuva mashoma kuti zvikoro zvivhurwe, asi kuti akatoiunganidza kare. Zvimwe chetezvo nemayunifomu, mabhuku, zvinyoreso nezvimwe zvinodiwa kuchikoro.

Uyo mushandi anofara zvekududunya mari yebhazi asi achiziva kuti Goredzva richingopera achada kukwira kombi kuenda kubasa hameno zvake. Ziva kuti ukaritanga gore nekukwereta, rose rinopera kusvika muna Zvita 2018 uchingova muzvikwereti. Imboritangawo gore iri usina kuny’ura muzvikwereti — fara Goredzva rino asi usafarise nemari yekukwereta.

Ukagona kurirongera kubva pekutanga, watogona nekuti munaKukadzi unoita zvemuna Kukadzi; zvimwe chetezvo nemwedzi yose ichatevera, kana magumbeze unonyatsotenga chando chisati chakukwatura.

Kana ari mwana wechikoro, ibva watanga kutokunya izvozvi kwete kuti ndichazozviona pamberi apo. Nguva haimirire avete, iwe ndiwe unongosarira shure. Bvunzo hadzimbori kure, dzinosvika usati wanyatsogadzirira ukazodofora. Newewo mushandi, ita sezvinotarisirwa. Hurumende itsva iri kukurudzira kuti munhu wose adye cheziya — shanda seunopenga, ugotambira mari yawakabudira dikita. Chemahara hakuchisina. Kana wange uchipona nehuwori, chera kakomba usvipire mate ubva wati ndazvirega gore richatanga kudai. Chemahara unongova mushana bedzi — kwete, kana iwo mushana unotoda kuti uufambire kuenda pazuva. Mutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa vari kuudza munhu wose zvake, kuti ashande nesimba agodya cheziya rake uye nyika yeZimbabwe igosimukira. Kana makurukota eHurumende avakagadza, nyaya ndiyo ndiyo — hanzi rwendo rwuno hapana zororo, munhu wose ngaashande.

Ndokusaka ivo President Mnangagwa vachienda kubasa nenguva, vachiripedza apo vanenge vagutsikana kuti pezuva iroro vasakura vakazunza.

Zvino iwewe ndiwe aniwo zvake usingade kushanda kana mukuru wenyika achimukira kunoshanda, nekupedza basa nguva dzekuripedza dzatopfuura kare? Kana nepazororo chaipo! Shanda mushandi shanda!

Ishuwiro yedu kuti munhu wose achaita pake nenguva — kwete kuverengera. Kurara kune nguva yako uye kushanda kunodawo kuitwa nenguva.

Iwe bata yako ndima. Ndiko kuti 2018 akuitire zvakanaka. Ivai neGoredzva rizere nemufaro mugoropafadzwa kudzimara gore rasvika kumagumo!

Share This:

Sponsored Links