MAONERO EDU: Dzivirirai njodzi dzinouya Zhizha

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
MAONERO EDU: Dzivirirai njodzi dzinouya Zhizha

Kwayedza

MUNGUVA ino yeZhizha, gore roga-roga nyika inotarisana nedambudziko remafashamu emvura izvo zvinoisa upenyu hwevanhu panjodzi pamwe nekukonzera kuparadzwa kwemisha, zvimwe zvivakwa nezviwanikwa zvenyika.

Dambudziko iri rinokonzerwa nekunaya kwemvura yakawandisa izvo zvinoita kuti vanhu vanogara kunzvimbo dzakaderera vapedzisire misha yavo yava pakati pemafashamu emvura. Bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, reCivil Protection Unit (CPU), rinoti dzimba dzinodarika 200 dzakaparadzwa nemafashamu kumativi mana enyika kubvira pakaturuka mvura mwaka uno mumwedzi weGumiguru 2017 kusvika pari zvino.

Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa ndedzekuInsiza uko kune 58 pamwe neChipinge neBuhera kwakaparadzwa misha 40.

Kuparadzwa kwedzimba idzi kwasiya mhuri dzakawanda dzisina pekugara rinova dambudziko guru. Gore rapera pamberi, mhuri dzakawanda dzakasara dzisina pekugara zvakare zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba dzavo kumatunhu anosanganisira Tsholotsho. Hurumende yakatozotumira zvekudya nezvikopokopo kunonunura vamwe vevanhu vane misha yakange yakomberedzwa nemvura. Bazi reCPU rinogara richiyambira veruzhinji vagere kunzvimbo dzakaderera kuti vabve, vaende kwakakwirira. Asi vamwe havaterere yambiro iyi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Unonzwa vamwe vachiti havadi kusiya makuva ehama dzavo dzakavigwa munzvimbo idzi kana kuti hazviite kuti vasiye minda kana mafuro emombe. Mokoshesa izvozvo pane upenyu?

Semaonero edu, zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere yambiro yavanopihwa nekuti inenge yakananga kuchengetedza upenyu hwavo.

Mafashamu ane njodzi kuupenyu hwevanhu, zvipfuyo, midziyo nezvirimwa. Munguva ino yekunaya kwemvura zvakare, veruzhinji vanosangana nenjodzi yekuyeredzwa nemvura apo vanoyedza kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara.

Zvakakosha kuti vanhu vachengetedze upenyu hwavo nekusayambuka nzizi dzizere uye nekuona kuti vana havatambire kunzizi, madziva kana matsime. Zvakare, kune vamwe vatyairi vane katsika kekuda kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara vasingakoshese upenyu hwevanhu vavanenge vakatakura.

Zvinotoshamisa dzimwe nguva kunzwa kuti vamwe vanhu ndivo vanokurudzira vatyairi kuti vayambuke nzizi dzinenge dzakazara inova tsika isina kunaka zvachose. Kana rwizi rwakazara, zviri nani kumirira kusvikira rwaserera kana kushandisa mumwe mugwagwa usina njodzi. Upenyu hunokosha uye kana hwadeuka haudzorerwi nekudaro hunofanira kuchengetedzwa. Imwe njodzi inosangana neveruzhinji nguva ino ndeyekurohwa nemheni. Kazhinji izvi zvinoitika apo mvura inenge ichinaya, munhu achifamba kana kuti akamira pamhene kana kuti pasi pemuti. Mheni inowanzorova chinhu chinenge chakareba kudarika zvimwe zvose panzvimbo zvichireva kuti kana munhu achifamba ari iye chinhu chirefu panguva iyoyo, ane mukana mukuru wekurohwa nemheni. Kumira pasi pemiti mvura ichinaya, kutambira mumvura kana kubata zvinhu zvemagetsi kunoisa munhu panjodzi yekurohwa nemheni.

Izvi zvinoreva kuti veruzhinji vanofanira kutora matanho akakodzera kuzvidzivirira kubva mukurohwa nemheni pamwe nenjodzi yemafashamu.

Mvura yakanaka zvikuru muupenyu, asi iwewe ngwarira. Ikawandisa ine ngozi!

Share This:

Sponsored Links