MAONERO EDU: Imiwe, cholera inouraya zvedi

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Chirwere checholera chanyuka zvakare munyika muno. Kusvika pari zvino cholera yatora upenyu hwevanhu vana kuChegutu izvo zvaita kuti Hurumende itore matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Cholera inouraya nekukasika kudarika zvimwe zvirwere zvemanyoka zvakadai setyphoid nedysentry izvo kazhinji zvinokonzerwa nehuchapa. Ibasa remunhu wose kuona kuti cholera haipararire kune mamwe matunhu enyika sezvakamboitika makore adarika apo chirwere ichi chakauraya zviuru zvevanhu muZimbabwe.

Sekutaura kwegurukota reutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, Hurumende iri kushanda nesimba mukudzivirira kupararira kwecholera munyika. Zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese chenjedzo yavanopihwa nenyanzvi dzeutano pakudzivirira kupararira kwedenda iri.

Chenjedzo iyi inosanganisira kugeza mawoko nemvura inomhanya mushure mekunge munhu ashandisa chimbuzi uye asati adya chikafu. Chikafu ichi chinofanirwa kudyiwa chichipisa kwete chatonhora.

Veruzhinji vanokurudzirwa zvakare kunwa mvura yakafashaidzwa kana kuti yakaiswa mushonga wekuuraya utachiona hunokonzera cholera. Pamusoro pezvo, vanhu vanofanira kusiyana nekatsika kekumhoresana vachibatana mawoko sezvo utachiona hunokonzera cholera huchikwanisa kutapuriranwa kuburikidza nekumhoresana uku.

Zvakakoshawo kuti makanzuru ose zvawo  — angave emumadhoroba, mumaguta kana ekumaruwa —  aone kuti veruzhinji vawana mvura yekushandisa yakachena uye nguva dzose. Nguva pfupi yadarika, meya veguta reHarare, Kanzura Bernard Manyenyeni, vakabuda pachena kuti mvura yemuHarare haina kukodzera zvachose kushandiswa pakunwa sezvo kanzuru yavo isina mari yekutenga mishonga inodiwa pakuchenesa mvura iyi. Kuita kwekanzuru kwakadai kuisa upenyu hwevanhu panjodzi huru yekubatira zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera. Kanzuru yeHarare ngaitore matanho chimbi-chimbi ekugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemishonga yekuchenesa mvura iyi.

Kune vamwe vanhu vanogara mumaguta vasingakwanise kuwana kumwe kwekuchera mvura kunze kweyemupombi. Kunyangwe zvimwe zvibhorani nematsime, ongororo yakaitwa neveEnvironmental Management Agency (EMA) nguva yadarika inotaridza kuti imwe mvura yacho haina kukodzera kuti vanhu vainwe sezvo ichinzi ine utachiona hunokonzera zvirwere zvemanyoka.

Saka izvi zvinoreva kuti veruzhinji vanopedzisira voshaya zano rekuita, zvovaita kuti vashandise mvura isina kukodzera izvowo zvinoisa upenyu hwavo panjodzi. Kana cholera ikanyuka panguva ino apo mvura isiri kunaya munyika, ko kuzoti mvura ikanaya zvinhu zvinoita manyama amire nerongo chaiwo! Zvakadai, dzimwe nyika dziri kutambudzwa nechirwere ichi dzinosanganisira Zambia, Malawi, Kenya neUganda. Asi, dzimwe dzenyika idzi dzinonzi dzakwanisa kumisa kupararira kwecholera kusara kweZambia.

KuZambia, zvinonzi kusvika pari zvino vanhu 50 vafa uye vamwe 3 000 vakabatwa necholera muguta guru renyika iyi, Lusaka. Zimbabwe neZambia zviri pedyo nepedyo izvo zvinoreva kuti panoda kutorwa matanho akasimba kuitira kuti kupinda nekubuda kwevanhu vemunyika mbiri idzi, apo vanenge vachishanyira zvakasiyana, hakukonzere kutapurirana kwechiwere ichi.

Cholera inouraya nekudaro ibasa remunhu wose kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>