MAONERO EDU: Kufarisa kuridza ngoma nedemo

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KUBVA pasichigare, madzimambo, madzishe, masadunhu nevamwe vakuru vematunhu semasabhuku vanhu vane chiremerera uye vanoremekedzwa zvikuru. Madzimambo vanopihwa ruremekedzo nekuti ndivo vane basa guru rekuona kuti tsika nemagariro evanhu zvinochengetedzwa pamwe nekuranga avo vanenge vachitsaudzira.

Nekuda kwechiremerera chinopihwa madzishe nemadzimambo, zvinotorovesa hana kunzwa kuti kune munhu anotuka kana kurova mambo.

Senyaya yatinayo svondo rino, yemumwe musikana wekuBinga uyo anonzi akarova ndokukuvadza mambo weko, Mambo Siabuwa.

Zvinonzi musikana uyu aive akapfeka hembe pfupi-pfupi apo aifamba nemumwe wake. Mambo Siabuwa, semunhu anoona nezvekuchengetedzwa kwehunhu hwakanaka, vanonzi vakaona zvakafanira kuti vatsiure vasikana vaviri ava kuti vazive kukosha kwekupfeka zvakadzikana paruzhinji.

Asi musikana uyu anonzi akabva anhonga bhodhoro redoro rainge risina chinhu, ndokurishandisa kutemesa mambo ava kumeso.

Bhodhoro iri rinonzi rakapwanyikira kumeso kwaMambo Siabuwa zvikaita kuti vakuvare pazasi peziso ravo rekurudyi uye vakazoendeswa kukiriniki uko vakazopfuudzwa kuchipatara cheko kunorapwa.

Musikana anonzi akatema mambo nebhodhoro uyu aimbogara kuBulawayo asati anogara mudunhu raMambo Siabuwa.

Mambo Siabuwa vanotiwo pavaitaura nevasikana vaviri ava vachida kuvatsiura pamusoro pemapfekero avaiva vakaita, vakatanga vavazivisa kuti ivo ndiani pamwe nekuvaratidza bheji ravo rehumambo.

Vakaita izvi nechinangwa chekuti vasikana ava vazive kuti vaitaura nemunhu ane chiremerera. Asi zvisinei nezvose zvavakaita izvi, musikana uyu anonzi haana kuzvikoshesa, ndokutora bhodhoro redoro achibva avatema naro. Munyaya iyi, zviri pachena kuti kune vamwe vechidiki vasina ruzivo zvachose rwekuti anombonzi mambo munhu akaita sei. Ibasa revanhu vakuru kuti vape dzidziso kune vechidiki pamusoro pekuremekedza vatungamiriri vematunhu vakaita semadzimambo. Mambo Siabuwa hapana chavaive vatadza pavaitsiura vanasikana vaviri ava nekuda kwemapfekero avainge vakaita.

Patsika nemagariro evanhu vatema, pane mapfekero anotarisirwa kuti vanhukadzi vange vachiita, zvikuru kana vari kunzvimbo dzichiri kukosheswa zvakanyaya tsika nemagariro sekuBinga.

Hongu, ikodzero yemunhu kuti apfeke zvaanoda, asiwo zvakakosha kupfeka zvakadzikama kana munhu achienda paruzhinji.

Kunyangwe bepanhau reKwayedza rinokurudzira kupfeka kwemadzimai kune mutsigo kuburikidza nechirongwa cheKwayedza African Woman of the Year. Pasi pechirongwa ichi, madzimai anopinda mumakwikwi ekupfeka dzinovapa mutsigo. Zvichakadai, kutemwa kunonzi kwakaitwa Mambo Siabuwa nebhodhoro nemusikana uyu kunoratidza kurasika kwetsika zvachose kuri kuitwa nevamwe vanhu.Madzimambo ane basa guru rekudzoreredza tsika nemagariro akanaka kumatunhu avo nekudaro vanofanirwa kupihwa chiremerera.Hazvina hunhu kunzwa kuti mambo atukwa kana kurohwa nekuti maitiro akadai anopa mucherechedzo wakaipa. Gore rapera, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yeMambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, vekuMvurwi, kuMashonaland Central, avo vakapona nepaburi retsono apo vakatemwa nedemo nechekumusana ndokukuvara zvakanyanya nemumwe murume wechidiki weko.

Semaonero edu, vose vanozvidza madzimambo vanofanira kurangwa zvakasimba nemutemo nekuti kana zvikanzi chave chiRungu chino, kurova mambo hakuna kumbosiyana nekuridza ngoma nedemo – kufarisa kwakadarikidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>