Uncategorized

MAONERO EDU: Kuramwa basa bodo, tauriranai

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Kuramwa basa bodo, tauriranai

Kwayedza

KAZHINJI, vamwe vashandi kana vasingafadzwe nemuhoro wavanenge vachipihwa kana mashandiro avanoita vanowanzofunga zvekuramwa basa.

Nguva pfupi yadarika, madhokotera pamwe navanamukoti vakaramwa mabasa vachida kuwedzerwa mari dzavanohora.

Kuramwa kwavakaita mabasa uku kwakakonzera matambudziko makukutu munyaya dzeutano uye kune vamwe vanhu vakafa panguva iyi nekuda kwekuti vakashaya rubatsiro.

Madhokotera akazodzokera kubasa mushure mekunge Hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo asi vamwe vanamukoti vakaramba vachienderera mberi nekuramwa mabasa.

Izvi zvakatuma Hurumende kuti idzinge basa vanamukoti vanosvika 5 000 uye ndokutanga kupinza vamwe mabasa nekutora vanga vava pamudyandigere. Hurumende yakatora danho iri nekuti yakange yave kushaya shumo yazvo pakuti zvichemo zvavanamukoti zvaive zvagadziriswa asi vamwe vavo ndokuenderera mberi nekuramwa mabasa.

Zviri pachena kuti kuramwa basa hakubatsire asi kuti kunotowedzera matambudziko gumi pazama kana kana tikatarisa nyaya yekuramwa basa kwakaitwa nanamukoti nemachiremba.

Vanhu vane chitsama vakafa uye pakupedzisira vamwe vakoti ndokurasikirwa nemabasa. Hongu, matambudziko anogona kunge aripo asi kuramwa basa handiko kunogadzirisa zvinhu.

Chakakosha kugara pasi, vanhu votaurirana. Kutaurirana kune simba.

Nekune rimwe divi, maticha ange aronga kuramwa mabasa pakavhurwa zvikoro neChipiri svondo rino vachitsutsumwa pamusoro pemari dzavo dzemuhoro. Hurumende yakanzwisisa chichemo chavo ndokuwedzera mari yavanotambira zvinova zvinhu zvinokudzwa zvikuru.

Varairidzi vanofanirwa kurumbidzwa nedanho ravakatora rekusaramwa mabasa. Panguva ino zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kubatana, zvotarira mberi mukusimudzira upfumi hwenyika.

Zvakakoshawo kupa Hurumende itsva nguva yekugadzirisa matambudziko makukutu akatarisana nenyika munyaya dzeupfumi.

Hurumende iyi haisati yakwanisa kana gore yavepo asi zvinhu zvinoratidza kuti zvave kushanduka munyika pane zvazvakange zviri kare.

Sekutaura kwemutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, Hurumende iri mushishi yekugadzirisa zvimhingamipinyi zvakatarisana nenyika munyaya dzeupfumi.

President Mnangagwa vanoti veruzhinji vanofanira kuve nemwoyo murefu sezvo matambudziko akatarisana neZimbabwe mune zveupfumi asingapere nezuva rimwe. Veruzhinji, zvikuru vashandi, vanofanira kungwarirawo dzimwe nhunzvatunzva dzinoda kukonzeresa nyonga-nyonga munyika kuburikidza nemano-mano akasiyana anosanganisira kufurira vashandi kuti varamwe mabasa. Vakuru vanoti hapana mvura isina chura nekudaro mamwe mazano anoda kungwarirwa nekuti munhu ukangoita zindoenda unodemba mune remangwana. Zimbabwe inyika inozivikanwa pasi rose munyaya yekuve nevanhu vakadzidza vanogona kuverenga nekunyora kudarika vamwe vose vari muAfrica nekudaro ruzivo urwu rwunofanira kushandiswa mukusimudzira nyika kwete kuidzosera kumashure kuburikidza nekuramwa mabasa.

Chinodiwa bedzi kutaurirana!

Share This:

Sponsored Links