Uncategorized

MAONERO EDU: Makanzuru tinyareiwo!

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
MAONERO EDU: Makanzuru tinyareiwo!

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya inonzwisa hasha zvikuru, yemvura yetsvina yemasuweji iyo iri kuyerera nemudzimba mumusha weManyame Park, kuChitungwiza. Izvi zviri kuitika panguva ino apo Zimbabwe iri mushishi yekurwisana nechirwere chemanyoka checholera.

Kusvika pari zvino, cholera yauraya vanhu vanodarika 30 munyika yose.

Vagari vekuManyame Park vanoti vave nenguva inosvika makore 18 tsvina yesuweji ichingoyerera mavanogara.

Igaroziva kuti suweji yakaita seiyi haizi kuyerera kuChitungwiza chete, asi kuti nekune mamwe marukisheni emamwe maguta, kusanganisira muHarare. Chokwadi pakadai apa hondo yekurwisa kupararira kwecholera ingakundwe sei kana vanhu vachigara munzvimbo dzinenge dzizere nesuweji.

Cholera yerwendo rwuno yakatanga nekuGlen View nekuBudiriro, muHarare, mushure mekunge vamwe vagari veko vanwa mvura yavakachera pachibhorani iyo yaiva netsvina yemasuweji.

Mvura yemuchibhorani ichi yakasangana neyemasuweji mushure mekuputika kwemapombi anotakura tsvina ayo akachererwa pasi.

Zvino kana vanhu vakabatira cholera mushure mekunwa mvura yakasangana netsvina yesuweji, ko kuzoti avo vari kugara mudzimba dziri kuyerera masuweji kwemakore anosvika 18?

KuMatapi, kuMbare kune masuweji anogara achiyerera nguva nenguva uye vamwe vana vanototambira mukati mawo zvinove zvine njodzi kuupenyu hwavo. Kwete, vemakanzuru vanofanira kukoshesa utano hwevanhu.

Vagari vemumadhorobha nemaguta vanobhadhara mari yemitero senzira yekuti vemakanzuru nerimwe divi vange vachikwanisa kuita basa ravo sekuona kuti vawana mvura yakachena uye kuti mapombi emasuweji anenge aputika agadziriswa nenguva. Makanzuru aya ane makanzura akatovhoterwa nevanhu kuti vange vachiita basa ravo nemazvo. Kana makanzura avhoterwa neveruzhinji, ngavachiita basa sebasa kwete kungoda kumirira kuwana mari yemaallowance iyo yavanopihwa kana vachinge vagara misangano. Makanzuru emumadhorobha pamwe nemaguta ane basa guru rekuona kuti mapombi anotakura tsvina yemasuweji avandudzwa kuburikidza nekuisa mamwe matsva. Tinodaro nekuti mapombi aya mazhinji acho apera kuwora zvinoita kuti aputike nguva nenguva zvichiisa upenyu hwevanhu panjodzi. Chishuwo chedu kuti makambani akazvimirira pamwe nemamwe mapoka achanzwa chikumbiro cheHurumende chekuti abatsirane nemakanzuru mukuvandudza mapombi anotakura tsvina pamwe nemvura inoshandiswa neveruzhinji. Makanzuruwo anofanira kuona kuti marara atakurwa nenguva uyewo veruzhinji vosiyana netsika yekurasira marara pose pose sezvo kuita kwakadai huri huchapa hunokonzera kunyuka kwecholera. Veruzhinji vanofanira kukoshesawo nyaya dzeutano pose pavanenge vari kwete kuzviisa panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvemanyoka.

Senyaya yekuBulawayo yakabuda svondo rino paterevhizheni, uko kune vamwe vanhu vanoshandisa mvura yemasuweji kudiridzisa muriwo vachiti inoita kuti ukure zvakanaka sezvo iine manyowa, inotoshamisa.

Uku kusasema rudzii kwekuti munhu anotora mvura yemasuweji isina kana kuiswa mushonga odiridzisa muriwo waanozodya kana kutengesera vamwe vanhu? Maitiro akadai ndiwo kunonzi kutamba nematope pasina mvura.

Hondo yekurwisa cholera inotoda munhu wose!

Masuweji kungoyerera muvanhu bodo. Makanzuru tinyareiwo!

Share This:

Sponsored Links