Uncategorized

MAONERO EDU: Makunakuna kwete, bodo!

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Makunakuna kwete, bodo!

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya yatezvara wekwaMambo Nyamweda, kuMhondoro, uyo akaripiswa mombe shanu nembudzi ina mushure mekubatwa nemhosva yekuita makunakuna nemuroora wake.

Munyaya iyi zvinonzi muroora akasvika pakuzviuraya nekuda kwenyadzi apo abatikidzwa achishinha natezvara vake musango reko.

Tezvara ava ndisabhuku uye zvinonzi pakatongwa nyaya iyi kudare raMambo Nyamwedza, nyembe dzehusabhuku dzakabva dzakururwa ndokupihwa mumwe uyo akafanobata chigaro ichi.

Semaonero edu, mutongo wakapihwa nedare raMambo Nyamweda wakakodzera uye unoita kuti vamwe vanhu vatye kuita makunakuna.

Munhu wasabhuku anofanirwa kupa mucherechedzo wakanaka, unoyemurika kune vaanotungamirira.  Semutungamiri, sabhuku anofanirwa kufamba negwara rakati twasa!

Zvino kana sabhuku ari iye anenge ave nhubu munharaunda, vanotevera vanozodii?  Hunhu hwatezvara uyu hauna kumbosiyana nekatsi yakapanduka mumusha iyo inozivikanwa nekuti nhiriri kana kuti bonga.

Idzo nyaya dzemakunakuna mazuva ano dziri kuwanda zvekuti munhu unobva wazvishairwa shumo yazvo. Kunze kwemamwe madzitezvara ari kudanana nevaroora, kunewo vamwe vakuwasha vari kupinda murudo naambuya vavo. Nerimwewo divi, hanzvadzikomana nehanzvadzisikana dziri kuita makunakuna, kuchiti vanasekuru nevazukuru vari kuita chipini.

Uku kurasika kwetsika nemagariro echivanhu kuri pachena.

Vose vanobatwa nemhosva dzemakunakuna vanofanirwa kupihwa mitongo yakasimba kuitira vamwe vane pfungwa dzakadaro.

Ibasa remasabhuku, madzishe nemadzimambo rekudzoreredza hunhu hwakanaka munharaunda dzavanotungamirira. Nekudaro tinowirirana zvikuru nemutongo wakapihwa tezvara wekubatwa nemhosva yekuita makunakuna nemuroora wake. Mombe shanu hadzizi dzekutamba nadzo uye nembudzi ina pamusoro. Tezvara nemuroora vanyarikani, zvimwe chete naambuya nemukuwasha saka vanozosvika pakudanana zvamboita sei?

Anotanga kukanda mumwe shoko rerudo ndiani?

Hunhu hwakadai hunosemesa zvikuru. Ruchiva rwakadarikidza ndirwo rwunokonzera kurasa hunhu kwakadai. Tikatora muenzaniso wenyaya yakaitika kwaNyamweda, tezvara ava vachagara vachitarisana sei nemwanakomana wavo?  Zviri pachena kuti vaviri ava havambofa vakawirirana.

Vose vanoita nyaya dzemakunakuna vanenge vachifunga kuti vakangwara asi pakupedzisira zvinozongobuda pachena.

Regai vakuru vati rine manyanga hariputirwe mumushunje.

Zvimwe zviri kukonzera vanyarikani kupedzisira vapinda murudo inyaya dzekusaremekedzana nekuda kwekujairirana. Kubvira pasichigare, hukama pakati patezvara nemuroora pamwe naambuya nemukuwasha hunoremekedzwa zvikuru. Asi nhasi uno hazvishamise kuona mukuwasha naambuya vachimbundirana pakukwazisana. Kwete, zvisinei nekuuya kwechiRungu chivanhu netsika zvinofanira kuremekedzwa. Hunhu ndihwo hunosiyanisa marudzi nemarudzi nekuti inhaka yemusiiranwa. Madzishe nemadzimambo haafanire kudzokera kumashure panyaya dzekuranga nhubu dzinoita makunakuna nekuti hunhu hwevanhu vatema hungapere kuodzwa.

Vechikuru vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune vechidiki kuti vagotevera gwara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>