Uncategorized

MAONERO EDU: Mhirizhonga ngaipere

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: Mhirizhonga ngaipere

Kwayedza

ZIMBABWE iri pakati pekucherechedza mazuva 16 ekurwisa mhirizhonga – zvikuru kuvanhukadzi – ingave yemudzimba, mumabasa kana kuti iyo inoitwa panzvimbo dzinoungana veruzhinji sekunokwirirwa mabhazi.

Mazuva aya anocherechedzwa pasi rose gore roga-roga kubva musi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita uye chinangwa chiri chekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekurwisa nyaya dzemhirizhonga.

Mhirizhonga iyi inogona kuitwa nenzira dzakasiyana sekumbunyikidzwa kwevanhukadzi panyaya dzine chekuita nezvebonde, kutaurirwa mashoko anobvisa chimiro, kubatwa chibharo kana kurohwa.

Munhu akambunyikidzwa zvinokanganisa mafungiro ake uye kana akabatwa chibharo neupenyu hwake hwemangwana hunokanganisika zvachose. Mumabasa, munhukadzi akambunyikidzwa nenzira ine chekuita nezvepabonde zvinomutadzisa kushanda akasununguka.

Kune vamwe vanhurume, zvikuru mahwindi, vane tsika yekutaura mashoko asina kufanira kuvanhukadzi apo vanenge vachikwira mabhazi kana makombi pakufamba. Mahwindi aya zvakare anomanikidzira vanhu, kusanganisira vanhurumewo, kuti vakwire mabhazi avanenge vasingade kana kutovarwisa chaiko inova mhirizhonga inofanirwa kupedzwa zvachose. Kuvanhukadzi, kune vamwe vanasikana vanoroodzwa vachiri vadiki inove mhosva pasi pemutemo wemuZimbabwe.

Vanasikana ava vanoroodzwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira hurombo hwevabereki vavo kana kuripiswa ngozi. Asi, mutemo unoranga zvakaomarara vose vanobatwa nemhosva dzekuroodza vanasikana vasati vabva zera nekudaro ibasa remunhu wose rekurwisa mhirizhonga dzerudzi urwu.

Kunyangwe panyaya yedzidzo, vanasikana vanofanirwa kupihwa mikana yakaenzana nevanakoma kwete kuvasarura.

Zvakakoshawo kuziva kuti mhirizhonga haizi kuitirwa vanhukadzi chete asi kuti nevanhurume varikowo vari kushungurudzwa nevanhukadzi nenzira dzakasiyana. Kune vamwe varume vanorohwa nemadzimai avo asi vasingabude pachena nekuda kwezvikonzera zvinosanganisira kunyara kusekwa neveruzhinji. Vamwe varume vari kubatwa chibharo nevanhukadzi zvakare asi vashoma vakazvipira kubuda pachena sezvo zvisingagamuchirike mumagariro evanhu kuti munhurume anonzi akabatwa chibharo. Nyaya dzevanakomana vanomanikidzwa kuenda pabonde kana nevavanogara navo dzagara dzichibuda munhau. Kwose uku kumbunyikidzwa.

Izvi zvinoreva kuti mhirizhonga yerupi rudzi – ingave inoitirwa vavanhurume kana vanhukadzi – inofanirwa kurwisa uye iri ibasa remunhu wose. Kana mumhuri baba naamai vakagara vachiitirana mhirizhonga, zvinokanganisa upenyu hwevana vavo. Vana vemumhuri yakadai vanopedzisira votadza kudzidza zvakanaka kuchikoro, kuita mhirizhonga nevamwe vavo uye kunyangwe vakayaruka, vanogona kuzorarama upenyu hwemhirizhonga nekuti ndizvo zvavanenge vakakura vachiona vabereki vavo vachiita.  Nhasi uno kune vamwe vanhukadzi nevanhurume vakatisiya nekuda kwekurwisana muwanano uye vamwe vave zvirema zvichikonzerwa nebongozozo remudzimba. Nyaya yekurwisa mhirizhonga haifanirwe kukosheswa chete panguva yepamazuva 16 ekurwisa mhirizhonga, asi kuti mazuva ose. Zvinoda kubatana pamwe mukurwisa nyaya dzemhirizhonga nekuti dzinodzosera budiriro yenyika kumashure.

Share This:

Sponsored Links