Uncategorized

MAONERO EDU: Mhirizhonga yabva nepi?

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Mhirizhonga yabva nepi?

Kwayedza

SVONDO rapera, muHarare makaitika chiitiko chinosuwisa apo pakamuka mhirizhonga yezvematongerwo enyika zvikaita kuti vanhu vatanhatu varasikirwe neupenyu uye vamwe ndokukuvara.

Mhirizhonga iyi yakakonzera zvakare kuti midziyo nezvimwe zvivakwa zviparadzwe.

Pane motokari dzine chitsama dzakapiswa uye zvitoro nezvivakwa zvakapwanywa.

Zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo muguta apo pakazoshevedzwa vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo nevemutemo munyika kuti vazopomhodza mhirizhonga iyi.

Mhirizhonga yakadai haikurudzirwe zvachose sezvo ichidzosera budiriro yenyika kumashure nekuti inokonzera kuparadzwa kwemidziyo.

Zimbabwe inyika inozivikanwa nekuva nevanhu vanoda runyararo, nekudaro zvinotoshamisa kuti mhirizhonga yakadai yakaitika pakati peguta apo nyika yose yaiva nerunyararo.

Chinoshamisa ndechekuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura murunyararo.

Kunyangwe apo mapato ezvematongerwo enyika akasiyana aitsvaga rutsigiro sarudzo dzisati dzaitwa, izvi zvakaitwa murunyararo.

Musi chaiyo wekuvhota, 30 Chikunguru, vanhu vakavhota murunyararo rwaidaisa kumativi ose eZimbabwe.

Izvi zvakaona Zimbabwe ichirumbidzwa pasi rose nemapoka akauya kuzoongorora kuitwa kwesarudzo idzi ayo akabva kunze senyika zvikapa mucherechedzo wakanaka wenyika ino nezvizvarwa zvayo.

Zvakare, sarudzo idzi dzakave dzekutanga kuitwa murunyararo kana zvichienzaniswa nedzaiitwa muno makore adarika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaratidzawo pasi rose kuti zvakabatana uye kuti zvinoda runyararo munaMbudzi wegore rapera apo pakave neHurumende itsva.

Nekudaro, zvinokahadzisa chose kuti ko mhirizhonga yakaitika muguta reHarare yakabva nepi.

Kune vamwe vane manomano vasiri kufara nerunyararo rwuri munyika pari zvino avo vane chidokwa-dokwa chekuti zvinhu zvisagadzikane muZimbabwe. Ndokusaka vakuru vakati hapana mvura isina chura uye kuti hura hwaMwari mapoka hwakazvara mbavha nevaroyi.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingwarire avo vanoda kukonzera nyonga-nyonga munyika.

Kana munyika mukave nemhirizhonga zvinokanganisa vanoda kuuya kuzovhura mabhizinesi muZimbabwe nekuti hapana anoda kuita bhizinesi munyika inenge iine bvongamupopoto.

Hapana zvakare nyika inosimukira kana muine mhirizhonga.

Ino inguva yekuisa zvido zvenyika pamberi nekuti hapanai imwe nyika yatinayo zvakare kunze kweZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>