MAONERO EDU: Mubereki rongeka, bhadharira mwana mari yekuchikoro

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
MAONERO EDU: Mubereki rongeka,  bhadharira mwana  mari yekuchikoro

Kwayedza

WADZANAYI MWASHITAPANE chirevo chinoti, “Munhu akakumbira hove usamupe asi kuti mupe chirauro agokwanisa kuzviraurira hove oga mune ramangwana.”
Izvi ndizvo zvimwe chete zvakafanana nemubereki anodzidzisa mwana wake sezvo dzidzo iri iyo nhaka yeupenyu.

Zvisinei nebudiriro yaitwa neZimbabwe munyaya yedzidzo, apo iri pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica mukugona kunyora nekuverenga, kune vamwe vabereki vasingakoshese fundo yevana vavo. Vabereki vakadai ava ndivo vasingabhadharire vana vavo mari yechikoro, kwete nekuti vanenge vasina asi kuti havana hanya nazvo.

Tinodaro nekuti dzimwe nguva unoona mwana achidzingwa kuchikoro gore rose nekuda kwekuti anenge asina kubharirwa fizi asi mubereki mudanga muzere nemombe, makwai, mbudzi kana huku chaidzo. Kana mari yedoro haaishaye, anonge achingodhudhudzira kunwa hwahwa! Haakwanise kubvisa chipfuyo chimwe chete kuti aendesa mwana kuchikoro uye mubereki akadai haanganzi anoshaya asi kuti anenge asina kurongeka. Asi ukatarisa shure, mubereki iyeyu akadzidziswa nemombe dzevabereki vake.

Mubereki anofanira kuita zvose zvaanogona kuti vana vake vadzidze vakasununguka. Kana mubereki ave kusvika pakutorerwa matanho sezviri kuitwa kwaSadunhu Makwarimba vekuHwedza kuti akwanise kubhadharira mwana wake mari yechikoro zvakangofanana nekuti mwana wacho inherera.

Sadunhu Makwarimba, VaMark Makwarimba, vanoti vakatanga chirongwa chekutorera vabereki vasingabhadharire vana vavo mari dzechikoro zvipfuyo, izvo zvinozotengeswa mari yacho yoendeswa kuchikoro. Semaonero edu, danho iri harina kumboipa. Iwe kana mwana ari wako unoda kuti adzidziswe nani? Ndiyani wawakaitira mwana iyeyo kuti agozoita basa rinofanirwa kuitwa newe?

Vanhu vakadai vanongova mifananidzo yevabereki.

Sadunhu ava vanoti vakatora danho iri zvichitevera chikumbiro chakabva kumasangano anomirira vabereki, emaSchool Development Associations, nevakuru vezvikoro avo vaichema-chema nevabereki vasina hanya nekubhadharira vana vavo mari. Mubereki chaiye, akarongeka, haamirire kutorerwa zvipfuyo zvigotengeswa kuti mari yemwana wechikoro ibhadharwe. Ko kutengesa woga chipfuyo chacho woendesa mari kuchikoro pasina kupindira kwasadunhu pamwe nekuzvinyadzisa pakati pevamwe zvinei?

Vabereki vakadai vanofanirwa kushaya pekupinda nekunyara nekuti chavanozonzi vabereki chii? Zvakakosha kubhadhara mari yechikoro nenguva nekuti ndiyo inoshandiswa mukusimudzira zvikoro izvo zvinoitawo kuti vana vabudirire. Kana mubereki asina kuwana mari yechikoro nenguva zvakanaka kunotaurirana nemukuru wechikoro mowirirana kana achikwanisa kubvisa mari yacho pashoma-pashoma pane kuti mwana wake adzidze achishandisa mari yevamwe.Hongu, Hurumende inoti hapana mwana anofanirwa kudzingwa nekuda kwekuti anenge asina kubhadharirwa mari yechikoro asi ichi hachingave chikonzero chingaite kuti mari iyi isabviswa. Iwe woga haunzwe kunyara? Kudzidzisirwa mwana nevamwe iwe uri mupenyu? Chaunoti uri mubereki chii? Kunyangwe gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti zvikoro zvine mvumo yekuendesa vabereki vanenge vasingabvisire vana vavo mari yedzidzo kumatare edzimhosva.

Mari yechikoro ngaibhadharwe kwete kumirira kutanga mubereki azvuvirwa kumatare edzimhosva kana kutorerwa zvipfuyo. Nyaya mubereki nyayara!

Share This:

Sponsored Links