Maonero Edu: Mweya yetsvina muzvikoro bodo

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Maonero Edu: Mweya yetsvina muzvikoro bodo

Kwayedza

MAZUVA ano kune kusagadzikana kwezvinhu muzvimwe zvikoro zviri kumativi mana enyika nekuda kwenyaya dzevana kana vashandi vanonzi vari kubatwa nemamhepo anofungidzirwa kuti ane chekuita nezvechiSatani. Inyaya dzakawanda chaizvo dzabuda munhau pamusoro pemashura ari kuitika mune zvimwe zvikoro aya. Svondo rino tine imwezve nyaya yakadai, yekuRutope Secondary School kwaMusana, uko kunonzi vana vaviri vemumhuri imwe chete  vakabatwa nemamhepo kuchikoro.

Zvinonzi izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa mumwe wevana ava nemudzidzisi wake mukirasi izvo zvakaita kuti atange kurotomoka achitaura zvisinganzwisisike.

Nyaya iyi haizi yekutanga kuitika mudunhu rimwe chete iri sezvo zvakamboitika pachikoro cheNyava High neMupandira Secondary.

Nyaya dzerudzi urwu zvakare dziri kubuda muzvikoro zvakasiyana. Kwayedza yakaburitsazve nguva pfupi yadarika kuti pane vana vepachikoro chiri kuMvuma avo vairutsa nyama ye “green”. Kana muHarare nekuBulawayo, kumaruwa eku Masvingo nekwaMutare nyaya dzakadai dzakambobuda. Svondo rapera, zvinonzi paMaboleni Secondary School, kuLower Gweru, vadzidzisi nevana vechikoro vakatiza pachikoro apa apo mumwe mushandi wepo anonzi akanga amwaya ropa mumakirasi pamwe nedzimba dzinogara varairidzi.

Pachikoro chimwe chete ichi, muna Kukadzi gore rino, vana vatatu vanonzi vakabatwa nemamhepo ndokutanga kutaura kuti vaive vatumwa nemaSatanists kuti vavaunzire marita 55 eropa revanhu. Mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino, paMusau Primary School, kuMudzi, kudunhu reMashonaland East vabereki vakamuka chibhebhenenga vachida kurova mumwe mudzidzisi wechidzimai wavaipomera kuti akange atora ropa kuvana 12 veGrade 1 zvisina kuzivikanwa kuti aida kuita sei naro. Zvinhu zvakazogatsikana pachikoro apa mushure mekupindira kwemapurisa apo mudzidzisi uyo akazosungwa.

Kuchikoro cheNhowe Mission zvakare, gore rino munaKurume, kwakabuda nyaya yekuti mumwe mwana akafuma aine ronda guru pachirebvu chake apo ropa raive rakazara pamubhedha wake muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine chekuita nemweya yakaipa.

Mazuva ano kune vamwe vanhu vari kubuda pachena kuti vanoita zvechiSatani zvichireva kuti zvinhu zvakadai zvinogona kuitika. Vamwe vanotodura kuti vanonwa ropa revanhu.

Gore rapera, kune zvimwe zvizvarwa zvekuRwanda neDemocratic Repubilc of Congo izvo zvakange zviri vapoteri muno zvakanyorera kubazi rezvevashandi nekubatsirwa kweveruzhinji zvichikumbira mvumo yekutanga chechi yemaSatani muno. Vaida mvumo yekutanga chechi iyi kunzvimbo inochengetwa vapoteri, yeTongogara Refugee Camp, izvo zvakarambwa nebazi iri.  Zvakakosha kuti bazi rezvedzidzo, vakuru vezvikoro, vatungamiri vematunhu pamwe nevabereki vaise misoro pamwe chete mukutsvaga nzira dzekupedza matambudziko akadai muzvikoro.

Chinangwa chekuendesa mwana kuchikoro ndechekuti adzidze akasununguka kwete kuti mubereki hana igare ichirova kuti mwana angangopinda mutsekwende dzakadai.

Share This:

Sponsored Links