Uncategorized

MAONERO EDU: Ngwarirai njodzi Zhizha rino

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: Ngwarirai njodzi  Zhizha rino

Kwayedza

MWAKA uno weZhizha unofarirwa nevanhu zvikuru nekuda kwezvikonzero zvakasiyana uye vamwe sevarimi vanouda nekuti mvura inenge ichinaya zvinoita kuti vakwanise kurima, nyika yova nemaguta.

Asiwo kune njodzi dzakasiyana dzinogona kuitika munguva ino yekunaya kwemvura idzo veruzhinji vanofanira kungwarira nekutora matanho ekudzivirira tsaona dzerudzi urwu.

Dzimwe dzenjodzi dzinokonzerwa nemvura kuyeredzwa kwevanhu, zvipfuyo mabhazi kana motokari nemidziyo nekuda kwemafashamu kana kuti nenzizi dzinenge dzakazarisa. Nguva pfupi yadarika, vashandi vaviri vebazi redzidzo repuraimari nesekondari vakafa mushure mekunge motokari yavo yaeredzwa nerwizi rwaive rwakazara kuMatabeleland South.

Vaviri ava vanonzi motokari yavo yakaeredzwa nerwizi rwaMamsisi apo vaiedza kudarika nepazambuko kunzvimbo yeNtalale, kuGwanda South. Gore rapera, vanhu vanosvika 246 vanonzi vakafa nekuda kwemafashamu pamwe nekuyeredzwa nenzizi munyika yose uye vamwe vanosvika 2 000 vakasara vasina pekugara.Zvinosuwisa zvikuru kuona huwandu hwevanhu vakawanda kudai vachirasikirwa neupenyu nekuda kwenjodzi dzinokwanisa kudzivirirwa. Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere chenjedzo yavanopihwa nemapazi akadai serinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD).

Bazi iri nguva nenguva rinoyambira vanhu pamusoro penjodzi dzemafashamu dzisati dzaitika nekudaro veruzhinji vanenge vari munzvimbo dzinowanzoita mafashamu  vanofanira kutora matanho ekuchengetedza upenyu hwavo, zvipfuyo nemidziyo. Kune vamwe vatyairi vedzimotokari zvakare vane katsika kekuda kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara vachiisa upenyu hwavo nehwevamwe vavanenge vakatakura panjodzi.

Upenyu hwakakosha uye hunofanira kuchengetedzwa.

Kana mutyairi asvika parwizi rwunenge rwakazara, zviri nani kumiririra kusvikira rwaserera kana kutsvaga mumwe mugwagwa unotenderera pane kuisa upenyu panjodzi nekuyedza kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara. Munguva ino yeZhizha zvakare imwe njodzi inogona kusangana neveruzhinji ndeyekurohwa nemheni.

Bazi reMSD rinogaropawo chenjedzo kuvanhu pamusoro pematanho avanofanira kutora kuti vasarohwe nemheni.

Matanho aya anosanganisira kusamira pasi pemiti mvura ichinaya pamwe nekugara mumba kusvikira mvura yapera.

Zvinorwadza kuti gore negore vanhu vane chitsama vanofa nekuda kwekurohwa nemheni inova njodzi inokwanisa kudzivirirwa.

Kunze kwenjodzi yemafashanu nekuyeredzwa nenzizi, kune zvirwere zvinogona kunyuka mumwaka weZhizha.

Zvirwere izvi zvinosanganisira zvemanyoka akadai secholera.

Pari zvino cholera yakanyuka kuMt Darwin uye nguva pfupi yadarika yakauraya vanhu vane chitsama kuBudiriro neGlen View, muHarare nekune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika. Zvirwere zvakaita secholera zvinokonzerwa nehuchapa nekudaro zvinokwanisika kudzivirika kuburikidza nekuita hutsanana.

Share This:

Sponsored Links