MAONERO EDU: Tsika hadzidaro, muri vanyarikani

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya mbiri, idzo dzinopesana zvikuru netsika nemagariro echivanhu – nyaya dzemakunakuna.

Nyaya yekutanga ndeyemukuwasha naambuya, avo vanonzi vakaita chipini kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kumapurazi ekuNorton. Mukuwasha uyu akatoripiswa namambo vedunhu iri nekuda kwemakunakuna aya.

Yechipiri ndeyatezvara nemuroora vekuBuhera, avo vanonzi varasa tsika dzechivanhu kusvika pakudanana zvichitevera kushaika kwakaita madzimai maviri atezvara ava.

Munyaya yekuNorton, ambuya ava vakatobvuma mudare ramambo uye kuKwayedza kuti ichokwadi kuti vaidanana nemukuwasha wavo.

Ndicho chii ichocho? Zvinoshamisa zvikati kunyadza.

Izvi zvakaoma uye zvinokunda ngoma kurira, nekuti kana vanhu vave kurasa tsika zvakadai – apo vari mukuwasha naambuya – unobva wazvishairwa shumo yazvo.

Munyaya yekuBuhera tezvara pamwe nemuroora wavo vose vari kutsika madziro vachiti vari kunyeperwa.

Asi kana ichi chiri chokwadi maitiro akadai anoshoresa zvikuru. Asiwo tezvara ava vanoti vanhu vanofungidzira kuti vanodanana nemuroora wavo sezvo vachipindirana zvikuru. Aha, tezvara kupindirana zvakanyanya nemuroora? Kupi kunoitika zvakadaro?

Pachivanhu, tezvara nemuroora kana kuti ambuya nemukuwasha vanofanirwa kunge vari vanyarikani uye vasingapedze nguva huru vari panzvimbo imwe chete.

Zvino kana vave tsika nditsikewo veruzhinji vanoona vanogoti kudiniko? Humwe hunhu hwave kuitwa nevamwe kumativi mana enyika hunoratidza kufumuka kwakadarikidza.

Tikatora nyaya yemukuwasha wekuNorton wekudanana naambuya, zvinoreva here kuti anokwanisa kushanyira madzitezvara pasina nyadzi? Kunyanya kana nyaya yacho yava pajekerere saizvozvi! Nditezvara wepi anofarira kuona mukuwasha pamusha pake waanonyatsoziva kuti aidanana kana kuti anodanana nemudzimai wake – ambuya? Ukaona mukuwasha adai, uku ndiko kunonzi kupinda nemwenje mudziva chaiko. Zvinoreva kuti hukama uhu hunenge hwatokanganiswa uye kana pakave nekuripana hapanai zvazvinobatsira zvakanyanya nekuti hazvigamuchirike mukurarama kwevatema. Chakakosha ndechekuti vanhu varemekedze hukama huri pakati pavo uye mukuwasha naambuya pamwe natezvara nemuroora voziva pekugumira mukuwirirana kwavo.

Kuti mukuwasha azochiva ambuya, kana kuti tezvara vatsvetsve muroora chii chinenge chaitika?

Sekuona kwedu, dzinenge dzambotayika!

Kushaya hunhu chete pamwe nekufumuka ndiko kunokonzera hunzenza hwakadai uye vechidiki vanowana dzidzo ipi kana vakuru vachidai? Madzishe anofanira kuramba achiranga zvakaomarara vose vanobatwa nemhosva dzekuita makunakuna seaya.

Share This:

Sponsored Links