Uncategorized

MAONERO EDU: Varimi tengai dhibhi moga

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: Varimi tengai dhibhi moga

Kwayedza

ZIMBABWE gore rino inonzi yarasikirwa nemombe dzinodarika 50 000 idzo dzinokosha $50 miriyoni nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe, kunyanya chinozivikanwa nekuti January disease.

Hurumende inoti iri kuda mari inosvika $11 miriyoni yekutenga mishonga yedhibhi yekurwisa zvirwere izvi pagore. Chirwere cheJanuary disease chinoparadzirwa nezvikwekwe zveruvara rwupfumbu izvo zvinoruma zvipfuyo.

Mashoko ekurasikirwa kwenyika nezvipfuyo zvakawanda kudai akaziviswa nemukuru webazi reLivestock and Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, svondo rapera apo vaitaura kukomiti yedare reParamende inoona nezvekurima. Dr Nyika vakange vashevedzwa nekomiti iyi kuti vape hurongwa hwavo hwebhajeti regore rinotevera.

Zvinorwadza zvikuru kunzwa kuti mombe dzakawanda kudai dziri kufa nekuda kwezvirwere zvinokwanisa kudziviririka kuburikidza nekudhibhisa. Hongu, ibasa reHurumende kuti inge ichiona kuti mishonga yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kuzvipfuyo yawanikwa, asika izvi hazvireve kuti murimi ongopeta mawoko asina zvaanoita. Idzo mombe dzichingopera kufa? Mishonga yekurwisa zvirwere zvinosanganisira January disease inoda mari yekunze iyo iri kunetsa zvikuru kuiwana kana takatarisa zvimhingamipinyi zvakatarisana nenyika munyaya dzeupfumi. Hurumende pari zvino haizi kukwanisa kuwana mari yekunze kwenyika inokwanirana nekuda kwezvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumadokero.

Naizvozvo zvakakosha kuti murimi atorewo matanho ekudzivirira zvirwere kuzvipfuyo zvake semombe, mbudzi, hwai kana nguruve kuburikidza nekuzvibaya majekiseni kana kufirita.

Murimi akangwara uye ane chido nezvipfuyo zvake haangomirira kuti Hurumende bedzi inge ichitsvaga mishonga yekudhibhisa mombe dzake, asi kuti iyewo anoshingaira kutsvagawo mishonga inoita kuti achengetedze upfumi hwake – zvipfuyo. Kune vamwe varimi vatove nemakore akawanda chaizvo vachitenga voga mishonga yekufirita mombe dzavo nedonzvo rekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe. Hapana chakaipa, ivava ndivo vanoziva kuti zvipfuyo upfumi. Murimi anofanira kushinga kuchengetedza zvipfuyo zvake kubva kuzvirwere sekushinga kwaanenge akaita mukutenga zvipfuyo izvozvo. Semuenzaniso, mari inodiwa pakutenga mushonga wekufiritisa mombe kuitira kudzivirira zvikwekwe ishoma zvikuru kana zvichienzaniswa neinodiwa pakutenga mombe yacho.

Kana mombe dzikafa nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe, murimi anorasikirwa zvikuru uyewo Zimbabwe yorasikirwawo nekuti danga renyika rinenge richienda richishomeka.

Murimi kana asina mombe kana madhongi, anoomerwa zvakanyanya munguva ino yeZhizha pakurima nekuti anenge ave kutobhadhara mari kune vanadzo kuitira kuti vamurimire. Pamusoro pezvo, Zimbabwe inogona kutengesa nyama kune dzimwe nyika izvo zvinoita kuti nyika iwane mari yekunze. Hapana nyika yakabudirira nekungogarira zvinhu zvekungopihwa, asi kuti nekushanda nesimba. Musangomirira kuitirwa zvose neHurumende, imiwo itaiwo penyu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>