MAONERO EDU: Vision 2030 – Mabasa omuka

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Vision 2030 – Mabasa omuka

Kwayedza

HURONGWA hweHurumende hwekuti munyika muve nemabasa uye kuti pave nekusimukira munyaya dzeupfumi nechinangwa chekuzadzikisa chirongwa cheTransitional Stabilisation Programme necheVision 2030 hwave kutanga kuve nezvibereko.

Pari zvino Hurumende – kuburikidza nePublic Service Commission (PSC) – iri mushishi kupinza maticha anosvika 1 500 mabasa uye danho iri rinotevera kushomeka kwevarairidzi, zvikuru kuzvikoro zvekumaruwa.

Pane mashoko anoti kune dzimwe nzvimbo dziri kumaruwa muraridzi mumwe chete ari kudzidzisa vana vanosvika 120 mukirasi.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anodzosera shure budiriro yedzidzo sezvo ticha anopedzisira awandirwa nevana zvichiita kuti atadze kuvadzidzisa zvakazara.

Naizvozvo Hurumende ine hurongwa hwekupinza vararidzi 3 000 mabasa nekudaro yakatotanga ne1 500 vane mazita ava kuPSC ava.

Kupinzwa mabasa kwevarairidzi ava idanho guru mukusimudzira chikamu chedzidzo munyika uyewo neupfumi zvakare.

Varairidzi vari kupinzwa basa ava vanenge vokwanisa kusimudzirawo kumhuri kwavanobva zvinova zvinoenderana nedonzvo reHurumende rekuti vanhu vave nemabasa akati tsvetere.

Budiriro yeupfumi hwenyika ipi neipi inoonekwa kuburikidza nekupinzwa kwevanhu mabasa uye mucherechedzo wakanaka ndewenyika yeChina, uko vanhu vakawanda vari kupinzwa mabasa zvichiitawo kuti upfumi hwayo huendeke.

Kunze kwekupinzwa kwevarairidzi mabasa, Hurumende iri kutora mamwe matanho akasiyana ekuti mabasa avepo uyewo nekusimudzira upfumi.

Havasi varairidzi bedzi vari kupinda mabasa asi kune mamwe mapazi ari kuitawo zvimwe chetezvo. Zvishoma nezvishoma Zimbabwe inosvika bedzi! Munyaya dzezvekufambisa, nyika yeBelarus yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi anosvika 500 anotakura veruzhinji uye danho iri riri kuuya panguva iyo kushanya kwakaitwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuEurasia kwave kutanga kuratidza zvibereko. Nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakashanyira Russia, Belarus, Azerbaijan neKazakhastan kwesvondo rose.

Muhurukuro dzakaitwa, mutungamiriri weBelarus President Alexander Lukashenko vakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500, rinova danho richasimudzira nyika ino zvikuru munyaya dzekutakurwa kweveruzhinji zvichienderana nechirongwa cheHurumende cheTransitional Stabilisation Programme necheVision 2030.

Kunze kwekuwanisa veruzhinji zvekufambisa, kuuya kwemabhazi aya kunoreva kuti vatyairi vachawanawo mabasa pamwe nemakondakita izvo zvinoita kuti vakwanisewo kuriritira mhuri dzavo.

Nekudaro kuuya kwemabhazi aya idanho guru munyaya dzekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Handizvo bedzi. Nerimwewo divi, Zimbabwe yakwanisa kudzikisa huwandu hwemagetsi ainotenga kubva kunze kwenyika nechikamu che50 percent uye izvi zvinotevera kuvandudzwa kwakaitwa gwenya reKariba izvo zvaita kuti rikwanise kukwenya magetsi akawanda. Mabasa akatomuka ipapa.

Share This:

Sponsored Links