MAONERO EDU: Zimbabwe haina kungouya nyore

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
MAONERO EDU: Zimbabwe haina  kungouya nyore

Kwayedza

mugabe3NEMUSI weMugovera 18 Kubvumbi svondo rino, zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana mukupemberera kusvitsa makore 35 nyika ino yawana kuzvitonga kuzere kubva kuhudzvanyiriri hwevapambevhu.

Iri izuva rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika ino nekuti tinofanira kurangarira kwatakabva kwete kukanganwa chazuro nehope.

Iri izuva rinotiyeuchidza kuti Zimbabwe yakauya sei uye mushure mekunge muRungu nevaimutsigira vadashurwa nevarwi vehondo yeChimurenga kusvika papi. Tinoyeuka kuti Ian Smith aibheja achiti, “Kwete mumakore chiuru. Zimbabwe haife yakatongwa nemutema.” Asi vana veZimbabwe vakamuratidza kuti airotomoka masikati machena, ndokumukwapaidza zvose nevaimutsigira zvekuti vose vakasara vapfava, miswe yave muhamba. Akagwadama rakacheka nyika zuva, Zimbabwe izere nehuchi nemukaka ikazvarwa musi wa18 Kubvumbi 1980.

Regai tichirove zvedu isu chiRungu chacho tichiti: “#1980 sofarsogood”. Nekuti chekuchema hapana apa, rusununguko rwakauya zvachose uye nyika ino haife yakadzokera kumabhunu.

Rusununguko rwuri muZimbabwe nhasi uno haruna kuuya nyore asi kuti kune vakadeura ropa ravo nedonzvo rekuti vanhu vatema vazvitonge.

Kana nevamwe nhasi uno vave vatengesi, avo vanoda kudzosera shure rusununguko urwu, vari kuita izvi munyika yakasununguka. Nekuti dai musina rusununguko urwu, havaiita madiro “aJojina”, sezvari kuita kudyidzana nemhandu dzeZimbabwe.

Isu hatina chekunyara kana kutya. Tengesa hako kana kudzosera budiriro shure asi yeuka kuti uri kuzviita nekuti uri munyika yakasununguka, nyika inoda runyararo uye mune hutungamiri hunoremekedza kodzero dzevanhu. Dai ari mubhunu hawaizviita iwe!

Mhemberero dzekuwana kuzvitonga kuzere ndedzemunhu wose uye hadzinei nezvemapato ematongerwo enyika.

Kune vamwe, zvikuru vechidiki, vanogona kuda kuzvidza zuva iri nekusarikoshesa uye kusaziva zvarinoreva. Ivava vanoda dzidziso kuti vave neruzivo rwenhoroondo yekwakabva nyika.

Nhoroondo iyi yakakosha nekuti ndiyo gwara renyika — nezuro, nhasi namangwana. Vanhu vatema vaibatwa senhapwa munyika yavo yechipikirwa nemabhunu. Panyaya yeminda, vachena vakange vatora nzvimbo dzine ivhu rakakorera vatema vachikandwa kune jecha. Zvose izvi zvakapera, yatova nhoroondo nokuti ivhu rakadzoka kuvaridzi varo.

Kunyangwe mumabasa chaimo, mutema aipihwa mari shoma muchena achihoreswa yakawanda asi vachiita basa rimwe chete. Apa paishandiswa rusaruraganda sezvo mutema aitarisirwa pasi.

Muguta reHarare maive nenzvimbo dzainzi vatema vaisafanirwa kuonekwa variko nekuti yaive mhosva uye paitoda gwaro ravaipihwa nevachena kuti vabvumidzwe kuendako. Nzvimbo idzi dzaisanganisira munaFirst Sreeet uko kwainzi kunofanira kuonekwa veganda jena bedzi.

Zvikoro kwaiva nezvevana vevachena uko vevatema vaisada kuonekwa, kudarika neko unenge uri mushandi wekucheka huswa kana kugeza zvimbuzi bedzi. Asi nhasi uno zvakapera, vana vodzidza vakasangana uye munaFirst Street mava nevatema vakawanda kudarika vachena. Ndirwo rusunungukoka urwu!

Share This:

Sponsored Links