MAONERO EDU: Zimsec: Vanhu ngavarove pasi

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
MAONERO EDU: Zimsec: Vanhu ngavarove pasi

Kwayedza

SVONDO rino nemusi weChishanu (16 Kukadzi) vana vakanyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera vari kutarisirwa kunyora zvakare zamanishoni reEnglish Paper 2.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa iyo inoratidza kuti kune vamwe vana vakabirira kuburikidza nekuona mapepa ebvunzo idzi nguva yekunyorwa kwadzo isati yakwana. Kubirira kunonzi kwakaitwa nevamwe vadzidzi kunonzi kwakazoonekwa apo bvunzo idzi dzaimakwa. Gore rapera pane mashoko akambobuda ekuti pane kubirira kwaive kwaitika pabvunzo dzeEnglish Paper 2 izvo zvinove zvakarambwa neZimsec panguva iyi. Danho rekuti vana vanyore bvunzo idzi patsva mwedzi uno rakonzera kugeda-geda kwemeno munyika. Panotova nevabereki vakakwidza nyaya iyi kudare guru reHigh Court vachipikisa kunyorwa zvakare kwebvunzo idzi uye dare iri raitarisirwa kutura mutongo waro neChitatu chino.

Mutongi wedare guru iri, Justice Loice Matanda Moyo, akatoshora Zimsec achiti “misoro inofanirwa kugunduruka” kukanzuru iyi nekuda kwezvakaitika. Ukuwo veruzhinji vari kushushikana kuti sei Zimsec isina kuti bvunzo idzi dzinyorwe zvakare gore rapera pazvakaonekwa kuti paive nekubirirwa kwakange kwaitwa nevamwe vana. Kunyorwa patsva kwebvunzo idzi mushure memwedzi mitatu dzambonyorwa kuomesera vana nevabereki. Vamwe vana vakanyora bvunzo idzi gore rapera vanogona kunge vakashanya kune dzimwe nyika sekumhiri kwemakungwa. Hazvisi nyore kuti munhu adzoke chiriporityo sezvo pachidiwa mari yakawanda yekutenga matikiti endege. Izvi zvinoreva kuti kune vamwe vana vanogona kutadza kunyora patsva bvunzo idzi nekuti vanenge vasiri munyika muno. Kana ivo vari munyika muno, vanogona kukundikana kunyora nekuda kwekushaya mari dzekufambisa kubva kwavanga vari.

Vabereki vari kuomerwawo nedanho iri nekuti kune vamwe vane vana vaifunda kumabhodhingi avo vanofanirwa kudzokera kuzvikoro izvi kuitira kuti vakwanise kunyorazve bvunzo idzi. Mari iri kunetsa kuiwana zvichireva kuti watove mutoro kuvabereki wekuti vatsvaga mari yevana vavo yekufambisa. Kune vamwe varairidzi zvakare vave kutora mukana uyu kuitisa vana veO-Level zvidzidzo zvema”extra-lessons” zveEnglish Paper 2 segadziriro yebvunzo idzodzi. Kureva kuti vabereki havana zororo sezvo vanoramba vachingosvinwa kuti vaburitse tumari tushoma itwotwo twavanenge vakasungirira. Zvinorwadza kuti sei mapepa ebvunzo dzeZimsec achigara achingobirirwa gore roga-roga. Woona hapana matanho masvinu anotorwa. Kare kwakange kusina nyaya dzakadai uye hatisati tambonzwa kuti pamazamanishoni eCambridge paita kubirira.

Kubiritswa kuri kuitwa mapepa ebvunzo eZimsec nechikiribidi – kunze kwekuomesera vana vachinzi vanyore zvakare – kunokanganisawo chimiro chedzidzo yemuZimbabwe. Fundo yemuZimbabwe yagara inorumbidzwa zvikuru pasi rose izvo zvaona vanhu vemuno vachienda pamusoro pevamwe muAfrica nekune dzimwe nyika panyaya dzekugona mabasa – zvose zvichibva mukudzidza. Asi nemabirirwo ave kuitwa bvunzo dzeZimsec uye kana pakasatorwa matanho akasimba ekupedza huny’any’a uhu, fundo yemuno ichapedzisira isisina chiremerera icho chainacho pari zvino.

Zimsec inofanira kurongeka kwete kuti kubirirwa kwemazamanishoni gore negore kuite serwiyo. Apo vanhu vari kutemwa misoro nenyaya yekunzi vana vanyore zvakare bvunzo, chikuru kuona kuti Zimsec yagadziriswa, matanho akasimba atorwa – kana zvichireva kudzingwa kwevanhu mabasa ndizvozvo. Nekuti hapana asiri kurwadziwa nekugunun’una. Pasi nehuwori kuZimsec! Kana zvichireva kuti kune vashandi vari muchikiribidi ichi, vose vane huwori ngavarove pasi!

Share This:

Sponsored Links