MAONERO EDU

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera takaburitsa nyaya yemumwe muporofita wemuHarare, uyo anoti akaenda kudenga kaviri ndokunoita musangano naMwari. Sekutaura kwaPhophet Talent Madungwe (30), uyo anove muvambi wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iri kuSunningdale, anoti mushure mekuita hurukuro naMwari, akazogadzwa kuve muporofita wepasi rose (phophet of all nations).Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, vaverengi vakawanda vari kushora muporofita uyu vachiti ndewe manyepo.

Vamwe vari kuti muporofita uyu anogona kunge ari murwere wepfungwa, nekudaro anofanira kuenda kunoongororwa namachiremba.

Kozoti vari kuti iyi inogona kunge iri nzira yekutsvaga mari kuburikidza nekuti vanhu vakawanda vaende kuchechi yake sezvo ari kuzvipa mukurumbira wekuti akaita musangano naMwari.

Vaverengi vari kuti hapana munhu anokwanisa kuona Mwari achizorarama uye izvi vari kuzvitora kubva mumagwaro emubhaibheri.

Moses wemubhaibheri paakakumbira kuona Mwari, apo vaitaura naye achingonzwa izwi ravo chete, vakamuudza kuti hazviite kuti aone chiso chavo nekuti kana akangodaro chete anobva afa.

Zvino Prophet Madungwe anoti akaita musangano naMwari mbune vakatarisana zviso sei?

Semaonero edu, zvakakosha kuti veruzhinji vangwarire maporofita ari kungonyuka mazuva ano.

Tinodaro nekuti havazi vose vane chinangwa chekuparidza shoko raMwari uye izvi zvinoonekwa nezviri kuitwa nevamwe vari kuzviti maporofita. Nhasi uno kune nyaya dzakawanda dziri kubuda dzevari kuzviti maporofita avo vari kubatwa nemhosva dzakaita sekubata chibharo pamwe nekuita chehupombwe nemadzimai akaroorwa.

Chinonetsa ndechekuti zvisinei kuti nyaya dzakadai dziri kubuda munhau, kune vamwe vari kuramba vachingonyengedzwa.

Regai vakuru vati kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira.

Zvakakosha zvakare kuti maKristu ave anonzvera bhaibheri zvakasimba kuitira kuti vasanyengedzwa nemaporofita enhema.

Tinodaro nekuti Satani anogona kukwikwidzana naMwari zvekuti dzimwe nguva kana pakashaya mweya wekunzvera munhu anofunga kuti zvimwe zvinhu zviri kuitwa nesimba raMwari iye ari Satani.

Muenzaniso ndewe nyaya iri mubhaibheri apo Moses akaita minana pamberi paMambo Pharaoh paakatora tsvimbo yaaive nayo akairovera pasi ikasanduka kuita nyoka.

Mambo Pharaoh akashevedza n’anga pamwe nevavuki vake vakarovera tsvimbo dzavo pasi dzikashandukawo kuita nyoka.

Asi nyoka yakasanduka kubva panzvimbo yaMoses yakamedza dzimwe nyoka dzose dzakange dzasanduka kubva patsvimbo dzen’anga nevavuki vaMambo Pharaoh.

Nyaya iyi inoratidza yoga kuti kana vaKristu vakasava nemweya wekunzvera, vanorasiswa chitendero nevamwe vanenge vachizviti maporofita asi vari venhema.

Zvisinei, nhoroondo inotaridza zvakare kuti avo vanotamba nezita raMwari havakoni kuwaniswa mugove wavo wekurangwa pamwe nekunyadziswa.

Saka vanhu ngavatambe nezvimwe, kwete nezita raMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey