Uncategorized

Mapofu, vasingataure voponeswa?

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Mapofu, vasingataure voponeswa? VANA vanonzi vaive mbeveve vaine vabereki vavo

Kwayedza

VANA vanonzi vaive mbeveve vaine vabereki vavo

VANA vanonzi vaive mbeveve vaine vabereki vavo

PANE mhuri yevana vana avo vakaberekwa vasingagone kutaura zvachose asi vave kunzi dambudziko ravo rakapedzwa nemamwe maporofita ekuGoora, kwaShe Madziva, kuMashonaland Central.
Mai Francisca Marara Chakati (36) vekwaChahwanda, kwaDotito kuMt Darwin, vakaudza Kwayedza apo vaiva pamasowe nevana vavo — Euvon (18), Peludence (10), Lillian (6) naTakunda (8) — kuti vakavabereka vose vasingagone kutaura.

Mai Chakati, nemurume wavo VaSteady Chakati, vanoti mhuri yavo ine vana vashanu, apo mumwe chete bedzi ndiye asina kusangana nedambudziko rekutadza kunyatsotaura.

Pavakasvikirwa nevatori venhau, Mai Chakati vaiti vakanga vasvitsa svondo rimwe chete vachibatsirwa pasowe iri, vana vavo vachibva vatanga kutaura.

“Ndakangonzwawo kuti pari kubatsirwa ndichibva ndauya nevana vangu. Ndakabatsirwa uye ndiri kunzi ndimbogara pano zvishoma kusvikira vana vangu vanyatsobatsirwa,” vakadaro.

Vanoti havanzwisise kuti dambudziko iri rakavawira sei sezvo kumusha kwavo kana kwemurume wavo kusina nhorowondo yevanhu vanotadza kutaura.

Mumwewo aiva pamasowe apa ndiSekuru Mahapa Mafume (64), vanobva KwaDick Hark mudunhu rimwe chete iri, avo vanoti vanga vari bofu kwemakore 20 asi ndokuzobatsirwa nemaporofita aya, zvikaita.

“Ndakauya pano ndisingaone asi zvino ndave kuona. Hapana chandakabvisa kunze kwekubatsirwa naMwari,” vakadaro.

Vanoti denda ravo rakatanga apo vaiva kubasa kwavaishanda.

Maporofita maviri aya, murume nemudzimai, VaIshmael Mufuse (32) naMai Cathrine Chapata Mufuse (26) ndivo vanonzi vari kuita mashura ekuponesa vanhu aya. Chechi yavo inonzi Apostolic Faith Church (AFC), iyo inozivikanwa zvakare nekuti yekwaMugodhi.

Vanoti pavakaroorana mugore ra2008, havana kumboziva kuti vachaguma vave kushandiswa naMwari kusvika padanho iri.

Mai Mufuse vanoti vakatendeuka muchechi iyi mugore ra1993 apowo murume wavo akaberekerwa mukereke iyi.
“Nyaya iri pano haisi yekuzvipembedza, Mwari vari kubata pano pasina miripo yatinoda kubva kuvanhu. Kana munhu achiunza chipo kuda kwake kwete kubhadhara. Isu handisu tinorapa kana kuporesa asi kuti ndiMwari, hatizvipe mbiri,” vakadaro Mai Mafuse.

Pakashanyirwa sowe iri pakawanikwa paine varwere vakanga vabva kumativi akasiyana enyika avo vainzi vaidarika zana.

Mai Betty Beulla Nyamidzi (34) vekuSohwe, kuMt Darwin, vaiti:

“Ndakarwara kwemakore 8 negomarara remuchibereko, ndakauya pano ndikaporeswa.”

Vanonobatsirwa panzvimbo iyi vanozvivakira misososo yekugara.

Share This:

Sponsored Links